Zvakadzidziswa naJesu Nezvake
“Jesu aisaita zvokufungidzira kuti aiva ani, aibva kupi, akavingei panyika yedu, uye kuti chii chaizoitika kwaari mune ramangwana.”—MUNYORI HERBERT LOCKYER.
TISATI tabvuma uye tatenda zvaidzidziswa naJesu, pane zvatinofanira kuziva nezvake. Aimbova ani chaizvo? Akabva kupi? Aiva nechinangwa chei muupenyu? MuEvhangeri yaMateu, Mako, Ruka neyaJohani tinogona kunzwa iye Jesu pachake achipindura.
Akararama asati aberekwa pasi pano Jesu akamboti: “Abrahamu asati avapo, ini ndaivapo.” (Johani 8:58) Abrahamu akararama makore 2 000 Jesu asati aberekwa. Asi Jesu akatomborarama Abrahamu aiva akatendeka asati ambovapo panyika. Saka Jesu aimborarama ari kupi? Akatsanangura kuti, ‘Ndakaburuka ndichibva kudenga.’—Johani 6:38.
Mwanakomana waMwari Jehovha ane vanakomana vakawanda vari ngirozi. Zvisinei Jesu akasiyana nevamwe. Akazviti “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani 3:18) Mashoko iwayo anoreva kuti Jesu ndiye chete akasikwa naMwari zvakananga. Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga ndiye akashandiswa naMwari kusika zvimwe zvinhu zvose.—VaKorose 1:16.
“Mwanakomana woMunhu” Jesu akashandisa shoko iroro zvakanyanya kupfuura mamwe achitaura nezvake. (Mateu 8:20) Saka akaratidza kuti ainge asiri ngirozi yainge yakapfeka muviri womunhu kana kuti munhu womudzimu. Asi aiva munhu chaiye. Achishandisa mudzimu wake mutsvene Mwari akatamisa upenyu hweMwanakomana wake kubva kudenga kuuya pasi, ndokuita kuti mhandara yainzi Mariya ibate pamuviri. Izvi zvakaita kuti Jesu aberekwe akakwana, ari munhu asina chivi.—Mateu 1:18; Ruka 1:35; Johani 8:46.
Mesiya Akapikirwa “Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya,” akadaro mukadzi wechiSamariya kuna Jesu. Iye ndokupindura achiti: “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.” (Johani 4:25, 26) Mashoko okuti “Mesiya,” uye “Kristu” anoreva kuti “Akazodzwa.” Jesu aiva akazodzwa, kana kuti akagadzwa naMwari kuti aite basa rinokosha kuti zvakavimbiswa naMwari zvizadziswe.
Chinangwa chake chikuru chokuuya panyika Jesu akambotaura kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Kunyange zvazvo akaitira vanhu vaida kubatsirwa mabasa akawanda akanaka, chinangwa chake chikuru muupenyu chaiva chokuparidza nezvoUmambo hwaMwari. Zvaakadzidzisa nezveUmambo ihwohwo zvichakurukurwa gare gare.
Zvakajeka kuti Jesu aisava munhuwo zvake.a Sezvatichaona, kurarama kwaakaita kudenga kwakaita kuti mashoko aakazotaura ava panyika ave nezvaanoreva. Hatifaniri kushamisika kuti akaparidza shoko rine zvarinoita kumamiriyoni evanhu munyika yose.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko akawanda nezvaJesu uye basa rake muchinangwa chaMwari, ona chitsauko 4 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.