Dzidza Kubva Mushoko raMwari
Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?
Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.
1. Nei Mwari akazvipa zita?
Hapana mubvunzo kuti unoda kudanwa nezita rako pane kudanwa nerokuremekedza rakadai sokuti, “mudzidzisi” “medhemu,” “murume kana kuti mukadzi.” Zita rako rinokusiyanisa nevamwe. Mwari anodanwa nemazita okuremekedza akadai sokuti “Changamire Ishe,” “Mwari Wemasimbaose,” uye ‘Musiki Mukuru.’ (Genesisi 15:2; 17:1; Muparidzi 12:1) Asi akazvipa zita chairo kuti zvitibatsire kuva noukama hwepedyo naye. MuchiShona zita iroro ndiJehovha.—Verenga Isaya 42:8.
Kunyange zvazvo vashanduri vakawanda veBhaibheri vakatsiva zita raMwari nemazita akadai sokuti “Mwari” uye “Ishe,” zita rake chairo rinowanikwa kanoda kusvika ka7 000 muzvinyorwa zvepakutanga zveBhaibheri zvechiHebheru. Zvakajeka kuti Mwari anoda kuti zita rake rizivikanwe.—Verenga Isaya 12:4.
2. Nei zvichikosha kuti tizive zita raMwari?
Kuziva zita raMwari hakurevi kungogona kuridana chete. Asi kunoreva kuva noukama hwepedyo naye. Zita rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Iyi ivimbiso yokuti Mwari achaita zvose zvinodiwa kuti azadzise chinangwa chake. Saka kuziva zita raMwari kunoreva kuti unofanira kunge uchitenda kuti achazadzisa zvaakavimbisa. (Pisarema 9:10) Kutenda kwevanhu vanoziva uye vanoshandisa zita raMwari kunoita kuti vavimbe naye vomuisa pokutanga muupenyu hwavo. Jehovha Mwari achadzivirira vanhu vakadaro.—Verenga Pisarema 91:14.
3. Nei Mwari achida kuti zita rake rizivikanwe?
Mwari anoda kuti vanhu vamuzive nezita nokuti izvozvo zvinovabatsira. Zvinoita kuti vave shamwari dzaMwari, vova netariro yokurarama nokusingaperi. Ndosaka Jehovha achida kuti tiudze vanhu zita rake!—Verenga Johani 17:3; VaRoma 10:13, 14.
Jesu akaudza vanhu zita raMwari paaivadzidzisa nezvaMwari uye mitemo yake nezvaachavaitira. Mazuva ano vateveri vaJesu vachiri kuita basa rokuzivisa zita raMwari munyika yose. Vanoita izvozvo vakabatana sevanhu “vezita rake [Mwari].”—Verenga Mabasa 15:14; Johani 17:26.
4. Mwari achakudza sei zita rake?
Jehovha Mwari anoda kukudza zita rake nokuti rava nenguva richicherwa. Somuenzaniso vamwe vanhu vanoti Jehovha haana kusika zvinhu, saka hatifaniri hedu kumuteerera. Vamwe vanoti haana hanya nesu uye ndiye ari kukonzera kutambura kwevanhu. Vanhu vakadaro vari kuchera zita raMwari. Asi havazorambi vachirichera nokusingaperi. Mwari achaparadza vanhu vanozvidza zita rake.—Verenga Pisarema 83:17, 18.
Jehovha achakudza zita rake paachashandisa Umambo hwake kugumisa utongi hwose hwevanhu oita kuti panyika pavezve norunyararo pasisina chokutya. (Dhanieri 2:44) Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vose vachaziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.—Verenga Ezekieri 36:23; Mateu 6:9.
Saka unofanira kuitei? Dzidza Bhaibheri uye gara uchiwadzana nevanhu vanoda Jehovha kuti uve noukama hwepedyo naye. Jehovha achayeuka vashumiri vake vakatendeka paachakudza zita rake.—Maraki 3:16.
Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 1 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Zita raMwari muchinyorwa chechiHebheru chekare