Usatya—Jehovha Anewe!
MAKORE anodarika 50 apfuura, bhomba renyukireya rokutanga richangoputika, musayendisiti akahwina mubayiro weNobel Prize anonzi Harold C. Urey akati nezveramangwana: “Tichadya tichitya, ticharara tichitya, tichagara tichitya uye tichafa tichitya.” Nhasi, zvechokwadi nyika yedu yose izere nokutya, uye izvi hazvishamisi! Zuva nezuva, mapepanhau anotaura nezvenhoroondo dzinotyisa dzougandanga, mhosva dzechisimba, uye zvirwere zvisinganzwisisiki.
SevaKristu, tinoziva kuti mamiriro ezvinhu akadaro anorevei. Anoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino, akafanotaurwa neBhaibheri kuti aizozivikanwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Saka chivimbo chedu chinobva chasimbiswa chokuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha Mwari achaunza nyika itsva ichagara kururama. (2 Petro 3:13) Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti iye zvino isu hatityi?
Maonero Anoita Vashumiri vaMwari Kutya
Jakobho, Dhavhidhi naEriya vaiva vamwe vevashumiri vaJehovha vakambotya pavakatarisana nemamiriro ezvinhu aiva nengozi. (Genesisi 32:6, 7; 1 Samueri 21:11, 12; 1 Madzimambo 19:2, 3) Hakusi kuti varume ava vakanga vasina kutenda. Kusiyana naizvozvo, vakaratidza kuti vaivimba naJehovha zvakasimba. Kunyange zvakadaro, Jakobho, Dhavhidhi naEriya vaiva vanhu, saka vaityawo. “Eriya akanga ari munhu aiva nemanzwiro akafanana needu,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho.—Jakobho 5:17.
Isuwo tinganzwa tichitya patinenge tichifunga nezvechipingamupinyi chatingave takatarisana nacho kana kuti chatingazotarisana nacho mune ramangwana. Kutya kwakadaro kunonzwisisika. Ingawani Bhaibheri rinototaura kuti Satani Dhiyabhorosi akatsunga ‘kurwa’ nevaya “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:17) Kunyange zvazvo mashoko iwayo achinyanya kureva vaKristu vakazodzwa, Pauro akanyora kuti: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Kunyange zvakadaro, patinotarisana nezvinetso hatifaniri kukurirwa nokutya. Nei?
“Mwari Wemabasa Okuponesa”
Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wemabasa okuponesa.” (Pisarema 68:20) Jehovha akaratidza kakawanda kuti anokwanisa kuponesa vanhu vake, nokuvanunura mumamiriro ezvinhu ane ngozi kana kuti nokuvapa simba rokutsungirira. (Pisarema 34:17; Dhanieri 6:22; 1 VaKorinde 10:13) Kubva mukudzidza kwaunoita Bhaibheri, “mabasa okuponesa” mangani akadaro aunoyeuka?
Uchishandisa Watch Tower Publications Index,a wadii kutsvakurudza nezvezvinhu izvozvo zvakanyatsoitika zvakadai seMafashamo akaitika munyika yose muzuva raNoa, kununurwa kwaRoti nevanasikana vake muSodhoma neGomora, Kubuda kwakaita vaIsraeri muIjipiti uye kufamba kwavakaita nomuGungwa Dzvuku, kana kuti urongwa hwaHamani hwokuti aparadze vaJudha hwakaitwa kuti hukundikane? Kuverenga uye kufungisisa nezvenhoroondo idzi dzinofadza kuchasimbisa kutenda kwako kwokuti Jehovha ndiMwari wemabasa okuponesa. Izviwo zvichakubatsira kuti utarisane nemiedzo yokutenda kwako usingatyi.
Mienzaniso Yemazuva Ano
Ungafunga here nezvemienzaniso yemazuva ano yevanhu vari munharaunda yako vakatsungirira? Angava munhu akaiswa mujeri nokuti akatendeka kuna Mwari. Ungadaro uchiziva nezvomuKristu akura ari kushumira Jehovha pasinei noutano husina kunaka. Kana kuti funga nezvepwere dziri kuramba dzakaparadzana nenyika pasinei nokunetswa zvikuru kwadzinenge dzichiitwa nevadzinodzidza navo. Kunewo vabereki vari voga, vari kurera vana vasina wavakaroorana naye, kana kuti vanhu vasina kuroora kana kuroorwa vanoshumira Jehovha pasinei nokuti vanombosurukirwa. Unodzidzei kune vakadaro? Kufungisisa nezvenzira yavo yokutendeka kunogona kukubatsira kutsungirira uye kuramba usingatyi pasinei nemiedzo chero ipi zvayo yaungatarisana nayo.
Kusatya kunodiwa kwete chete patinoshorwa nepatinotambudzwa, asiwo patinotanga kusava nechokwadi chokuti Jehovha anotida. Tinofanira kushandira kuva nechivimbo chokuti rudzikinuro rwaKristu runoshanda kwatiri somunhu mumwe nomumwe. (VaGaratiya 2:20) Zvadaro, tinogona kutaura naJehovha tisingatyi zvisina kukodzera. Kana tichinzwa sokuti hatikodzeri kudiwa naJehovha, tinogona kufungisisa nezvemashoko aJesu aakaudza vateveri vake okuti: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”—Mateu 10:29-31.
Magazini eNharireyomurindi uye Mukai! anowanzobudisa zvakaitika kuZvapupu zvaJehovha zvemazuva ano izvo zvisina kutya pazvakatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma. Izvi hazvirevi kuti vakanga vasinganetseki nezvemamiriro avo ezvinhu. Asi havana kurega manzwiro iwayo achiita kuti varege kushumira Jehovha. Nhoroondo dzavo dzakanyorwa dzinogona kukubatsirawo kutsungirira usingatyi. Funga nezvemienzaniso miviri.
Kukuvara Kwakachinja Upenyu Hwake
Mukai! yaMay 8, 2003 yaiva nenyaya yaiti “Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nokukuvara.” Munyaya yacho, Stanley Ombeva, mumwe weZvapupu zvaJehovha wokuKenya, anorondedzera matambudziko aakatarisana nawo paakarohwa nemotokari yaimhanya. Utano hwake pahwakaramba huchiipa, basa rake rakapera, uye haana kana mubhadharo waakawana. Munhoroondo yavo, Hama Ombeva vanobvuma kuti, “Pandakatanga kunzwisisa mamiriro angu ezvinhu, ndakaora mwoyo, ndakatanga kungogara ndichifunga nezvoupenyu hwangu, uye ndisingachatani kutsamwa. Dzimwe nguva, ndaitsamwa uye ndaiva ndisina ushamwari.” Pasinei nedambudziko rake, murume uyu wechiKristu akaramba asingatyi. Haana kurega kuora mwoyo kuchimukurira uye kuchiita kuti akande mapfumo pasi zvachose. Pane kudaro, akavimba naJehovha. “Nguva yose ainditsigira pazvose zvandaisangana nazvo—zvikuru, zvokuti ndainzwa kunyara dzimwe nguva,” vanodaro Hama Ombeva. “Ndakasarudza zvakasimba kuverenga uye kufungisisa magwaro andaiziva kuti anondinyaradza mumamiriro angu ezvinhu.”
Mashoko echokwadi aHama Ombeva akaita kuti vamwe vakawanda vatsungirire miedzo yavo vasingatyi. “Ndakasvimha misodzi pandakaverenga nyaya iyi,” imwe hanzvadzi yechiKristu yakanyora kudaro. “Ndakaona kuti Jehovha akanga achiratidza ushamwari hwake uye kuva nehanya kworudo achishandisa nyaya iyi uye kuti akanga achindinyaradza.” Chimwe Chapupu chakanyora kuti: “Nyaya dzakadai dzinokurudzira chaizvo isu vaya vanenge vari mumamiriro ezvinhu akafanana uye vanotambura chinyararire.”
Kukurira Kushungurudzika Mupfungwa
Chimwe chiitiko chinobaya mwoyo chakaitika kuna Herbert Jennings chakarondedzerwa munyaya ine musoro unoti “Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana.”b Hama Jennings vane chirwere chinonzi bipolar. Vachifunga nezvemazuva avakatanga kurwara, vanoti: “Kungopinda misangano yechiKristu chete kwaive kwokutamburira zvechokwadi. Kunyange zvakadaro, ndainyatsoziva kukosha kwesonganiro yomudzimu. Kuti ndizvigone, ndaiwanzopinda mu[Imba] yoUmambo vanhu vagadzikana ndobuda vasati vatanga kufamba-famba pashure pepurogiramu.”
Kuparidza kwaiva kwakaomawo. “Dzimwe nguva, kunyange pashure pokusvika paimba, ndaigona kutadza kana kuridza bhero repasuo,” vanorondedzera kudaro Hama Jennings. “Zvisinei, ndaisasiya, nokuti ndaiziva kuti ushumiri hwedu hunoreva ruponeso kwatiri nokune vapi nevapi vanobvuma. (1 Timoti 4:16) Pashure pekanguva, ndaizokwanisa kudzora manzwiro angu, ndoenda pasuo rinotevera, ndoedzazve. Nokuramba ndichibudawo muushumiri, ndakaramba ndiine utano hwomudzimu hune mwero uye zvakawedzera kukwanisa kwangu kuramba ndichipfuurira.”
Nhoroondo yechokwadi yaHama Jennings yakabatsira vaverengi vakawanda kuti vatarisane nematambudziko avo vasingatyi zvakafanana. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yechiKristu yakanyora kuti: “Mumakore 28 andave ndichiverenga magazini eNharireyomurindi uye Mukai!, handisati ndambobayiwa mwoyo sezvandakaitwa pandakaverenga nyaya ino. Ndaifanira kurega basa rangu renguva yakazara uye ndainzwa ndiine mhaka zvikuru, ndichifunga kuti kudai ndakanga ndiine kutenda kwakasimba, ndingadai ndakakwanisa kuenderera mberi. Kuverenga nezvokuti Hama Jennings vakarega sei basa ravo kuti vatarisire urwere hwavo kwakandibatsira kuona mamiriro angu ezvinhu nenzira iri pakati nepakati. Chokwadi iyi yakanga iri mhinduro yeminyengetero yangu!”
Imwe hama yechiKristu yakanyorawo saizvozvo ichiti: “Mushure mokunge ndashumira somukuru muungano kwemakore gumi, ndaifanira kurega ropafadzo yangu nemhaka yechirwere chepfungwa. Kazhinji ndainzwa sokuti ndakundikana zvokuti ndaiora mwoyo chaizvo pandaiverenga nyaya dzoupenyu dzinowanzorondedzera kubudirira kunoshamisa kunoitwa nevanhu vaJehovha. Asi kutsungirira kwaHama Jennings kwakandikurudzira. Ndakaverenga nyaya yacho kasingaperi.”
Kufambira Mberi Nechivimbo
SaHama Ombeva naHama Jennings, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinoramba zvichinamata Jehovha Mwari zvisingatyi, pasinei nezvipingamupinyi zvakaoma chaizvo. Kana uri mumwe wavo, uri kuita zvakanaka. Iva nechokwadi chokuti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VaHebheru 6:10.
Sezvo Jehovha akabatsira vanhu vakatendeka vekare kuti vakunde vavengi vavo, anogonawo kukubatsira kuti ukunde chipingamupinyi chero chipi zvacho chaungatarisana nacho. Saka, fungisisa mashoko akataurwa naJehovha achishandisa muprofita Isaya, okuti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mifananidzo iri papeji 16]
Vakawanda vari kushumira Jehovha vasingatyi, saStanley Ombeva (ari pamusoro) naHerbert Jennings (ari kurudyi)
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 14]
USAF photo