RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/03 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 8/03 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. October: Govera Nharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, tapota govera bhurocha raAnodei uye pfuurira nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri. November: Govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Vanasaimba pavanenge vachitova nemabhuku aya, govera bhuku raNamata Mwari kana kuti rimwe bhuku rekare.

◼ Kutanga nevhiki yaOctober 20, 2003, tichadzidza bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi paChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Kuverenga mabhuku nemagazini ose aripo kwepagore negore kunofanira kuitwa musi waAugust 31, 2003, kana kuti pedyo nomusi wacho sezvinobvira. Kuverenga uku kwakada kuita sokuverenga chaiko kunoitwa mwedzi nomwedzi nomutarisiri wemabhuku, uye nhamba dzemabhuku acho nemagazini ose dzinofanira kunyorwa pafomu roKuverengwa Kwemabhuku (S-18). Nhamba yemagazini ose aripo ingawanikwa kuvatarisiri vemagazini. Munyori weungano inotarisira anofanira kutarisira kuverengwa kwacho. Iye nomutariri anotungamirira weungano inotarisira vachasaina fomu racho. Ungano imwe neimwe inotarisira ichawana mafomu matatu oKuverengwa Kwemabhuku (S-18). Tapota tumirai fomu rokutanga kuhofisi yebazi musi waSeptember 6 usati wapfuura. Chengetai rimwe fomu nokuda kwemafaira enyu. Fomu rechitatu ringashandiswa sepepa rokushandira.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2004, uye Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004 neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Izvi zvichawanikwa muchiRungu, chiShona, neZulu.

◼ Tinofara kukuzivisai kuti Dzimba dzoUmambo 43 dzakapera kuvakwa ndokutsaurirwa mumwedzi misere yokutanga yegore rebasa ra2003. Izvi zvinoita kuti nhamba yedzimba dzakatsaurirwa kubvira pakatanga chirongwa chacho muna May 2000 dzisvike ku270.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe