RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/97 p. 1
  • Marudzi Ose Avanhu Achaponeswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marudzi Ose Avanhu Achaponeswa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 1/97 p. 1

Marudzi Ose Avanhu Achaponeswa

1 Jehovha anoda kuti “[marudzi ose avanhu, NW] aponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Tim. 2:4) Kunyange zvazvo vanhu vachitapurwa kusvika kumwero wakati nemavara okugara nhaka, mamiriro ezvinhu ekare, uye mhoteredzo, vane rusununguko rwokusarudza zvavanoda uye vanogona kusarudza somunhu mumwe nomumwe nzira iyo vachashandisa nayo upenyu hwavo. Vanogona kuita zvakanaka ndokurarama, kana kuti vanogona kuita zvakaipa ndokuparara. (Mat. 7:13, 14) Ko kunzwisisa uku kunotapura sei marangarire edu vanhu vatinosvika nemashoko akanaka oUmambo?

2 Hatifaniri kufungidzira kuti kufarira chokwadi kwomunhu kunosarudzwa nezvinhu zvakadai semamiriro ezvinhu ekare erudzi kana kuti etsika kana kuti nenzvimbo munzanga. Chokwadi chinogona kufadza vaya vane dzidzo yakaganhurirwa kana kuti zvimwe yapamusoro, vaya vanobatanidzwa muzvirondwa zvematongerwe enyika, uye nyanzvi, vasingadaviri kuvapo kwaMwari, vanoti Mwari haazivikanwi, uye kunyange vatadzi vane mukurumbira wakaipa. Vanhu vanobva mumamiriro ose ezvinhu ekare uye nzvimbo muupenyu vakachinja kubva muwaichimbova mufambiro wavo uye zvino vari kukarira upenyu munyika itsva yaMwari. (Zvir. 11:19) Naizvozvo, hatifaniri kuzengurira kusvika vanhu voupenyu hwamarudzi ose neshoko roUmambo.

3 Rangarira Mienzaniso Iyi: Mumwe murume akanga aronga kuuraya baba vake vokurera asi haana. Gare gare akasarudza kuzviuraya asi akatadza. Pashure pokunge apinzwa mutorongo nemhaka yokuba nokutengesa mirimo, roorano yake yakaputsika. Nhasi munhu uyu ari kurarama upenyu hwokutendeseka uye ari kufarikanya roorano inofadza pamwe chete neukama hwakaisvonaka nababa vake vokurera. Chii chakaitisa musiyano? Akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokushandisa zvaakadzidza. Jehovha haana kumurangarira seakanga asingachadzikinuriki.

4 Mukurumbira womumwe mukadzi muduku semutambi wechikadzi wemuTV hauna kumuunzira mufaro. Asi aororwa netsika dzakaisvonaka dzeZvapupu, akabvuma fundo yeBhaibheri, uye nokukurumidza akanga ava kubetsera vamwe kudzidza pamusoro pemashoko akanaka oUmambo. Kwose kwose kwaaienda muushumiri hwapasuo nesuo aizivikanwa, asi nomufaro aitsanangura kuti aida kuzivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha panzvimbo pomutambi wechikadzi.

5 Apo Chapupu chakaronga fundo yeBhaibheri nemuzvinyoresi weNharireyomurindi, mumwe muvakidzani akanzwa nezvazvo ndokupinda fundo yacho. Muvakidzani wacho akaziva chokwadi nokukurumidza chaakanga ave achitsvaka! Iye nomurume wake vakakanzura chisarudzo chokurambana chavakanga vabvumirwa ndokuyanana. Akanga akanyura muunyanzvi hwenyeredzi uye akanga akabatanidzwa nesekete rezvekudavira midzimu, asi akakurumidza kurasa mabhuku anodhura nezvimwe zvinhu zvose zvaaive nazvo zvakanga zvakabatana neudhemoni. Akakurumidza kutanga kupinda misangano uye kutaura kuhama dzokunyama neshamwari nezvekutenda kwake kwaakanga achangobva kuwana. Zvino anopupura kuvamwe nembavarira.

6 Hatifaniri kufanotonga munhu upi noupi. Panzvimbo pezvo, ngatigoveranei mashoko akanaka nokushingaira nevanhu kwose kwose. Tine chikonzero chiri chose chokuvimba kuti Jehovha, a“notarira zviri pamwoyo,” achava “Muponesi wavanhu vose.”—1 Sam. 16:7; 1 Tim. 4:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe