Tsamba Yakabva kuHaiti
“Ndakaropafadzwa Chaizvo”
PASHURE pokudengenyeka kwakaitika kuHaiti musi wa12 January 2010, ndakatadza kuramba ndakatarisa nhau dzairatidza kuparara kwaiva kwaita zvinhu. Pava paya musi wa20, shamwari yangu yepamwoyo inonzi Carmen yakandifonera ichiti tiende kuHaiti tinobatsirawo. Pakanga pava nemakore ndazivana naCarmen kubva patakashanda tose sevakoti tichibatsira paivakwa imwe Imba yoUmambo. Kubvira ipapo takambonobatsirazve pane zvimwe zviitiko tikabva tava shamwari dzepamwoyo.
Ndakaudza Carmen kuti simba chairo rokunobatsira kuHaiti ndakanga ndisina uye kuti ndakanga ndichakavhiringidzika zvokuti handaifunga kuti ndaizozvigona. Akandiyeuchidza kuti takanga tashanda zvakanaka pamwe chete uye taizonotsigirana. Ndakurudzirwa nezvaakataura, ndakabva ndafonera dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha riri kuBrooklyn, New York, ndikataura nemunhu aironga nezveruyamuro rwaibva kuUnited States. Ndakamuudza kuti anyorewo zita rangu pane vaizoda kunobatsira. Ndakamuudza nezvaCarmen ndikamuti taizoda kunoshanda pamwe chete. Akanditi akanga asingagoni kuvimbisa kuti ini naCarmen taizobvumirwa kuenda kana kuzoshanda tose.
Saka ndakaramba ndichiita basa rangu semazuva ose, ndichifunga kuti ndakanga ndisingazodanwi. Papera mazuva mana, musi wa25 uri Muvhuro, ndakafonerwa kubva kuBrooklyn vachibvunza kana zvaiita kuti ndiende kuHaiti mangwana acho! Ndakaita sendiri kurota. Ndakati ndichaita zvose zvandinogona. Ndakatanga nokukumbira nguva kubasa. Ndakabva ndati rega ndinzwe Carmen, ndokubva andiudza kuti akanga asina kudanwa nokuti akanga asingagoni kutaura chiFrench. Ndaifara uku ndichityazve. Musi wa28 January pashure pokunge ndatenga tiketi rendege, ndakabva kuNew York ndakananga kuSanto Domingo, iri kuDominican Republic yakaganhurana neHaiti.
Ndakasvikogamuchirwa nechimwe Chapupu chechiduku panhandare yendege tikabva taenda kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yemuDominican Republic. Vamwe vanamukoti vaviri vaibva kuUnited States vakasvikawo tikanorara pamwe chete. Mangwana mangwanani, takabva tatakurwa nemota kuenda kuhofisi yebazi yokuHaiti iri muguta rePort-au-Prince, rwendo rwemaawa manomwe nehafu.
Pashure pokunge tapinda muHaiti takaona ungwanda-ngwanda hwakakonzerwa nokudengenyeka. Zvaiita sokurota kuona nzvimbo yakanaka yakanga yaparadzwa nokudengenyeka kwenyika kwakangoitika mumasekonzi 35 chete. Zvairwadza kuona paTV kuparadzwa kwakanga kwaitwa zvinhu, kuzoti pandakazvionera ndoga neangu aya ndakashayiwa neromuromo. Dzimba dzakawanda kusanganisira muzinda wapurezidhendi dzakanga dzaparadzwa, dzimwe huchingova ungwanda-ngwanda. Vanhu vakanga vashanda nesimba kwoupenyu hwavo hwose kuti vave nedzimba idzi, idzo dzakazongoparara mumasekonzi mashomanana. Ndakabva ndaona kuti zvechokwadi zvinhu hazvisi izvo zvinonyanya kukosha muupenyu.
Tasvika pabazi, hanzvadzi inoshanda panosvikira vaeni payakangotiti baa yakabva yangoti simu padhesiki rayo ikauya kuzotimbundira ichinyemwerera. Vakatitenda chaizvo nokuzvipira nokuuya kwatakanga taita. Patakapedza kudya masikati, takaenda kuImba yeMagungano yaiva pedyo yakanga yava kushandiswa sechipatara. Ndakanosangana nezvimwe Zvapupu zvakanga zvauyawo kuzobatsira, kusanganisira vanachiremba vaiva murume nomudzimai vaibva kuGermany, mumwe murume aivabatsira nanyamukuta aibva kuSwitzerland.
Ndakabva ndatotanga kushanda usiku ihwohwo. Pakanga pane varwere 18 vamwe vaiva Zvapupu, vamwe vakanga vasiri, vaiva vakarara pamamatiresi muImba yeMagungano. Murwere mumwe nomumwe akarapwa neZvapupu mahara.
Usiku ihwohwo, vamwe sekuru vakanga vava nemakore 80 vakashaya. Mudzimai wavo akanga ari parutivi rwavo, uye ini newandaigara naye taivapowo. Zvadaro, mumwe mukadzi wechiduku anonzi Ketly akatanga kuchema nokurwadziwa. Ruoko rwake rworudyi rwakanga rwadimburwa nokuti akanga akuvara pakaitika kudengenyeka. Parutivi pake paivawo nechimwe Chapupu chaidzidzisa Ketly Bhaibheri. Airara parutivi paKetly muImba yeMagungano mazuva ose.
Ndakaenda kuna Ketly ndichida kuona kuti ari kunzwa sei, ndichibva ndazoona kuti aisangova marwadzo chete asi ane zvaimushungurudza. Akandiudza kuti pakaitika kudengenyeka akanga ari kumba kweshamwari yake. Vakanga vasiri kuziva kuti chii chaiitika. Vakatanga kumhanyira kuvharanda repamusoro vakabatana maoko, mudhuri ukavawondomokera vachibva vatsikirirwa noungwanda-ngwanda. Akadana shamwari yake asi hapana akadavira. Akabva aziva kuti shamwari yake yakanga yashaya. Mutumbi weshamwari yake wakanga uri parutivi pake kusvikira pakazosvika vanoyamura papera maawa mana. Ketly akadimburwa ruoko rwokurudyi kutangira pabendekete.
Usiku hwangu hwokutanga ikoko, Ketly aiti pose paaiedza kurara aibva afunga achiona maitikiro azvakanga zvaita. Misodzi iri mokoto-mokoto akati kwandiri: “Ndinoziva zvinotaurwa neMagwaro nezvemazuva okupedzisira uye nezvekudengenyeka kwenyika. Ndinoziva kuti tinotarisira kuti tichafara mune ramangwana. Ndinoziva kuti ndinotofanira kutenda kuti ndiri mupenyu. Asi chimbozvifunga uri iwe. Unenge uine upenyu hwakanaka asi wongoerekana waita zvandakaita.” Ndichishaiwa kuti ndomubatsira sei, ndakangomubata ndikatanga kuchemawo. Takaramba tichichema kusvikira abatwa nehope.
Zuva nezuva chiremba mumwe chete nevakoti vaviri vainzi vaende kunobatsira vaya vaida kurapwa. Ini ndakanzi ndiende kuPetit Goave, rwendo rwemaawa anenge maviri nemota kubva kuPort-au-Prince. Ndakaenda nemumwe mukoti akanga auya kuzobatsira aibva kuFlorida nemumwe chiremba wokuFrance. Takasvika na9:30 mangwanani, tikatutunura zvataiva nazvo tichizviisa muImba yoUmambo yaivako. Vanhu vakanga vaudzwa kuti tiri kuuya saka vaiva vakatimirira.
Takangosvikira mubasa. Kwaipisa uye vanhu vaida kurapwa vakaramba vachiwedzera. Takatozozorora kwava kuma3:00 dzemasikati. Zuva iroro pautatu hwedu takabaya vanhu 114 majekiseni, kwozoita vamwe 105 vaingotariswa kuti vari sei. Ndakanga ndaparara nokuneta asi chaindifadza ndechokuti ndaibatsirawo vaitambura.
Nguva yandakapedza ndichibatsira ndiri kuHaiti inoti pfuurei mavhiki maviri. Anenge manheru oga oga ndaishanda maawa 12 paImba yeMagungano. Raiva basa rakaoma chaizvo randanga ndisati ndamboita muupenyu hwangu. Asi ndaizviona seropafadzo uye chikomborero kushandako. Ndinofara chaizvo kuti ndakabatsirawo uye ndakanyaradza vanhu vokuHaiti avo vakatambudzika zvikuru.
Pane zvakawanda zvatinogona kudzidza kubva kwavari. Somuenzaniso, mumwe murwere wandairapa anonzi Eliser, mukomana ane makore 15, aifanira kudimburwa rimwe gumbo. Ndakacherechedza kuti aiwanzosiyira Jimmy zvokudya uyo airara parutivi pake usiku hwose. Akandiudza kuti dzimwe nguva Jimmy aiuya manheru asati adya. Zvakaitwa naEliser zvakandibatsira kuona kuti hatifaniri hedu kunge tiri vapfumi kana vatano kuti tibatsirewo vamwe.
Ndizvo zvaiitwawo nevandaishanda navo. Mumwe airwara uye mumwe wacho aichema nomusana. Asi vose vakambosiya zvokurwara kwavo vachibva vabatsira varwere. Izvi zvakandikurudzira kuti ndirambe ndichiita basa rangu. Apo neapo tose zvedu tainzwa takavhiringidzika, takaneta mupfungwa uye tisina simba, asi taitsigirana kuti tirambe tichishanda. Nguva iyi hatifi takaikanganwa! Ndinotenda chaizvo kuti ndiri musangano rine vaKristu vane mutsa, vane rudo uye vanozvipira.
Ndisati ndabva kuHaiti pane varwere vaviri vakanga vadimburwa maoko avo okurudyi vakakwanisa kundinyorera tsamba dzokuonga uye vakasimbisa kuti ndidziverenge ndakwira mundege. Ndozvandakaita. Ndakabayiwa mwoyo netsamba dzacho zvokuti ndakaramba ndichingosvimha misodzi.
Kubva zvandakadzoka kumba, ndiri kunyorerana nedzimwe shamwari dzandakawana kuHaiti. Ushamwari hwechokwadi hunovapo uye hunoonekwa kuti hwakasimba sei panguva yokutambudzika uye zvinhu pazvinenge zvakaoma. Ndine chokwadi chokuti ushamwari hwedu huchakwanisa kukurira chero dambudziko ripi ringauya mune ramangwana. Ndakaropafadzwa chaizvo.