Waizviziva Here?
Chii chaiita kuti vaJudha vafarire nhoroondo yemadzinza avo?
▪ Nhoroondo dzemadzinza dzaibatsira kuti munhu azive dzinza rake nemhuri yaaibva. Dzaibatsirawo pakugovewa kwevhu nenhaka. VaJudha vainyanya kukoshesa dzinza raizouya naMesiya akanga akapikirwa. Vainyatsoziva kuti Mesiya uyu aifanira kuuya nokuna Dhavhidhi mudzinza raJudha.—Johani 7:42.
Uyezve, “sezvo mabasa evapristi nevaRevhi aiita zvokugarwa nhaka . . . zvaikosha chaizvo kuti dzinza racho rishaye chinovhiringidza,” inodaro imwe nyanzvi inonzi Joachim Jeremias. Vakadzi vechiIsraeri vairoorwa mumhuri dzevapristi vaifanira kutaura madzinza avo kuitira kuti upristi hurambe “husina kusvibiswa.” Mumazuva aNehemiya, mhuri dzevaRevhi dzakanzi hadzichakodzeri basa roupristi ‘pavakatsvaka bhuku ravo remazita, kuti varatidze dzinza ravo pachena ndokurishaya.’—Nehemiya 7:61-65.
Uyezve, Mutemo waMosesi waiti “hapana mwanakomana asiri wepamutemo” kana “muAmoni kana muMoabhi angapinda muungano yaJehovha.” (Dheuteronomio 23:2, 3) Jeremias anowedzera kuti, saka “kuti munhu ave nebasa rinokosha, dzinza rake raifanira kutanga ranyatsojeka kuti nderipi uye izvi zvinoratidza kuti . . . muIsraeri wose aiziva madzisekuru ake uye aigona kutaura kuti pamadzinza gumi nemaviri rake nderipi.”
VaJudha vainyora uye vaichengeta sei nhoroondo dzemadzinza avo?
▪ Vanyori veEvhangeri Ruka naMateu vakanyora nhoroondo dzinodonongodza madzitateguru aJesu. (Mateu 1:1-16; Ruka 3:23-38) Kunewo dzimwe nhoroondo dzemadzinza dzakachengetwa. Somuenzaniso, rimwe bhuku rinotsanangura zvechiJudha rinotaura nezvomumwe rabhi akararama munguva yaJesu ainzi Hillel richiti: “MuJerusarema makawanikwa hwendefa rakanyorwa kuti Hillel akabva mudzinza raDhavhidhi.” Munyori wenhoroondo dzekare wechiJudha womuzana remakore rokutanga ainzi Flavius Josephus akanyora mubhuku rake rinonzi The Life kuti, madzitateguru ake aiva vapristi uye kuti dzinza rokwaamai vake raiva “roumambo.” Akanyora kuti mashoko aya akaawana “muzvinyorwa zvaichengeterwa mashoko evoruzhinji.”
Josephus akanyorawo mubhuku rake rinonzi Against Apion kuti, basa rokuchengeta zvinyorwa zvenhoroondo yemhuri dzevapristi raipiwa “vanhu vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro.” Bhuku rinonzi The Jewish Encyclopedia rinoti: “Zvinoita sokuti mukuru mukuru anoremekedzwa ndiye aichengeteswa zvinyorwa zvacho uye zvinonzi muJerusarema maiva nedare raipindura mibvunzo yevanhu pamusoro pemadzinza.” VaJudha vaisava vapristi vainyoresa mumaguta emadzibaba avo uye vaichengeta nhoroondo dzacho kusvikira dzava matura akakura enhoroondo dzevoruzhinji. (Ruka 2:1-5) Zviri pachena kuti vanyori veEvhangeri vakatora mashoko mumatura iwayo. Zvinoitawo sokuti dzimwe mhuri dzaizvichengetera mashoko emadzinza adzo.