Kuiswa Chiratidzo Uko Kunounza Kununurwa
1 Asati aita rutongeso rwake rwakarurama, Jehovha nguva dzose anopa nyevero uye anogovera vanyoro nzira yokupukunyuka nayo. Muzuva raEzekieri, makanga mune avo vaigomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa izvo zvaiitwa. Jehovha akaita kuti vakakodzera vakadaro vaiswe chiratidzo chokununurwa. (Ezek. 9:4-6) Basa redu rokuparidza nhasi rinoita chinangwa chimwe chetecho. Tinogona kuita rutivi rwunokosha.
2 Kuwana vanhu vapachokwadi inongova nhanho yokutanga. Tinoronga nokuda kweshanyo yedzokerero. Gadziriro nokuda kweshanyo yedzokerero inoitwa pashanyo yokutanga kupfurikidza nokunyora chagoverwa uye nhau yakurukurwa. Budiriro yedu mukudzokerera ichatsamira zvikurukuru pane zvatakagadzirira kutaura uye kuita apo tinodzoka.
3 Pakudzokerera pakagoverwa “Nharireyomurindi,” ungagona kunangidzira ngwariro pamusoro wayo mukuru:
◼ “Cherekedzai kuti pabutiro rapamberi reNharireyomurindi panooneka kutaura kunoti ‘Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.’ Chinoita kuti iyi magazini ive yakasiyana ndechokuti iyo inoreverera Umambo hwaMwari semhinduro bedzi kuzvinetso zvenyika. Iyo inotsanangura icho Umambo hwaMwari huchaita apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano. Aya ndiwo mashoko akanaka ayo Jesu akati aizoziviswa mupasi rose.” Rava Mateo 24:14, uye tsanangura kuti Nharireyomurindi inogona kuwanikwa sei kupfurikidza nokuzvinyoresa ndokushandiswa nokuda kwefundo yomunhu oga yeBhaibheri.
4 Ungada kungonangidzira ngwariro paBhaibheri rimene uye bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi.” Ungagona kuti:
◼ “Kunoratidzika kuti anenge munhu ari wose watinoziva angaonga zano rinoshanda pamusoro pokuti tingagonana sei nezvinetso zvokurarama kwezuva riri rose. Ndokupi kwamunofunga kuti tinogona kuwana zano ratinogona kuvimba? [Bvumira mhinduro.] Vakawanda avo vakaisa chivimbo chavo muzano reshamwari kana kuti avo vakabhadhara zano rinobhadharwa vakaodzwa mwoyo zvikuru. Pano rumwe rutivi, mamiriyoni avanhu akawana Bhaibheri kuva manyuko bedzi ezano iro ivo vanogona kuvimba chaizvoizvo. Bhaibheri rinogovera murayiridzo pamusoro penzira yatingagonana nayo nechinetso chipi nechipi chatingatarisana nacho. [Rava 2 Timotio 3:16, 17.] Kunyange zvazvo mungava makawana Bhaibheri rakaoma kunzwisisa, regai ndikuratidzei kuti munogona kurishandisa sei kuzarura dura rezano rokuchenjera kupfurikidza nokushandisa ichi chinyorwa.” Pfuurira kupfurikidza nokutendeukira kuganhuro 5 mubhuku raKurarama Nokusingaperi.
5 Nechinangwa chokutanga fundo yeBhaibheri, ungasarudza kushandisa bhuku ra“Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano,” uchishandisa iyi sumo:
◼ “Tinoda mhuri dzedu uye tinoda zvakanakisisa nokuda kwadzo. Mhuri yenyu ingabetserwa sei nokurarama munyika yakaita seiyi?” Ratidza mifananidzo iri pamapeji 156-7. Rava rugwaro rumwe kana kuti maviri akanokorwa mashoko pamapeji iwayo, uye tsanangura kuti izvozvi zvipikirwa zvakaitwa naJehovha Mwari, uyo asingagoni kureva nhema. Nongedzera kundaza yemaganhuro pamapeji 5-6, uye bvunza saimba kuti ndoupi musoro unomufadza zvikurusa; tendeukira kuganhuro raanosarudza, uye kurukura ndima imwe kana kuti mbiri.
6 Ungada kubetsera mumwe munhu kuiswa chiratidzo nokuda kwokununurwa here? Budiriro iri mu‘kuita zvizere ushumiri hwako’ kupfurikidza nokugadzirira zvakanaka uye kutevera nokukurumidza fariro yose yaunowana.—2 Tim. 4:5.