RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 8/15 p. 32
  • Kufarira Bhaibheri Kunoyemurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Bhaibheri Kunoyemurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 8/15 p. 32

Kufarira Bhaibheri Kunoyemurwa

MARIANNA, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kumaodzanyemba kweItaly, ane makore 18 uye ari mugore rokupedzisira pachikoro chesekondari. Pachikoro apa anodzidzawo nezvimwe Zvapupu zvechiduku.

“Kwemakore mashomanana iye zvino,” anonyora kudaro Marianna, “vamwe vedu tanga tichiverenga rugwaro rwezuva nezuva ruri muBhaibheri kubva mukabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva panguva yatinombozorora. Nzvimbo bedzi yataikwanisa kuitira izvi yaiva kamwe kamukoto kari pedyo neimba inoshandiswa nevarayiridzi. Kainzwika ruzha. Vadzidzisi vakawanda vaitiona pavaipfuura nepataiva, uye vamwe vaimira kuti vaone zvatainge tichiita. Izvi zvaiwanzotipa mikana yokupindura mibvunzo yavo. Paavhareji, zuva rimwe nerimwe mudzidzisi mumwe chete aimira kuti ataure nesu. Vakawanda vaimira kuti vateerere kukurukurirana kwataiita rugwaro rweBhaibheri uye vaitiyemura isu Zvapupu kuti tinofarira zvinhu zvokunamata. Pane imwe nguva, mutevedzeri womukuru wechikoro akatikumbira kuti tikurukurire muimba inoshandiswa nevarayiridzi.

“Aona pataikurukurira rugwaro rwacho, mudzidzisi wangu akakumbira mukuru wechikoro kuti tikurukurire mune imwe kirasi yainge yakanyarara. Mukuru wechikoro akabvuma, uye mudzidzisi wangu akatirumbidza pamberi pekirasi yose nokuda kwomuenzaniso wakanaka wataive taratidza. Tose tinofara chaizvo nokuda kweropafadzo yakakura yatakapiwa naJehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe