RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 9/1 p. 4
  • Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Nei Tichiparidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Havasati Vari Rutivi Rwenyika”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 9/1 p. 4
Zvapupu zvaJehovha zvemarudzi akasiyana zviri kukwazisana paImba yoUmambo

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

Sangano redu rinowanika pasi rose uye haribatani nemamwe machechi. Kunyange zvazvo mahofisi edu makuru ari kuUnited States, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinogara mune dzimwe nyika. Zvapupu zvinenge mamiriyoni 8 zviri kudzidzisa vanhu Bhaibheri munyika dzinopfuura 230. Tiri kuita izvi tichitevedzera mashoko aJesu okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.”—Mateu 24:14.

Pasinei nekwatinogara, tinoteerera mitemo yeko nemwoyo wose, asi hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Tinotevedzera zvakataurwa naJesu paakati vaKristu “havasi venyika.” Saka hatipindiri munyaya dzezvematongerwo enyika, uye hatitsigiri hondo. (Johani 15:19; 17:16) Somuenzaniso, muHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvaisungwa, zvaitambudzwa, uye zvaitoitwa zvinopfuura ipapo nemhaka yekuti zvaisapindira muhondo iyoyo. Mumwe aimbova bhishopu wekuGermany akanyora nezveZvapupu achiti: “Vanogona kutaura vakasununguka kuti pavanhu vose vaiva muGermany panguva yaitonga Hitler, ndivo chete vakanyatsoratidza kuti havana kwavanotsigira, vachitungamirirwa nehana dzavo.”

“[Zvapupu zvaJehovha] hazvitombosiyi tsika dzakanaka. Taitogona kupa vanhu vakadaro vasina uori zvigaro zvepamusorosoro muhurumende, asi havambofa vakabvuma kuita zvinhu zvakadaro. . . . Vanoremekedza hurumende asi vanotenda kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchakwanisa kugadzirisa matambudziko ose evanhu.”​—Pepanhau rinonzi Nová Svoboda, rekuCzech Republic.

Asi hatigare kwedu tega. Jesu akanyengeterera vateveri vake kuna Mwari achiti: “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika.” (Johani 17:15) Saka kwaunogara, unogona kutiona tichishanda, tichitenga, uye tichienda kuchikoro.

NYIKA DZINE ZVAPUPU ZVAKAWANDA KUPFUURA DZIMWE

  • United States 1 190 000

  • Mexico 800 000

  • Brazil 770 000

  • Nigeria 330 000

  • Italy 250 000

  • Japan 220 000

KuIsrael

Ona vhidhiyo yakanzi Special Convention in Israel iri pawww.jw.org, udzidze kuti Zvapupu zvekuIsrael nePalestine zvakakunda sei kusawirirana kunoita vanhu nenyaya yekwavanobva, rudzi rwavo kana kuti tsika dzavo. (Enda pakanzi NEZVEDU > MAGUNGANO)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe