Pane Munhu Anoteerera Minyengetero Here?
“Kunyange zvazvo ndaisava nechokwadi kana Mwari ariko, dzimwe nguva ndaingonyengetera. Ndakanga ndisina chokwadi kana paiva nemunhu ainditeerera, asi ndaifunga kuti anofanira kunge ariko. Ndaisafara uye ndaisava nechinangwa muupenyu. Ndaitya kutenda kuti kuna Mwari nokuti ndaifunga kuti vanhu vanotenda kuti kuna Mwari imbwende.”—PATRICIA,a ANOGARA KUIRELAND.
WAKAMBOONA zvinhu semaonero aiitwa naPatricia here? Unonyengetera here pasinei nokuti hauna chokwadi kana Mwari ariko? Pane vakawanda vakaita sewe. Ngatimboonai mienzaniso inotevera.
◼ Imwe ongororo yakaitwa kuBritain yevanhu 2 200 yakaratidza kuti pavanhu ava, 22 muzana chete ndivo vaidavira kuti kuna Mwari asingaoneki akasika nyika uye anoteerera minyengetero. Asi 55 muzana vavo vanonyengetera apo neapo.
◼ Imwe ongororo yevanhu 10 000 yakaitwa munyika dzakasiyana-siyana inoratidza kuti 30 muzana yevanozviti havatendi muna Mwari vanonyengetera.
Nei Vasina Chokwadi?
Mumwe murume wokuEngland anonzi Allan anoti: “Ndaimboti handitendi kuti kuna Mwari nokuti ndaifunga kuti zvitendero zvinongoda kushandisa vanhu uye kutsvaka mari. Ndaifungawo kuti kudai Mwari ariko, munyika mungadai musina zvokudzvinyirirana. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva ndaigara pasi ndotanga kunyengetera asi ndisingazivi kuti ndiri kunyengetera kunaani. Ndaizvibvunzawo kuti, ‘Ndakabva kupi?’”
Mumwe nomumwe anofunga kuti minyengetero haipindurwi anenge ane zvikonzero zvake zvinoita kuti afunge saizvozvo. Kazhinji chinoita kuti vanhu vafunge saizvozvo ndechokuti vanenge vasina kupindurwa mibvunzo yakaita seinotevera:
◼ Kune Musiki here?
◼ Sei zvitendero zvichiwanzoita kuti zvinhu zvishate?
◼ Sei Mwari achitirega tichitambura?
Unofunga kuti kana mibvunzo iyi ikapindurwa zvichaita kuti unzwe uchida kunyengetera here?
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita ari munyaya dzino dzakatevedzana akachinjwa.