Munofanira Kuva Rudzii Rwavanhu?
1 Nguva yokuzvidavirira iri kuswedera pedyo nokuda kworudzi rwose rwomunhu. Bhaibheri rinoidana kuti “zuva raJehovha.” Inguva apo rutongeso rwoumwari rwuchaitwa pavakaipa; inguvawo yokununurwa kwavakarurama. Vanhu vose vapenyu panguva iyoyo vachadanwa kuti vazvidavirire nokuda kwenzira yavakashandisa nayo upenyu hwavo. Achirangarira ikoko, Petro anomutsa mubvunzo unozvera: “Munofanira kuva vanhu vakadiniko”? Iye anosimbisa ukoshi hwa‘mabasa matsvene omufambiro, zviito zvokuzvipira kwoumwari, uye kusanorangarira zuva raJehovha,’ pamwe chete nedikanwo yokuva ‘vasina ruvara, vasina kusvibiswa, uye vanorugare.’—2 Pet. 3:11-14.
2 Mabasa Matsvene Omufambiro Nezviito Zvokuzvipira Kwoumwari: Mufambiro mutsvene unobatanidza mabasa omuenzaniso ayo anoratidza kuremekedza nheyo dzeBhaibheri. (Tito 2:7, 8) MuKristu anofanira kudzivisa mufambiro wenyika uyo unosundwa nezvishuvo zvoudyire, zvenyama.—VaR. 13:11, 14.
3 “Kuzvipira kwoumwari” kunorondedzerwa se“batano yomunhu oga naMwari, inobva mumwoyo unonyandurwa nenzwisiso huru yamavara ake anofadza.” Shingairo yedu muushumiri inzira yakatanhamara yatinoratidzira nayo iri vara. Sundwo yedu mukuparidza inopfuura pfungwawo zvayo yebasa; iyo inobva mukuda Jehovha kukuru. (Marko 12:29, 30) Tichisundwa norudo rwakadaro, tinorangarira ushumiri hwedu seratidziro ine revo yokuzvipira kwedu kwoumwari. Sezvo kuzvipira kwedu kuchifanira kuva kwenguva dzose, goverano yedu mubasa rokuparidza inofanira kuva yenguva dzose. Inofanira kuva rutivi rukuru rworudungwe rwedu rwevhiki nevhiki rwomubato.—VaH. 13:15.
4 Ku“sanorangarira” zuva raJehovha kunoreva kurichengeta pakutanga mumirangariro yedu yezuva nezuva, tisingatongoriisi kunzvimbo isina ukoshi shure. Kunoreva kuchengeta fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu hwedu.—Mat. 6:33.
5 Vasina Ruvara, Vasina Kusvibiswa, uye Vane Rugare: Sorutivi rweboka guru, taka‘suka nguo dzedu ndokudzichenesa muropa reGwayana.’ (Zvak. 7:14) Kuva “vasina ruvara” kunoreva, ipapoka, kuti tinofanira kungwarira zvakasimba upenyu hwedu hwakachena, hwakatsaurirwa kuti husasvibiswa netsvina dzenyika. Tinozvichengeta timene “tisina kusvibiswa” kupfurikidza nokuramba kuti zvinorondwa zvisiri zvoumwari, zvokudisa zvenyika zvishatise unhu hwedu hwechiKristu. (Jak. 1:27, NW; 1 Joh. 2:15-17) Tinoratidzira kuti tiri kurarama “murugare” kupfurikidza nokuratidzira “rugare rwaMwari” mukubata kwedu kwose navamwe.—VaF. 4:7; VaR. 12:18; 14:19.
6 Kana tikadzivisa shatiswo yenyika nenzira inobudirira, hatisati tichizotongo“enzaniswa nenyika ino,” iyo yakashurikidzwa naJehovha. Panzvimbo pezvo, mabasa edu akaisvonaka achabetsera vamwe kuona kusiyana “kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—VaR. 12:2; Mar. 3:18.
7 Kutanga mwedzi uno, tichave tichipinda Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara,” uye zvokudya zvomudzimu zvinozorodza nenzira isingapokani zvichakudza chishuvo chedu chokuratidzira kuzvipira kwedu kwoumwari. Vatsva vakawanda vanogoverana ichi chishuvo. Tinogona kuva chikomborero kupfurikidza nokuvabetsera kutora rutivi mubasa romumunda mukati maAugust.
8 Zita raJehovha rinokudzwa, ungano inosimbiswa, uye vamwe vanobetserwa apo tinochengeta nokungwarira “mabasa . . . akanaka.” (1 Pet. 2:12) Ngativei nguva dzose rudzi irworwo rwomunhu.