Tsamba Inobva kuIreland
Handisati Ndambonakidzwa Nezororo Zvakadaro!
“UNOFANIRA kumboita chimwe chinhu chinonakidza kuti usagara uchingofunga nezvebvunzo dzako,” vakadaro vabereki vangu. “Ngatimboshanyirai hama dzedu dziri kuIreland tonoparidzira vanhu vasingagari vachinzwa mashoko akanaka oUmambo.”
Handina kuiona sepfungwa yakanaka. Ndaifunga nezvebvunzo dzangu uye ndaityawo rwendo rwacho nokuti ndakanga ndisati ndambobuda muEngland uye ndisati ndambokwira ndege. Zvandaiva musikana ane makore 17 ndichiri kutemwa dzinobva ropa, uye ndajaira upenyu hwechipatapata hwomuLondon, ndaifunga kuti zvaizondiomera kurarama mukaguta kari kuIreland kane vanhu vanoita zvinhu pore-pore.
Ndingadai ndisina kumbozvinetsa nokuti kubva pakamhara ndege yedu, ndakatanga kutorwa mwoyo nezvakaita nyika yeIreland. Ndakabatwa nehope tichangopinda mumotokari nokuti takanga tafumobata jongwe muromo. Ndaipota ndichimuka ndichiyeva makomo aiva nechekure uye migwagwa yakatetepa yaiva pedyo ine matombo akawanda mumativi.
Takasvika muguta rinonzi Skibbereen tikapedza manheru acho tichikurudzirana pakunamata neimwe mhuri yakanga yatamira kuIreland kuti inoita basa rokuparidza Umambo ikoko. Taitamba mitambo yeBhaibheri. Munhu ainhonga kadhi rainge rakanyorwa zita romumwe munhu womuBhaibheri oedzesera zvimwe zvaiitwa nemunhu wacho. Vamwe vaizoedza kufungidzira kuti munhu wacho ndiani.
Zuva rakatevera racho, ini nevabereki vangu, hanzvadzi yangu, hama dzedu neimwewo mhuri takabva tapinda muchikepe ndiye tande kune kamwe kachitsuwa kanonzi Heir Island kanogara vanhu vasingasviki 30. Handiti Jesu akati mashoko akanaka anofanira kuparidzwa munyika yose inogarwa? Saka takapedza zuva racho tichikurudzira vanhu ava vane ushamwari uye mutsa nepfungwa dzemuMagwaro uye tichiyeva chitsuwa chacho.
Zuva raipisa kusina kana gore. Paiva nemaruva eyero ainhuwirira sekokonati. Nechepakati pechitsuwa chacho paivawo nemaruva aiva panzvimbo yakazara mvura. Panoperera mahombekombe ejecha ndipo panotangira zvikomo zvine matombo zvaiva neshiri dzomugungwa dzinonzi cormorants nedzinonzi gannets dziine manyana adzo. Munzvimbo yeRoaringwater Bay takaona ziendanakuenda rezvitsuwa zviduku, zvizhinji zvacho zvisingagarwi. Takabayiwa mwoyo chaizvo nokunyatsorongeka kwakaita zvinhu izvi zvakasikwa naJehovha.
KuSkibbereen ndakawana shamwari kwadzo dzakawanda muungano yeZvapupu zvaJehovha uye ndakaedza kuita zvinhu zvandakanga ndisati ndamboita. Chakanyanya kundinakidza kutamba mutambo unoitwa nezvikepe. Kana uri muchikepe ndipo paunonyatsoona zvakaita mhenderekedzo yechitsuwa cheIreland. Takaenda kunoraura kuti tiwane chokudya manheru asi mhuka dzinonzi maseal dzaititangira kubata hove. Pane mimwewo mitambo yataiita mujecha uye ndakatomboedzawo kudzidzira kutamba mimhanzi yokuIreland.
Takawanawo nguva yokudzidza nezvenhoroondo yeguta reSkibbereen. Kuma1840 mbatatisi dzakarimwa kuIreland hadzina kusvika uye vanhu vomuguta iri neakapoteredza vakatambura chaizvo. Zviuru zvevanhu zvakafa nenzara uye vanenge 9 000 vavo vakavigwa muguva rimwe chete. Chakatinyaradza ndechokuti munguva pfupi iri kuuya Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga hapazovizve nenzara uye vanhu ivavo vakafa zvinorwadza vachamutswa muparadhiso pasi pano.
Takabatana neZvapupu zveko tikanoshanyira vanhu vasingagari vachiparidzirwa vari munzvimbo yakakura inoparidzirwa neungano yavo. Takatyaira motokari nomumugwagwa wakatetepa une materu tichienda kumisha iri pamusoro pamamwe materu akatarisana negungwa reIrish Sea. Kuno zvekare takaona vanhu vaiva noushamwari uye vanogamuchira vaenzi zvakanaka. Sezvatakanga taita kuHeir Island, takatanga nokuvaudza kuti taiva pazororo uye takanga tiri kushandisa nguva yacho kuudza vanhu mashoko anonyaradza ari muBhaibheri.
Amai vangu vakataura nemumwe mukadzi uyo akabva angogamuchira magazini edu eNharireyomurindi neMukai! Patakazomuona mushure memazuva mashomanene akati akanga anakidzwa chaizvo nokuverenga magazini acho.
“Ndapota dzokai nemamwe magazini tizokurukura,” akadaro. Takamuudza kuti takanga tava kuda kudzokera kumba asi taizotumira mumwe munhu kuti amuone.
“Zvakanaka, pamuchadzoka muzondishanyira. Zvandatokuonai kudai handimbokukanganwii,” akadaro.
Zuva rokupedzisira tiri kuIreland rakapera tiri pamhenderekedzo dzegungwa tiine hama nehanzvadzi dzekuungano yeikoko. Takagadzira pokugochera nyama tichishandisa huni nematombo tichibva tagocha nyama yetumwe tupukanana twatakanga tabata pamatombo ari mugungwa. Zvose zvakaitika pazororo iri zvakandinakidza chaizvo pasinei nokuti ndakakurira muguta rakakura.
Hapana rimwe zororo rakandinakidza kupfuura revhiki iri randakapedza ndiri kuIreland. Handina kungonakidzwa nekutamba kwataiita chete asiwo ndakanyanya kugutsikana kuti ndakaita zvinhu zvinoita kuti Jehovha afare uye arumbidzwe. Ndinoda chaizvo kushumira Mwari wedu, uye izvi zvinonyanya kunakidza kana uine shamwari dzakanaka nevanhu vomumhuri vanodawo Mwari muchishanda pamwe chete. Patakasvika kumba ndakaonga Jehovha nokundipa shamwari dzakawanda dzinondida uye dzinoda zvokunamata. Ndakamuongawo nezvakaitika pazororo iri uye izvi ndicharamba ndichingozvifunga narini.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
An Post, Ireland