RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 8/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Areka Yesungano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chinhu Chainyanya Kukosha muTebhenekeri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Tebhenekeri Yekunamatira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Imba Yokunyengetera Yamarudzi Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 8/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

MuIsraeri yekare, chiedza chinoshamisa dzimwe nguva chainzi Shekina, chaioneka muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri uye mutemberi chaimirirei?

Jehovha, Baba vane rudo noMudziviriri wevanhu vake, akaita kuti vaIsraeri vanyatsoziva kuti ndiye Mwari. Imwe nzira yaakaita nayo izvi yaiva yokushandisa gore rakajeka, raiva nechokuita nenzvimbo yake yokunamatira.

Chiedza chaioneka ichi chaimirira kuvapo kwaJehovha kusingaoneki. Chaioneka muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri uye yetemberi yakavakwa naSoromoni. Chiedza ichi chaishamisa chakanga chisingarevi kuti Jehovha aiva ipapo chaipo. Mwari haagari muchivako chipi zvacho chakavakwa nevanhu. (2 Makoronike 6:18; Mabasa 17:24) Chiedza ichi chainge chakajeka chaikonzerwa nesimba raMwari, icho chaioneka munzvimbo tsvene, chaiita kuti mupristi mukuru ave nechivimbo chokuti Jehovha aivapo kuti avadzivirire nokuvapa zvavaida, izvo zvaizoitawo kuti vaIsraeri vose vavewo nechivimbo chakadaro vaona mupristi wacho.

Mumutauro wechiAramaiki wakazonyorwa Bhaibheri ratonyorwa, chiedza ichi chainzi Shekina (shekhi·nahʹ), shoko rinoreva “chinhu chinogara” kana kuti “nzvimbo inogarwa.” Shoko iri hariwaniki muBhaibheri asi rinowanika mushanduro dzechiAramaiki dzeMagwaro echiHebheru, anozivikanwawo sokuti Targums.

Paaipa mirayiridzo yokuvakwa kwetebhenekeri, Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. Ndipo pandichasongana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, ndiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka.” (Eksodho 25:21, 22) Areka yaitaurwa pano yaiva bhokisi rakagadzirwa nendarama raiva muNzvimbo Tsvenetsvene. Maiva nemakerubhi maviri endarama aiva pachinhu chaivhariswa Areka.

Jehovha aizotaura ari papi? Akapindura paakaudza Mosesi kuti: “Mugore pamusoro pechifunhiro.” (Revhitiko 16:2) Gore iri raiva rakayangarara pamusoro peAreka tsvene pakati pemakerubhi maviri endarama. Bhaibheri hariratidzi kuti raiva pamusoro zvakadini kana kuti raiva pamusoro pemakerubhi zvakadini.

Gore raipenya iri ndiro raijekesa Nzvimbo Tsvenetsvene. Kutaura zvazviri, ndiro bedzi raijekesa mukamuri iroro. Mupristi mukuru aibatsirwa nechiedza ichi paaipinda munzvimbo yomukati-kati paZuva Rokuyananisa. Aimiririra kuvapo kwaJehovha.

Chiedza ichi chaivapo nenzira inoshamisa chine zvachinomirira here kuvaKristu? Pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaona guta ‘richange risisina usiku.’ Guta racho rinonzi Jerusarema Idzva, rinoumbwa nevaKristu vakazodzwa vakamutswa kuti vatonge naJesu. Chiedza cheguta rokufananidzira iri hachibvi kuzuva kana kumwedzi. Kubwinya kwaJehovha Mwari ndiko kunovhenekera sangano iri zvakananga, sezvaingoita gore rainzi Shekina raiita kuti muNzvimbo Tsvenetsvene muve nechiedza. Uyewo Gwayana, Jesu Kristu, ndiye “rambi” reguta racho. Ukuwo, “guta” iri rinojekesa chiedza charo mune zvokunamata nokufarira vanhu vakadzikinurwa kubva mumarudzi ose richivatungamirira.—Zvakazarurwa 21:22-25.

Nokuti vanowana zvikomborero zvakawanda zvakadaro kubva kumusoro, vanamati vaJehovha vane chokwadi chokuti Jehovha ndiye Mufudzi wavo anovadzivirira uye Baba vavo vane rudo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe