RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/01 p. 4
  • Iva Muiti Anofara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Muiti Anofara
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • “Vaiti Veshoko” Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mufaro waJehovha Inhare Yedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mufaro Unobva Kuna Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Shumirai Jehovha Nomufaro”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 1/01 p. 4

Iva Muiti Anofara

1 Jesu akati pakuvapo kwake, voruzhinji vaisazo“ziva” kungofanana nomuzuva raNoa. (Mat. 24:37-39) Ipapo zvinotarisirwa kuti vanhu vakawanda vacharega kuteerera mashoko akanaka oUmambo. Chii chingatibatsira kuramba tichifara sezvatinoita ushumiri hwedu?—Pis. 100:2.

2 Chokutanga, tinofanira kuziva kuti shoko redu uye basa redu rokuparidza zvinobva kuna Mwari. Kushaya kudavidza kupi nokupi muushumiri, pasinei nokuedza kwedu kwakanakisisa, chaizvoizvo kuramba Jehovha. Kuyeuka kuti kutendeka kwedu mukuparidza kune nyemwerero yokutendera kwake kuchatibatsira kuramba tichifara uye tiine mufaro womukati sevaiti veshoko raMwari.—Jak. 1:25.

3 Chechipiri, pachine vanhu vachabvuma nzira yaJehovha yokuponesa. Kunyange zvazvo voruzhinji vangave vasingakendengi, pane vamwe vakaita semakwai vachiri kufanira kuunganidzwa, kunyange zvino, mukati menguva yomugumo. Tinofanira kuramba tichiparidza, tichienda “muguta rose kana musha” kunotsvaka “mariri akafanira.”—Mat. 10:11-13.

4 Ramba Uine Mafungiro Akanaka: Chinyorwa chakaipa chechitendero chenhema chaodza vamwe mwoyo. Vamwe ‘vakabatwa zvisina kufanira uye vakapararira’ negadziriro ino yezvinhu. (Mat. 9:36) Vakawanda vangakurirwa nokushayiwa kwavanoita mabasa, kutarisirwa kwoutano, uye kuchengeteka. Kunzwisisa izvi kuchatibatsira kupfuurira mubasa redu. Edza kutanga hurukuro dzinobata nhau dzinonetsa zvikuru vanhu vomundima yedu. Vabatsire kuona kuti Umambo hwaMwari ndihwo mushonga chete. Shandisa Magwaro uye pfungwa dzakananga dziri mumabhuku kubaya mwoyo yavo nemashoko akanaka.—VaH. 4:12.

5 Vaiti vanofara veshoko raMwari nguva dzose vanoyeuka kuti: “Mufaro waJehovha isimba re[du].” (Neh. 8:10) Hapana chikonzero chokurasikirwa nomufaro wedu. “Kana imba ichifanira, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isingafaniri, rugare runobva kwamuri ngarudzokere pamuri.” (Mat. 10:13) Jehovha anoita kuti mufaro nesimba redu zvive zvitsva sezvatinotsungirira nokushivirira mubasa rake dzvene, uye anokomborera kutendeka kwedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe