Betsera Vamwe Kuwana Nyaradzo
1 Vanhu vakawanda vaneta nokunzwa pamusoro pengwavaira, hondo, utsotsi, uye kutambura. Nyaradzo, kunyange zvazvo ichishayikwa nenzira inocherekedzeka mumishumo yenhau yanhasi, ndechimwe chinhu icho rudzi rwomunhu rwunoda. Kunyaradza kunoreva “kupa simba netariro” uye “kupfavisa nhamo kana kuti chinetso” chomumwe. SeZvapupu zvaJehovha, takashongedzerwa kubetsera vanhu neiyi nzira. (2 VaK. 1:3, 4) Mabhurocha edu akavakirwa paBhaibheri atichave tichigovera muna July naAugust ane mashoko echokwadi anonyaradza. (VaR. 15:4) Hezvino zvimwe zvikarakadzo zvokuasuma mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana:
2 Nhau inosuruvarisa inogona kumutsa mukana wekupa uchapupu uye kunyaradza vamwe, zvichida kupfurikidza nokutaura kwako chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Panoitika zvinhu zvakadaro, vamwe vanoshamisika kana Mwari ariko chaizvoizvo uye, kana ariko, achitiitira hanya. Munofungei? [Bvumira mhinduro.] Imwe nzira yokuziva nayo kana kuna Mwari kushandisa nheyo yakasanobvumikiswa.” Rava VaHebheru 3:4. Taura zvimwe zvinhu zvakatipoteredza izvo sezviri pachena zvaida muiti. Ipapo pfuurira kuti: “Ndine bhurocha randinoziva kuti muchawana kuva rinonyaradza. Rine musoro unoti Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? [Rava mibvunzo iri pabutiro.] Rine zvibvumikiso zvinopwisa kwete bedzi kuti Mwari ariko asi kuti nokukurumidza achagumisa mamiriro ezvinhu ose akaipa atinotarisana nawo nhasi. Mungada kurirava here?” Ronga kudzoka.
3 Pashanyo yedzokerero, ungataura kuti:
◼ “Takanga tichitaura pamusoro pezvibvumikiso zvokuvapo kwaMwari pandakasiya bhurocha raMwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Zvichida makacherekedza iri pfundo riri papeji 7. [Ratidza mufananidzo uye pfupikisa ndima 15.] Uyu unongova muenzaniso mumwe unoratidza kuti Mwari anoitira hanya anofanira kuvapo chaizvoizvo. [Rava ndima 27 papeji 8.] Fundo yemunhu oga yeBhaibheri yakandibetsera kugonana nezvinetso zvezuva nezuva zveupenyu nemhaka yokuti inopa murangariro waMwari wenhau.” Karakadza kuratidzira fundo.
4 Kupupura kusina kurongwa kunogona kuitwa uchishandisa bhurocha ra“Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?” Ungazvisuma ndokuti:
◼ “Iri bhurocha rine mashoko anokosha andinodavira kuti achakufadzai.” Rava ndima yokutanga papeji 4 yebhurocha racho, uchiita saizvozvo nenzira yomuzvarirwo, nemutoo wekurukurirano. Bvunza munhu wacho zvaanofunga, uye bvumira mhinduro. “Ndavhura Bhaibheri rangu pana Isaya 45:18. Iyi ndima inoratidza kuti pasi pakasikwa isu tichirangarirwa. Ndingakuravirai here?” Pashure pezvo, tsanangura donzo rebhurocha racho, uye rigovere.
5 Pashanyo yedzokerero, ungaedza uyu mutoo kuti utange fundo:
◼ “Ndingada kutangira pakurukurirano yedu yokupedzisira kupfurikidza nokuenzanisira uyo anogona kutitaurira donzo roupenyu. [Taura nemamwe mashoko ndima 1 ne2 dziri papeji 6 mubhurocha raDonzo Roupenyu.] Zvakazarurwa 4:11 inotsanangura kuti Jehovha Mwari ndiye Musiki wedu. [Rava.] Chokwadika anofanira kuve akanga ane chikonzero chokutisika. Vanhu vave vachida kuziva kuti chii vakafunda Shoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri. Ndingada kukupai mukana iwoyo.” Tsanangura kuti kosi yedu isingaripirwi yefundo yeBhaibheri yepamusha inoitiswa sei, uye ita gadziriro dzokutanga fundo.
6 Uyu mutoo wakananga unganyaradza avo vakafirwa nomudiwa:
◼ “Ndiri kuitira basa repachena vose vakafirwa nomudiwa. Sezvo chiri chimwe chezvinhu zvakaoma zvikurusa izvo upi noupi wedu achazombogonana nacho, iri bhurocha, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, rakagadzirwa. Rakabetsera mamiriyoni evanhu. Ndingada kukuratidzai charinotaura pamusoro pechipikirwa chinofadza chakataurwa naJesu Kristu. [Rava ndima yechishanu iri papeji 26, kubatanidza naJohane 5:21, 28, 29.] Cherekedzai uyu mufananidzo uri papeji 29 unoratidzira Evhangeri yaJesu achimutsa chaizvoizvo Razaro kuvakafa. Ndine chokwadi chokuti mungada kurava iri bhurocha rinonyaradza.” Govera bhurocha racho pamupiro wenguva dzose.
7 Paunodzokera, ungagona kuratidza zvekare mufananidzo uri papeji 29 yebhurocha ra“Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa” ndokuti:
◼ “Yeukai kurukurirano yedu pamusoro pekumutswa kwaRazaro naKristu. [Rava mashoko anorondedzera mufananidzo uri papeji 28, uye rangarirai mashoko ari pasi pemusoro unoti “Rwakaitika Chaizvoizvo Here?”] Kana mwoyo wenyu uchipanga kudavira kuti munogona kuona zvekare mudiwa akafa, regai ndikubetserei kuva nokutenda mutariro yorumuko.” Karakadza fundo yeBhaibheri yepamusha.
8 Ngatiitei unani hwedu mumwedzi iri mberi mukutevedzera Jesu kupfurikidza no‘kunyaradza vose vanochema.’—Isa. 61:2.