Tino“paridza Shoko”
1 Maererano nerondedzero yeBhaibheri ye“mazuva okupedzisira,” vanhu vazhinjisa nhasi vane “mufananidzo bedzi wokunamata Mwari.” (2 Tim. 3:1, 5) Ikoku imhaka yokuti vatungamiriri vorudzidziso vakundikana kupa nhungamiro yomudzimu yepachokwadi kumapoka avo. Vafundisi vechiKristudhomu havatsigiri Bhaibheri. Vanoda zvavo kudzokorora dzidziso dzisina maturo dzevazivi nevafundisi kana kuti kusimudzira nhau dzakadzama dzenzanga nematongerwe enyika panzvimbo pokuparidza Shoko raMwari. Vatungamiriri vorudzidziso vazhinji havadaviri Bhaibheri. Vanofunga kuti rava rechinyakare, naizvozvo nenzira yakashata vanotsigira rondedzero yemhindumupindu panzvimbo pedzidziso yeBhaibheri pamusoro poMusiki Mukuru. Vafundisi vazhinjisa havatomboshandisi kunyange zita raMwari amene, uye havarambi kuti ribviswe mushanduro dzazvino uno dzeBhaibheri.
2 Sezvakanga zviri zvechokwadi nevatungamiriri vorudzidziso vomuzuva raJesu, vafundisi vanhasi vari kuparidza pasina maturo. (Mat. 15:8, 9) Zvakangoita sezvakafanotaura muporofita Amosi. Kune “nzara panyika, asi isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amo. 8:11) Kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi, vanhu vanoda zvokudya zvomudzimu zviri muShoko raMwari.
3 Nzira Yokugutsa Nayo Chinoshayikwa Chomudzimu Chevanhu: Pauro akarayira Timotio kuomerera ku“Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa,” uye naizvozvo akamurayira zvakasimba ku“paridza shoko” kuvamwe. (2 Tim. 3:14, 15; 4:2) SeZvapupu zvaJehovha, tinofanira kuomerera kuzvinodzidziswa neBhaibheri apo tinoparidza, nokudaro tichitevedzera Muenzaniso wedu, Jesu, uyo akati: “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwowakandituma.” (Joh. 7:16) Tinoshandisa Shoko raMwari sehwaro hwokudzidzisa kwedu nemhaka yokuti tinoziva kuti rine uchenjeri hwaMwari, uye tinoda kuti vanhu vazive manyuko emashoko atiri kugoverana navo.—1 VaK. 2:4-7.
4 Vanhu vanofanira kutanga kunzwa chokwadi chinobva muBhaibheri kuitira kuti vadzidze nezvaJehovha ndokumutenda. Pauro akanyora nenzira ine mufungo kuti: “Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?” (VaR. 10:14) Nokuparidza Shoko raMwari, tinobetsera vamwe kuva nokutenda kupfurikidza nezivo yakarurama. Zivo yakadaro inogona uye inochinja upenyu kuti huve nani. Munyori weEngland Charles Dickens akanyora pamusoro peBhaibheri kuti: “Ndiro bhuku rakanakisisa rati rambovako kana kuti richavapo munyika, nemhaka yokuti rinokudzidzisa zvidzidzo zvakanakisisa izvo munhu upi noupi akasikwa anoedza kuva wepachokwadi neakatendeka anogona sezvinobvira kutungamirirwa nazvo.”
5 Avo vane nzara yechokwadi chomudzimu vanosvika pakuziva kuti chinotsigirwa nechiremera cheShoko raMwari. Shure muna 1913, Frederick W. Franz, semudzidzi wepakoreji muduku, akapiwa bhukwana rine musoro unoti Where are the Dead? Pashure pokurava mhinduro yeBhaibheri kumubvunzo uyu nefariro huru, akazivisa kuti: “Ichi ndicho chokwadi.” Mamiriyoni avatsvaki vechokwadi akasvika pakunzwa nenzira imwe cheteyo. Ngatipfuurirei kuparidza Shoko nokushingaira nembavarira uye nokudaro ndokugoverana mumufaro wokunzwa vamwe vachiti: “Ichi ndicho chokwadi.”