Unoziva Baba Vako Vokudenga Here?
UNONYATSOZIVA baba vako zvakadini? Mubvunzo uyu ungakushamisa kana wakakurira mumhuri ine rudo. Ungapindura kuti, ‘Hungu ndinonyatsovaziva!’ Ichokwadi kuti vanhu vakawanda vanoziva zvinodiwa navanababa vavo uye zvavasingadi, zvavanoita mumamiriro ezvinhu akati, uye kutarisira kwavanoita mhuri dzavo.
Kunyange zvakadaro, pangava nenguva dzawaishamisika kuona humwe unhu pana baba vako hwawakanga usingatarisiri zvachose. Somuenzaniso, mwanakomana angaziva baba vake somunhu akanyarara uye munyoro kutozosvikira pamuka zvimwe zvinhu zvinofanira kuitwa nokukurumidza. Ipapo anobva angoona baba vake vachitsunga uye vachiratidza ushingi hwokudzivirira mhuri yavo.
Zvakadii noMusiki wedu? Nezvake, tinoudzwa kuti: “Nokuti naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo.” (Mabasa 17:28) Upenyu hwedu hunobva kuna Mwari; mupfungwa iyi ndiye Baba wevanhu vose vari kurarama. (Isaya 64:8) Zvichida ndiwo manzwiro aunoita nezvaMwari, uye izvozvo zvakanaka uye unofanira kunzwa saizvozvo. Zvisinei, kune zvakawanda zvatinofanira kuziva uye kuongorora nezvake uye izvi zvinotibatsira tofara.
Kuremekedza kwaunoita baba vako vakakubereka uye manzwiro aunoita nezvavo zvinoenderana nokuti unonyatsovaziva zvakadini. Saizvozvowo ukanyatsoziva Mwari, unobva wava noukama hwepedyo naMwari. Mwari anogona kukubatsira kutsungirira matambudziko oupenyu kana ukanyatsomuziva uye ukadzidza kuita zvaanoda.
Mwari munhu akaita sei? Unhu hwake hunofanira kuita kuti unzwe sei nezvake? Kumuziva kwaunoita kunofanira kuita kuti unzwe kuti une zvaunofanira kuita here? Uchawana mhinduro yemibvunzo iyi munyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Manzwiro aunoita nezvevamwe anobva pakuti unonyatsovaziva zvakadini