Jehovha Anopa Simba
1 Savanhu vaJehovha, takapiwa mugove wokuparidza mashoko akanaka nepo tichichengeta mufambiro wedu “wakanaka pakati pavahedheni.” (1 Pet. 2:12; Mat. 24:14) Nemhaka yenguva dzinotambudza pamwe chete noutera hwedu timene uye zvikanganiso, hatingatongogoni kuita iri basa pachedu. (2 Tim. 3:1-5) Tinofara sei kuti tinogona kutarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero!
2 Muapostora Pauro akatsungirira miedzo yakawanda. (2 VaK. 11:23-27) Iye akakwanisa sei kugonana naiyoyi uye kupedza basa rake rakagoverwa? Jehovha akamupa “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaK. 4:7, NW) Pauro akabvuma betsero youmwari yakadaro apo akanyora, kuti: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaF. 4:13) Jehovha achatibetsera nenzira imwe cheteyo. Tinogona sei kuwana urwu rubatsiro?
3 Kupfurikidza Nokunyengetera Nguva Dzose: Jesu akatikurudzira ku‘ramba tichikumbira, kutsvaka, uye kugogodza,’ uye kuti tisaora mwoyo. (Ruka 11:5-10) Kuramba kwedu tichinyengetera kunoratidzira kuna Jehovha ukuru hweitiro hanya yedu, ukombi hwechishuvo chedu, uye uchokwadi hwevavariro yedu. (Pis. 55:17; 88:1, 13; VaR. 1:9-11) Pauro akaziva ukoshi hwokuramba achinyengetera apo akatikurudzira ku“ramba tichinyengetera.” (1 VaT. 5:17) Munyengetero ndeimwe yenzira huru dzatinowana nadzo betsero yaJehovha.
4 Kupfurikidza Nokutevera Nhungamiro yoUbati Ushe hwaMwari: “Ubati Ushe hwaMwari” hunoreva “kutonga kunoitwa naMwari,” uyo ari rudo. Tinobetsereka mukutonga kwake kupfurikidza nokugamuchira chiremera uye kutevera mirayiridzo yake muzvisarudzo zviduku nezvikuru. “Muranda akatendeka uye akachenjera” anomirira kutonga kwoubati ushe hwaMwari papasi rino. (Mat. 24:45-47, NW) Batira pamwe nesangano iro “muranda” anoshandisa inokosha kana tichizowana chikomborero chaJehovha. (Enzanisa naVaHebheru 13:17.) Jehovha achatusa kuvimbika kwedu kwaari nokudisa kwedu kuteerera mirayiro yake kupfurikidza nokugovera simba ratinoda panguva yakafanira.—VaH. 4:16.
5 Kupfurikidza Nokuramba Tiri Pedyo Nehama Dzedu: Rudo ndicho chiratidzo chinozivisa vadzidzi vaJesu. (Joh. 13:34, 35) Nemhatsa huru yeunhu hwakasiyana-siyana, kurwisana kunogona kumuka pakati pedu nemhaka yemisiyano yomunhu oga. Tinofanira kunzwirana tsitsi, tichikanganwirana norusunguko. (VaEf. 4:32) Ikoku kunokuita kuti kubvire kuramba tiri pedyo nehama dzedu mukutenda uye kuti tikurudzirwe nokutsungirira kwadzo kwakasimba mumuedzo. Tichi“ziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama [dzedu] dziri panyika,” tine simba ratakapiwa naMwari kuti tibate nedzvinyiriro dzakafanana.—1 Pet. 5:9.
6 Kupfurikidza Nokuchengeta Muitiro Wakanaka Wefundo Yomunhu Oga: Kusimbisa ndangariro dzedu nemwoyo mumudzimu kunotigonesa kudzivisa denho yaSatani. (1 Pet. 5:8) Muitiro wakanaka wefundo yomunhu oga uchawedzera mugove wedu wezivo youmwari. Tinogona kuishandisa pakutarisana nezvinetso zvezuva riri rose. Pauro akasimbisa kuti “zivo yakarurama” inoita rutivi rwunokosha mukuwana ruponeso. (1 Tim. 2:3, 4, NW) Kunokosha kuti tipinze zvokudya zvomudzimu nguva dzose.
7 Gadziriro dzose idzo dziri madikanwa dzokutibetsera kuramba takasimba dzinowanika nyore nyore kupfurikidza neungano yechiKristu. Kutsigirwa kwomwoyo wose kwemibato yayo kuchavimbisa kuti “tichafamba tisingaziyi.”—Isa. 40:29-31.