Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
1 Usati wava nezivo yakarurama yechokwadi, sezvingabvira wakanga une mibvunzo yakawanda pamusoro poupenyu yawakanga usingagoni kupindura. Wakafara sei kugamuchira mhinduro dzakavakirwa paBhaibheri dzemibvunzo iyoyo! Zvino unogona kubetsera vamwe kuwana mhinduro dzimwe chetedzo. (Enzanisa na2 Timotio 2:2.) Unogona kugoverana navo zivo yaMwari inotungamirira kuupenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Asi unogona sei kubetsera mumwe munhu kunzwisisa kukosha kweiyi zivo? Eya, funga nezvemibvunzo iyo chokwadi chakakupindurira. Chii icho vatsvaki vechokwadi vanoshuva kuziva? Kurangarira izvozvi kunogona kukubetsera kugovera bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Zvikarakadzo zvinotevera zvingakubetsera pakugadzirira kupupura mukati maJune.
2 Sezvo vanhu vakawanda vachishamisika kuti nei kune kutambura kwakawanda kwazvo munyika, uku kusvika kungawana kudavidza kwakanaka:
◼ “Apo ngwavaira inorovanya kana kuti apo zviito zveutsotsi nemasimba masimba zvinowedzera, vanhu vanowanzobvunza kuti nei zvinhu zvinotyisa zvakadaro zvichiitika. Ndeipi yaizova mhinduro yenyu?” Bvumira mhinduro ndokubvuma kupindura kwemunhu wacho. Ipapo enda kuganhuro 8 mubhuku raZivo, uye taura chinotaurwa mundima 2. Tsanangura kuti iri bhuku rinopa tsananguro yeBhaibheri kuzvikonzero nei zvinhu zvakaipa zvichiitika, ndokuti: “Ndingafara kugovera iyi kopi kwamuri pamupiro we$7,00.”
3 Pakushanyirazve kwawakagovera bhuku ra“Zivo”, ungagona kuti:
◼ “Ndinofarira mhedziso yamakasvika pamusoro pechikonzero nei kune kutambura kwakawanda kwazvo munyika. Munobvumirana here nemhinduro yeBhaibheri seinorondedzerwa mubhuku racho?” Bvumira mhinduro. Rava ndima 17 papeji 77 mubhuku raZivo, uye karakadza kurava VaRoma 9:14 muBhaibheri rasaimba. Ipapo iti: “Mashoko akanaka ndeokuti Mwari haatiparire nokusaruramisira marwadzo nokutambura. Akavimbisa kutipa upenyu husingaperi murugare nomufarwa. Ganhuro rekutanga muiri bhuku rine musoro unoti ‘Unogona Kuva Neramangwana Rinofadza!’ Ndingada kutsanangura kuti izvozvo zvinogona kuva zvechokwadi sei kwamuri nevadiwa venyu.” Enda kuganhuro 1, uye ratidzira mutoo wedu wefundo. Fukidza pakakura peganhuro racho sepakafanira mumamiriro ezvinhu acho.
4 Ungasarudza kushandisa sumo iri papeji 12 mubhuku ra“Kurangarira”, pasi pemusoro unoti “Ukweguru/Rufu”:
◼ “Makambobvunza kuti: ‘Rufu ndiwo mugumo wezvinhu zvose here? Kana kuti kune chimwe chinhu here pashure porufu?’ [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotsanangura mibvunzo ipi neipi yatingava nayo pamusoro porufu. [Rava Muparidzi 9:5, 10.] Rinoratidzawo kuti kune tariro chaiyoiyo kuavo vane kutenda. [Enda kundima 13 papeji 84 mubhuku raZivo; rava ndokutsanangura mashoko aJesu anowanwa pana Johane 11:25.] Iri ganhuro rose rakatsaurirwa kupindura mubvunzo wokuti, Chii chinoitika kuvadiwa vedu vakafa?” Govera bhuku racho pamupiro wenguva dzose.
5 Pakuita shanyo yedzokerero, ungagona kumutsidzira kuzivana kwenyu uye ipapo kuti:
◼ “Nguva yakapfuura takataura pamusoro pezvinoitika apo munhu anofa. Vanhu vakawanda vanodavira kuti upenyu hupi nohupi pashure porufu huchava kudenga kana kuti kuhero. Asi makambofunga here pamusoro pebviro yekurarama zvekare kwevakafa pasi pano chaipo? [Bvumira mhinduro.] Maererano neBhaibheri, vanomutswa vachava pakati pevanyoro vachagara nhaka yenyika. [Rava Pisarema 37:11, 29, ipapo kurukurai ndima 20 papeji 88 mubhuku raZivo.] Tariro iyoyo yakapa nyaradzo mamiriyoni evanhu vairarama vachitya rufu. Iri bhuku richakubetserai kunzwisisa nhau yacho zviri nani. Ndingaratidzira here kuti sei?”
6 Kana uchisarudza kushandisa sumo yakapfava, ungaedza iyi:
◼ “Ndingada kukuratidzai mufananidzo uri muiri bhuku, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Uyu hausi mufananidzo wakaisvonaka here?” Zarura bhuku racho kuitira kuti saimba agone kuona mapeji 4-5. Bvumira mhinduro yake. Ipapo rava mashoko ari papeji 5. Gumisa kupfurikidza nokuti: “Mungawana iri bhuku kuti muzviravire pamupiro we$7,00 bedzi.” Bvunza ichava nguva yakanaka yekudzoka kuzopfuudzira fariro ipi neipi inoratidzwa.
7 Tine zivo inobva kuna Mwari inopindura mibvunzo inokosha youpenyu. Gadzirira nokushingaira, uye Jehovha achakomborera nhamburiko dzako dzekugoverana aya mashoko anopa upenyu neavo vari kutsvaka chokwadi.