Kugovera Bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
1 Takafadzwa apo bhuku idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa! Iro rakarongedzerwa kubetsera vanhu kusvika nokukurumidza kuzivo yakarurama yezvokwadi. Muna December tichava nemukana wokutanga kugovera iri bhuku mundima yedu. Chii chatinogona kutaura kuti tinyandure fariro?
2 Heinoi mharidzo iyo ingafadza munhu ane kutenda Mwari kwaneta:
◼ “Vanhu vakawanda vakakura vachidavira Mwari, asi zvino ivo vakawana kuti kutenda kwavo hakuchisiri zvakwaimbova. Chii chamunofunga kuti chingava chikonzero chaikoko? [Bvumira mhinduro.] Kutenda kwedu Mwari kunosimbiswa kupfurikidza nokurangarira zvishamiso zvechisiko chose. [Rava Pisarema 19:1.] Munhu ane mitemo inodzora iyi mitumbi yokudenga akagoverawo nhungamiro inokosha nokuda kwedu. [Rava Pisarema 19:7-9.] Idzi ndima dzinosimbisa kuti kunokosha sei kudzidza zvose zvatinogona pamusoro paMwari nezvinangwa zvake. [Danira ngwariro kumufananidzo uri pamapeji 4 ne5, uye rava mashoko anorondedzera mufananidzo wacho.] Ndaizofara kukusiyirai iri bhuku.”
3 Uchirangarira chiitiko chenhau yakati inorwadza yakaitika misi ichangobva kupfuura iyi, ungati:
◼ “Pasina panikiro makanzwa pamusoro [dudza chiitiko chacho]. Mati mamboshamisika here kana Mwari achiitira hanya chaizvoizvo pamusoro pokusaruramisira uye kutambura zvatinoona makatipoteredza kana kuti kunyange zvatinotambura nazvo isu timene? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anotida uye kuti achatibetsera munguva dzokurwadziwa.” Rava zvikamu zvePisarema 72:12-17. Vhura bhuku racho papeji 70, uye ratidzira kuti iri bhuku, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rinopindura mubvunzo uyo mamiriyoni akabvunza, Nei Mwari achibvumidza kutambura? “Muchawana mhinduro yeBhaibheri kumubvunzo iwoyo ichizorodza zvikuru. Ndaizofara kukugoverayi iri bhuku kuitira kuti mugogona kurava pamusoro pako imi mumene.”
4 Kana ukasangana nomubereki, unganangidzira ngwariro pamhuri:
◼ “Vabereki vakawanda zvikurusa vanobvuma kuti pane zvinetso zvakawanda mukuedza kuchengeta upenyu hwemhuri hunofadza. Zvii zvamunocherekedza kuva mhinganidzo dzakakomba? [Bvumira mhinduro.] Vakawanda zvikurusa vedu tinoita zvakanakisisa zvatinogona, asi kazhinji kazhinji tinokoshesa rubatsiro urwo rwuchatibetsera kuwana migumisiro iri nani. Bhaibheri rinopa zano rakaisvonaka. [Rava zvikamu zvaVaKorose 3:12, 18-21.] Bhaibheri rine zvakawanda zvikuru zvokutaura panhau ino, sezvakarongwa muganhuro 15 yebhuku rino, rine musoro unoti ‘Kuvaka Mhuri Inokudza Mwari.’ Ndine chokwadi chokuti maizofarikanya kurirava.”
5 Kana uchida chimwe chinhu chipfupi, ungaedza izvi:
◼ “Mati mamboshamisika here nei tichikwegura ndokufa? Ganhuro 6 mubhuku rino rinotsanangura chisakiso chorufu uye kuti Mwari achachibvisa sei. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akapikira upenyu husingaperi nokuda kwaavo vanomuda. [Rava Johane 17:3.] Kana mungada kurava pamusoro peizvi, muchawana bhuku racho kuva rinorayiridza zvikurusa.”
6 Kana takasanogadzirira, tingakwanisa kushandisa iri bhuku ku‘vhura Magwaro’ kuna vamwe munzira ichavaunzira mufaro mukuru!—Ruka 24:32.