Jesu Kristu—Shoko Rake Zvarinoita Muupenyu Hwevanhu
“Chokwadi uchapupu hunoramba huripo hunopupurira murume akachenjera wokuKapenaume ndehwokuti anoramba achibata mwoyo yevanhu nepfungwa zvinyoronyoro.”a—MUNYORI GREGG EASTERBROOK.
MASHOKO ane simba. Mashoko ouchenjeri akanyatsosarudzwa anogona kubaya mwoyo, kuita kuti munhu ave netariro uye kuti achinje upenyu. Hapana munhu akambotaura mashoko ane simba saJesu Kristu. Mumwe munhu akanzwa Jesu achipa mharidzo inozivikanwa kwazvo mazuva ano inonzi Mharidzo yepaGomo akazonyora kuti: “Jesu paakapedza mashoko aya, boka revanhu rakashamiswa nemadzidzisiro ake.”—Mateu 7:28.
Nanhasi, vanhu vakawanda pasi pose vakajaira mashoko akataurwa naJesu. Chimbofunga mienzaniso mishoma yemashoko ane simba ane zvaanoreva.
“Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.”—Mateu 6:24.
“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12.
“Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mateu 22:21.
“Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Asi Jesu akaita zvinopfuura kungotaura mashoko asingakanganwiki. Shoko raaiparidza raiva nesimba nokuti aitaura chokwadi nezvaMwari, aidzidzisa kuti vanhu vangararama sei vaine chinangwa, uye airatidza chichapedza kutambura kwevanhu—Umambo hwaMwari. Patichaongorora shoko iroro mumapeji ari kutevera, tichaona kuti nei Jesu achiramba ‘achibata mwoyo nepfungwa zvemamiriyoni evanhu zvinyoronyoro.’
[Mashoko Omuzasi]