RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 9/1 p. 5
  • Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
    Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Nei Tichiparidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 9/1 p. 5
Murume nemudzimai, vesangano reZvapupu zvaJehovha, vari kudzidzisa vana vavo

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?

Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” (2 Timoti 3:16) Tinoita kuti Bhaibheri rititungamirire pakudzidza nezveMusiki uye ritibatsire kuva neupenyu hune chinangwa.

Bhaibheri rinoti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” (Pisarema 83:18) Saka tinonamata Jehovha Mwari chete uye seZvapupu zvake, tinoita zvose zvatinogona kuti tizivise zita rake.—Isaya 43:10-12.

SevaKristu, tinotenda kuti Jesu, “Mwanakomana waMwari,”a akauya panyika, akazova Mesiya. (Johani 1:34, 41; 4:25, 26) Pashure pekunge afa, akamutswa ndokuenda kudenga. (1 VaKorinde 15:3, 4) Nokufamba kwenguva, akava Mambo weUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 11:15) Umambo ihwohwo ihurumende iriko zvechokwadi ichaita kuti nyika yose ivezve Paradhiso. (Dhanieri 2:44) Bhaibheri rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11, 29.

“Pavanoverenga Bhaibheri, vanotenda kuti Mwari anenge achitotaura navo. Pavanosangana nematambudziko muupenyu, vanotsvaga muShoko raMwari kuti vangaagadzirisa sei. . . . Vanotenda kuti Shoko raMwari richiri kushanda.”​—Mumwe wevakuru vakuru vechechi yeRoma anonzi Benjamin Cherayath, mupepanhau, rekuGermany rinonzi Münsterländische Volkszeitung

Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti mazano eBhaibheri achiri kubatsira vanhu mazuva ano. (Isaya 48:17, 18) Saka tinonyatsotevedzera mazano iwayo. Somuenzaniso, hatisvute kana kushandisa madhiragi kuti tingozvifadza nekuti Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisaite zvinosvibisa pfungwa nemiviri yedu. (2 VaKorinde 7:1) Uyewo hatiite zvinhu zvinorambidzwa pachena neBhaibheri zvakadai seudhakwa, ufeve uye kuba.—1 VaKorinde 6:9-11.

a Bhaibheri rinodanawo Jesu kuti “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga” nokuti ndiye chisikwa chokutanga uye ndiye chete akasikwa naJehovha pachake.—Johani 3:18; VaKorose 1:13-15.

Vabereki vari kunyemwerera kamwana kavo pakari kuvhura chipo

Kuti uzive nezvezvatinotenda zvakadai sekuti sei tisingapemberere mazororo kana kuwedzerwa ropa, enda pawww.jw.org, pakanzi NEZVEDU > MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe