RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 10/15 p. 3
  • Pane Masimba Akaipa Ari Kushanda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Masimba Akaipa Ari Kushanda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 10/15 p. 3

Pane Masimba Akaipa Ari Kushanda Here?

“Nyika yavhiringidzika pfungwa, sokunge kuti pane masimba emashiripiti ari kunyatsoedza kuvhara misuo yose yokubuda nayo.”—Jean-Claude Souléry, mutori wenhau.

‘Kunzwa kwomunhu kuti haana simba rokuzvidzivirira kunenge kunoita kuti afunge kuti pane chinhu chakaipa chine simba guru chiri kushanda.’—Josef Barton, munyori wezvakaitika kare.

KUPARADZA kunotyisa kwazvo kwakaitwa nemagandanga musi waSeptember 11, 2001 kwakaita kuti vakawanda vafungisise. Achinyora mupepanhau reFinancial Times, rokuEngland, Michael Prowse akati: “Hapana mhuka yaizoita kana kuti ingadai yakaita utsinye hwakadaro.” Imwe nyaya yomupepeti wenhau dzeNew York Times yakataura kuti kunze kwokuronga kwaidiwa pakurwisa kwacho, “zvinokoshawo kufunga nezvemakuriro oruvengo rwaivapo rwakakonzera kurwisa ikoko. Ruvengo runopfuura nzira dzokurwa nadzo hondo, rusina miganhu, rusingateereri zvibvumirano.”

Vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana vakafungisisa kuti panogona kuva nerimwe simba rakaipa riri kushanda. Mumwe muzvinabhizimisi wokuSarajevo akaona utsinye hworuvengo rwedzinza muBosnia akataura kuti: “Pashure pegore rehondo yomuBosnia ndinodavira kuti Satani ndiye ari kudzora zvinhu zvose. Uku kupenga chaiko.”

Paakabvunzwa kana aidavira kuti kuna Dhiyabhorosi, munyori wezvakaitika kare Jean Delumeau akapindura kuti: “Ndingaramba sei simba rezvakaipa ini ndichiona zviri kuitika uye zvakaitika kubvira pandakazvarwa: Hondo yenyika yechipiri, nevanhu vanopfuura mamiriyoni 40 vakaurayiwa; musasa wevasungwa weAuschwitz uye misasa yevasungwa yaiurayirwa vanhu; kuparadzwa kworudzi muCambodia; udzvinyiriri hwoutongi hwaCeauşescu hwakadeura ropa rakawanda; utongi hwehurumende hwokutambudza vanhu huri munyika dzakawanda pasi pose. Zvinhu zvinotyisa zvacho hazviperi. . . . Saka ndinofunga kuti hakusi kukanganisa kuti tidane zviito zvakadaro kuti nde‘zvechidhiyabhorosi,’ kwete kuti zvinokonzerwa naDhiyabhorosi ane nyanga uye tsoka dzine mahwanda asi naDhiyabhorosi ari chiratidzo chomudzimu nesimba rezvakaipa riri kushanda munyika.”

Kufanana naJean Delumeau, vanhu vakawanda vanoti zvinhu zvinotyisa zviri kuitika nhasi munzanga yevanhu ndezve“chidhiyabhorosi,” zvichibvira pamhuri kusvikira pamwero wenyika yose. Asi izvi zvinorevei? Zvinhu zvinotyisa izvozvo zvinofanira kunzi zvinokonzerwa nemasimba ezvakaipa asiri munhu here, kana kuti pane masimba akaipa akaita somunhu ari kuita basa rokufurira vanhu kupara mhosva dzakaipisisa dzinopfuura kuipa kwangogara kuchiitwa nevanhu here? Masimba akadaro anotarisirwa namakonya wezvakaipa—Satani Dhiyabhorosi here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Vana: U.S. Coast Guard photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe