RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 12/1 p. 3
  • Sei Tichifanira Kunzwisisa Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Tichifanira Kunzwisisa Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Bhuku Rinofanira Kunzwisiswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kubatsira Vanenge Vasati Vava Kukwanisa Kudzidza Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 12/1 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOKWANISA KUNZWISISA BHAIBHERI

Sei Tichifanira Kunzwisisa Bhaibheri?

“Bhaibheri ibhuku rechitendero rakakurumbira chaizvo. Asi vanhu vokuChina havazivi nezvaro uye havanei naro.”—LIN, CHINA.

“Handitombonzwisisi zviri mumabhuku matsvene echitendero changu chechiHindu. Saka hapana pandingambonzwisisa Bhaibheri Dzvene.”—AMIT, INDIA.

“Ndinobvuma kuti Bhaibheri ibhuku rakanyorwa kare uye ndakanzwa kuti nderimwe remabhuku anotengwa kudarika mamwe ese. Asi handisati ndamboona kuti rakaita sei.”—YUMIKO, JAPAN.

Vanhu vakawanda munyika yose vanoremekedza Bhaibheri. Asi vanogona kunge vachiziva zvishoma, kana kuti vasina chavanoziva nezvemashoko ariinawo. Ndizvo zvakaita vanhu vakawanda vekuAsia, uye ndizvo zvimwe chetewo nevanhu vakawanda vanogara kunyika dzinowanika Bhaibheri nyore nyore.

Mukadzi ari kuverenga Bhaibheri

Asi ungabvunza kuti, ‘Nei ndichifanira kunzwisisa Bhaibheri?’ Kana ukanzwisisa zvinotaurwa nebhuku iri dzvene, uchakwanisa kuita zvinhu zvinotevera:

  • Uchagutsikana uye uchafara

  • Uchagona kukunda matambudziko emhuri

  • Uchakwanisa kukunda kuzvidya mwoyo

  • Uchawirirana nevamwe

  • Uchakwanisa kushandisa mari zvakanaka

Chimbofunga nezvaYoshiko wekuJapan. Ainetseka kuti Bhaibheri rinotaura nezvei, saka akabva afunga kumboriverenga. Zvakamubatsira sei? Anoti, “Bhaibheri rakandibatsira kuva netariro uye chinangwa muupenyu.” Anowedzera kuti, “Iye zvino ndava kuziva zvandiri kuraramira.” Amit, ambotaurwa nezvake akafunga kuongorora Bhaibheri. Anoti, “Ndakashamiswa pandakaona kuti Bhaibheri rinotova nemazano anobatsira munhu wose.”

Bhaibheri rabatsira mamiriyoni evanhu. Wadii kumboriongorora pachako, woona kuti ringakubatsira sei?

A Satisfying Life—How to Attain It

Kuti uwane mamwe mashoko anoratidza kuti Bhaibheri ringakubatsira sei, ona kabhuku kanonzi A Satisfying Life—How to Attain It, kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe