Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
ANODOKUSVIKA makore ane zviuru zviviri apfuura, Jesu Kristu, munhu asina mhaka, akanga achitongwa nokuda kwoupenyu hwake. Vanhu vakaipa vakanga vachirangana kumuparadza nemhaka yokuti aitaura zvokwadi. Iye akapomerwa zvenhema nhema kumukira hurumende, uye boka rakachemera kuurawa kwake. Mumwe gavhuna weRoma, uyo aikoshesa mukurumbira wake amene wezvamatongerwe enyika zvikuru kupfuura upenyu hwomuvezi anozvininipisa, akashurikidzira Jesu kurufu rwoutsinye. Kuzvitarisiko zvose zvokunze, kwakaratidzika kuti zvakaipa zvakanga zvakunda.
Zvisinei, usiku hwapamberi pokuurawa kwake, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Ini ndakakunda nyika.” (Johane 16:33) Akarevei? Murutivi, kuti zvakaipa zvomunyika zvakanga zvisina kumushatirisa kana kuti zvimwe kumuita kuti atsive nomutoo wakafanana. Nyika yakanga isina kumumanikidzira kupinda muchimiro chakaipa. (Enzanisa naVaRoma 12:2, Phillips.) Kunyange pakufa, iye akanyengeterera vaurayi vake, achiti: “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.”—Ruka 23:34.
Jesu akaratidzira—kutozosvikira afa—kuti zvakaipa zvinogona kukurirwa. Iye akakurudzira vateveri vake kurwa hondo yavo vamene mukurwisana nezvakaipa. Vanogona sei kuita izvozvo? Kupfurikidza nokuteerera zano rapaMagwaro ro“kusadzorera chakaipa nokuda kwechakaipa kumunhu” uye roku“ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka,” seizvo Jesu akanga aita. (VaRoma 12:17, 21, NW) Asi muitiro wakadaro unoshanda chaizvoizvo here?
Kurwisa Zvakaipa muDachau
Else akanga ari mukadzi wechiGermany akapinzwa mutorongo muDachau uyo akapa chipo chinokosha kumusikana weRussia ane makore 14 okukura, chipo chokutenda netariro.
Dachau wakanga uri musasa wechibharo une mbiri yakaipa umo zviuru zvakafa uye mazana, kubatanidza uyu musikana muduku weRussia, vakaedzwa zvinotyisa mune zvokurapa. Dachau yakaratidzika kuva zvakaipa chaizvoizvo. Kunyanguvezvo, kunyange muvhu rakadaro rairatidzika kuva risingabereki, zvakanaka zvakamera uye zvakatowanda.
Else akanzwira urombo zvakakomba uyu musikana muduku wechiduku uyo akanga amanikidzirwawo kutarira varindiri veSS vachibata chibharo amai vake noutsinye. Else, pangozi youpenyu hwake amene, akatsvaka mabanza okutaura kumusikana wacho pamusoro pezvakanaka nezvakaipa uye pamusoro petariro yapaMagwaro yorumuko. Iye akadzidzisa shamwari yake duku kuda panzvimbo pokuvenga. Uye musikana weRussia akapukunyuka zvinotyisa zveDachau, nemhaka yaElse.
Else akaita zvaakaita nemhaka yokuti aida kutevera muenzaniso usina udyire waKristu. Somumwe weZvapupu zvaJehovha, iye akanga adzidza kusadzorera zvakaipa nokuda kwezvakaipa, uye kutenda kwake kwakamusunda kubetsera vamwe kuita zvakafanana. Kunyange zvazvo iye akatambura muDachau, akawina rukundo rwetsika pahurumende yakaipa. Uye iye akanga asati ari oga.
Paul Johnson, mubhuku rake A History of Christianity, akanyora kuti “[Zvapupu zvaJehovha] zvakaramba batira pamwe ipi neipi nehurumende yeNazi iyo zvakashurikidza seyakaipa chose chose. . . . Makumi mapfumbamwe navanomwe muzana vakatambura chitambudzo muchimiro chimwe kana kuti chimwe chacho.” Yakanga iri rwisano isina tariro here? Mubhuku rinonzi Values and Violence in Auschwitz, nyanzvi yamagarire avanhu yePoland Anna Pawelczynska yakati pamusoro peZvapupu: “Iri boka duku ravasungwa rakanga riri simba rakasimba repfungwa uye ivo vakawina hondo yavo yokurwisana nechiNazi.”
Nokuda kwavazhinjisa vedu, kunyanguvezvo, hondo huru inorwiwa mukurwisana nezvakaipa zviri mukati panzvimbo pezvakaipa zviri kunze. Iyo irwisano mukati medu timene.
Kukurira Zvakaipa Zviri Mukati Medu
Muapostora Pauro akarondedzera iyi rwisano nenzira inotevera: “Hazvisati zviri zvakanaka zvandinoda kuita zvandinoita zvomenemene; ndizvo zvakaipa zvandisingadi kuita zvandinoramba ndichiita.” (VaRoma 7:19, The New Testament, yakanyorwa naWilliam Barclay) Seizvo Pauro aisanoziva, kuita zvakanaka hakuuyi nomuzvarirwo nguva dzose.
Eugenioa akanga ari murume muduku weSpania uyo, kwamakore maviri marefu, akarwa hondo yokurwisana nekombamiro dzake dzakaipa. “Ndaifanira kuzviomesera ndimene,” iye anotsanangura kudaro. “Kuvambira pazera rapakuvamba, ndaiva nekombamiro yokuva noutere. Sowechiduku, ndakatora rutivi nokudisa muvatano dzavane mitezo mimwe chete yevatano, uye kuva akajeka, ndaifarikanya rudzi irworwo rwamararamire.” Chii pakupedzisira chakamuita ade kuchinja?
“Ndaida kufadza Mwari, uye ndakadzidza muBhaibheri kuti aisatendera nzira yandakanga ndichirarama nayo,” Eugenio akadaro. “Naizvozvo ndakasarudza kuva rudzi rwakasiana rwomunhu, kurarama mukuwirirana nenhungamiro dzaMwari. Zuva riri rose, ndaifanira kurwisana nemirangariro yakaipa, isina kunaka iyo yakanga ichingodirana mundangariro mangu. Ndakanga ndakatsunga kuwina iyi hondo, uye ndakanyengetera nguva dzose nokuda kwebetsero yaMwari. Pashure pamakore maviri chakaipisisa chakanga chapfuura, kunyange zvazvo ndichiri anozviomesera. Asi rwisano yacho yakanga yakafanira. Zvino ndine kuzviremekedza, roorano yakanaka, uye, kupfuura zvose, ukama hwakanaka naMwari. Ndinoziva kubva muruzivo rwomunhu oga kuti mifungo yakaipa inogona kudzingwa isati yabereka zvibereko—kana ukaita chaizvoizvo nhamburiko.”
Zvakanaka zvinokurira zvakaipa nguva iri yose mufungo wakaipa unorambwa, nguva iri yose tinoramba kudzorera chakaipa nokuda kwechakaipa. Bva, rukundo rwakadaro, kunyange zvazvo ruchikosha, harubvisi manyuko maviri makuru ezvakaipa. Hazvinei hazvo nokuti tinoedza zvakaoma sei, hatigoni kukunda chose chose utera hwedu hwakagarwa nhaka, uye Satani achiri kushandisa pesvedzero yakaipa parudzi rwomunhu. Naizvozvo uyu mugariro uchazombochinja here?
Kuparadza Dhiabhorosi
Kutendeka kwaJesu kusvikira kurufu kwakanga kuri kukundwa kukuru kwaSatani. Dhiabhorosi akakundikana mukuedza kwake kupunza perero yaJesu, uye kundikano iyoyo yakaratidzira mavambo omugumo nokuda kwaSatani. Sokutsanangura kunoita Bhaibheri, Jesu akaravira rufu kuti “kupfurikidza norufu rwake iye agoparadza . . . Dhiabhorosi.” (VaHebheru 2:14, NW) Pashure porumuko rwake Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Chiremera chose chakandipiwa mudenga napasi pano.” (Mateo 28:18, NW) Uye ichi chiremera chaizoshandiswa kuparadza mabasa aSatani.
Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera zuva apo Jesu aizobudisa Satani mumatenga. Uyu Muiti wezvakaipa mukuru, pamwe chete namadhemoni ake, aifanira kuganhurirwa pedyo napasi. Somuuyo, Bhaibheri rinonyevera kuti, zvakaipa zvaizowanda: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti [Dhiabhorosi, NW] wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.
Uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti ichi chinoitika chinokosha chakatoitika—panenge panguva yeHondo yoKutanga yeNyika.b Ikoko kunotsanangura wedzero huru muzvakaipa yatakapupurira munguva yedu. Asi nokukurumidza Satani achaganhurirwa chose chose zvokuti haasati achizogona kupesvedzerazve munhu upi noupi.—Ona Zvakazarurwa 20:1-3.
Izvozvi zvose zvicharevei nokuda kworudzi rwomunhu?
“Havasati Vachizoita Zvakaipa”
SaMambo woUmambo hwaMwari, Jesu achakurumidza kushandisa ‘chiremera chake pasi pano’ kuti aronge gadziriro yokudzidzisazve kwomudzimu. “Vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.” (Isaya 26:9) Betsero dzichava pachena kumunhu ari wose. Bhaibheri rinotipikira, kuti: “Hazvingakuvadzi [“havasati vachizoita zvakaipa,” Interlinear Hebrew/Greek English Bible yaGreen] kana kuparadza . . . nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
Kunyange zvino, dzakawanda dzekombamiro dzedu dzakaipa dzinogona kukundwa. Apo pesvedzero yamadhemoni inenge isisipo, zvirokwazvo kuchava kuri nyore zvikuru ku“bva pane chakaipa ndokuita chiri chakanaka.”—1 Petro 3:11, NW.
Tine chikonzero chiri chose chokuva nechivimbo chokuti zvakanaka zvichakurira zvakaipa nemhaka yokuti Mwari akanaka, uye nebetsero yake avo vanoda kuita zvakanaka vanogona kukunda zvakaipa, seizvo Jesu akabvumikisa kupfurikidza nomuenzaniso wake amene. (Pisarema 119:68) Avo zvino vanodisa kurwisa zvakaipa vanogona kukarira kurarama mupasi rakacheneswa rinotongwa noUmambo hwaMwari, hurumende yakazvipira kubvisa zvakaipa kwenguva yose. Wezvamapisarema anorondedzera muuyo wacho, achiti: “Ngoni nezvokwadi zvakasongana; kururama norugare zvakasvetana. Zvokwadi inomera pasi; kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.”—Pisarema 85:10, 11.
[Mashoko Omuzasi]
a Harisati riri zita rake chairoiro.
b Nokuda kwoudzame hwakawanda, ona mapeji 20-2 ebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.