Ichokwadi Here Kuti Vanhu vomuBhaibheri Vairarama Makore Akawanda Kudaro?
JEANNE LOUISE CALMENT akashaya musi wa4 August, 1997, mutaundi rokumusha kwake riri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweFrance. Akanga ava nemakore 122.
Kufambira mberi pasayenzi, panyaya dzokurapa nezvimwewo, kuri kubatsira kuti vanhu vararame kwenguva yakareba. Kunyange zvakadaro, vashoma vanosvitsa kana kupfuura makore zana. Ndokusaka nyaya dzevanhu vanorarama kwemakore akawanda, vakadai sambuya Calment, dzichiwanzotaurwa munhau.
Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vakararama kare vairarama kwenguva yakareba, pamwe pacho vachitoita sevachasvitsa makore ane chiuru. Ichokwadi here ichocho? Vanhu vakararama munguva dzeBhaibheri vairarama kwenguva yakareba kudaro here? Isu tinei nazvo?
Vanhu Vakararama Makore Akawanda
Bhuku reBhaibheri raGenesisi rinotaura nezvevarume vanomwe vakararama kwemakore anopfuura 900 uye vose vakaberekwa Mafashamo omunguva yaNoa asati aitika. Varume vacho ndiAdhamu, Seti, Inoshi, Kinani, Jaredhi, Metusera uye Noa. (Genesisi 5:5-27; 9:29) Vanhu vakawanda vangave vasingazivi nezvevarume ava, asi varume ava ndivo vaiva vamwe vevanhu vaiumba zvizvarwa gumi zvokutanga zvevanhu. Metusera anonyanya kuzivikanwa nokuti akararama kwenguva yakareba kudarika vamwe—makore 969!
Bhaibheri rinotaurawo nezvevamwe vanhu 25 vakararama kwemakore anopfuura ari kuraramwa nevakawanda mazuva ano. Vamwe vacho vakararama kwemakore 300, vamwe 400, vamwe vacho 700 kana kutopfuura. (Genesisi 5:28-31; 11:10-25) Zvisinei, vakawanda vanofunga kuti nhoroondo dzeBhaibheri dzokuti kune vanhu vakararama kwenguva yakareba kudaro dzinongova hadzo ngano. Ichokwadi here ichocho?
Ingano Here Kana Kuti Ndizvo Chaizvo Zvakaitika?
Maererano nerimwe gwaro rakabudiswa neMax Planck Institute for Demographic Research muGermany, vatsvakurudzi vakatsigira kuti zera rambuya Calment vambotaurwa nderechokwadi, vachishandisa “mashoko ari nyore echokwadi” akataurwa nambuya ava. Mashoko aya akanga achitaura nezvambuya ava uye hama dzavo pane zvimwe zvinhu zvaimboitika kare. Zvakataurwa nambuya ava zvakabva zvaenzaniswa nezvakataurwa nezvavo nevanhu vomunzvimbo yavaigara, magwaro ehurumende, echechi, nyaya dziri mumapepanhau uye paiitwa zvokuverengwa kwevanhu. Chinofadza ndechokuti, kunyange zvazvo vasina kukwanisa kuwana mashoko ose airatidza kuti zvose zvakataurwa nambuya ava zvaiva zvechokwadi, zvishoma zvavakawana zvakaratidza kuti vakanga vararama makore akawanda kudaro.
Zvakadii nenhoroondo dziri muBhaibheri? Ndedzechokwadi here? Hongu ndedzechokwadi. Kunyange zvazvo mashoko anotaurwa neBhaibheri asiri ose anotsigirwa nevanhu vari munyika, uchapupu huri kungoramba huchiratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri ichokwadi. Izvi zvinosanganisira zvinhu zvakaitika kare, zvesayenzi uye nguva yazvakaitika.a Izvozvo hazvifaniri kutishamisa nokuti Bhaibheri pacharo rinoti: “Mwari acharamba ari paidi kunyangwe vanhu vose zvavo vakava vanyepi.” (VaRoma 3:4, Bhaibheri Dzvene, Testamende Itsva) Chokwadi, sezvo Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari,’ haritomborevi nhema.—2 Timoti 3:16.
Mosesi, uyo akatungamirirwa naJehovha Mwari kuti anyore mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri, anofanira kuonekwa semunhu anokosha zvikuru uye anoremekedzwa pavanhu vose. VaJudha vanoremekedza zvikuru Mosesi kupfuura vadzidzisi vavo vose. VaMuslim vanomuti ndiye mumwe wevaprofita vavo vanoremekedzwa zvikuru. Vemachechi echiKristu vanoti Mosesi aifanofananidzira zvaizoitwa naJesu Kristu. Zvingava nemusoro here kugumisa kuti zvakanyorwa nemurume iyeye anoremekedzwa, ndezvenhema?
Maverengerwo Aiitwa Nguva Akasiyana Neemazuva Ano Here?
Vamwe vanoti maverengerwo aiitwa nguva kare akasiyana neemazuva ano uye kuti rainzi gore waingova mwedzi chete. Zvisinei, kana tikaongorora nhoroondo iri muna Genesisi tinoona kuti maverengerwo aiitwa nguva nevanhu vekare akangofanana neari kuitwa mazuva ano. Ngatimbokurukurai nezvemienzaniso miviri. Nhoroondo yeMafashamo inoratidza kuti Mafashamo akatanga Noa paakanga ava nemakore 600, “mumwedzi wechipiri, nezuva rechigumi nemanomwe romwedzi wacho.” Nhoroondo yacho inoenderera ichiti mvura yakabva yafukidza pasi kwemazuva 150 uye “pazuva rechigumi nemanomwe romwedzi wacho, areka yakagara pamusoro pemakomo eArarati.” (Genesisi 7:11, 24; 8:4) Saka, kubva musi wa17 wemwedzi wechipiri kusvikira musi wa17 wemwedzi wechinomwe mugore iroro zvinonzi aiva mazuva 150, kana kuti mwedzi mishanu. Zviri pachena kuti, kutaura kuti gore raingova mwedzi inhema dzisina padzakavakirwa.
Iye zvino ngatimbokurukura muenzaniso wechipiri. Maererano naGenesisi 5:15-18, Maharareri akabereka mwanakomana ava nemakore 65, uye akararama kwemamwe makore 830, ndokuzofa ava nemakore 895. Muzukuru wake Inoki akaberekawo mwana aine makore 65. (Genesisi 5:21) Kana kuri kuti gore raimirira mwedzi mumwe chete, saka varume vaviri ava vakabereka vana pavaiva nemakore mashanu bedzi. Zvine musoro here izvozvo?
Vezvokuchera matongo vane zvavanotaurawo, nokuti vanowirirana nezvinotaurwa neBhaibheri nezvevanhu vairarama makore akawanda. Bhaibheri rinotaura nezvemurume anonzi Abrahamu richiti aigara kuguta reUri, uye akazogara kuguta reHarani, ndokuzoenda kunzvimbo yeKenani, uye akarwisa Kedhoraomeri mambo weEramu. (Genesisi 11:31; 12:5; 14:13-17) Zvakawanikwa zvinoratidza kuti nzvimbo idzi nevanhu ava vaivako zvechokwadi. Vezvokuchera matongo vanewo zvavanotaura nezvenzvimbo uye tsika dzevanhu vanotaurwa nezvavo zvine chokuita naAbrahamu. Sezvo mashoko aya omuBhaibheri ane chokuita naAbrahamu ari echokwadi, chii chingaita kuti tisava nechokwadi chokuti akararama makore 175?—Genesisi 25:7.
Naizvozvo hapana chikonzero chokuti tisava nechokwadi pamusoro pezvinotaurwa neBhaibheri nezvemakore akawanda airaramwa nevanhu kare. Asi unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ko ini ndinei nazvo kuti vanhu ava vakararama kwemakore akawanda kudaro?’
Unogona Kurarama Kwemakore Akawanda Kupfuura Zvaunofunga!
Kuwanda kwemakore evarume vakararama Mafashamo asati aitika kunoratidza kuti muviri womunhu unokwanisa kurarama kwenguva yakareba. Michina yemazuva ano iri kubatsira masayendisiti kuongorora muviri womunhu uye magadzirirwo awo kusanganisira kukwanisa kwawo kuzvinatsiridza kana kuita kuti panenge pakuvara papore. Vakapedzisira vaonei? Vakaona kuti muviri unokwanisa kurarama nokusingaperi. Muzvinafundo wezvokurapa anonzi Tom Kirkwood anoti, “[Kuchembera] ndicho chimwe chinhu chisingambonzwisiswi nevanorapa.”
Asi kuna Jehovha Mwari kuchembera haisi nyaya yakaoma kunzwisisa kana kuti dambudziko raangatadza kugadzirisa. Ndiye akasika munhu wokutanga, Adhamu, aiva asina chivi, uye akanga ane chinangwa chokuti vanhu vararame nokusingaperi. Zvinosuwisa kuti Adhamu akaita zvomusoro wake akarega kuteerera Mwari. Akazopedzisira ava nechivi. Pano ndipo pane tsanangudzo dzinotsvakwa nemasayendisiti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Saka chivi ndicho chinoita kuti tirware, tikwegure uye tife.
Zvisinei, chinangwa cheMusiki wedu ane rudo hachina kumbochinja. Kuratidza kuti ichocho ichokwadi, Mwari akapa Mwanakomana wake Jesu Kristu sechibayiro chorudzikinuro, izvo zvichaita kuti tibvisirwe chivi uye tiwane upenyu husingaperi. Bhaibheri rinoti: “Vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” (1 VaKorinde 15:22) Chivi chakanga chisati chadzika midzi pavanhu vakararama Mafashamo asati aitika, ndokusaka vairarama kwemakore akawanda kupfuura zvatinoita. Asi iye zvino tava pedyo nenguva yokuti zvakavimbiswa naMwari zvizadzike. Munguva pfupi iri kuuya, zvose zvinokonzerwa nechivi panenge pasisina uye vanhu havazochemberi uye kufa.—Isaya 33:24; Tito 1:2.
Ungaita sei kuti uwane makomborero iwayo? Usafungidzira kuti zvakavimbiswa naMwari kunongova kurotawo zvako. Jesu akati: “Anonzwa shoko rangu akatenda iye akandituma, ane upenyu husingaperi.” (Johani 5:24) Saka dzidza Bhaibheri woita zvarinotaura. Kana ukaita izvozvo, unenge uchitevedzera muenzaniso wevanhu vakataurwa nezvavo nemuapostora Pauro kuti vakanga “vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:19) Unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari akaita kuti vanhu vanotaurwa muBhaibheri vararame kwemakore akawanda kudaro, anogona kuita kuti iwewo urarame nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Girafu riri papeji 12]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
1000*
969* METUSERA
950* NOA
930* ADHAMU
900*
800*
700*
600*
500*
400*
300*
200*
100* MUNHU WEPANGUVA INO
*MAKORE