RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 7/1 p. 30
  • Musangano Wegore Negore waOctober 6, 2001

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musangano Wegore Negore waOctober 6, 2001
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Musangano Wegore Negore waOctober 6, 2001
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Musangano Wegore Negore waOctober 7, 2000
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Musangano Wegore Negore waOctober 7, 2000
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Musangano Wegore Negore October 4, 1997
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 7/1 p. 30

Musangano Wegore Negore waOctober 6, 2001

MUSANGANO WEGORE NEGORE wenhengo dzeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa musi waOctober 6, 2001, paHoro Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wenhengo chete uchatanga na9:15 mangwanani, uchizoteverwa nomusangano wavose wegore negore na10:00 mangwanani.

Nhengo dzesangano dzinofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvokuchinja kupi nokupi kwekero dzokutumira tsamba kwakaitika mugore radarika kuitira kuti tsamba dzose dzokuzivisa uye magwaro okuvhota usipo zvinogarotumirwa zvigone kusvika kwadziri muna July.

Magwaro okuvhota usipo, achatumirwa kunhengo pamwe nechiziviso chomusangano wegore negore, zvinofanira kudzoswa kuti zvisvike kuHofisi yoMunyori weSosaiti musi waAugust 1 usati wasvika. Nhengo yoga yoga inofanira kuzadza ndokudzosa gwaro rayo rokuvhota isipo nokukurumidza, ichitaura kuti iyo ichavapo pamusangano here kana kuti kwete. Mashoko anopiwa pagwaro rokuvhota usipo roga roga anofanira kuva akajeka ipapa, sezvo achashandiswa kuziva kuti ndiani anenge aripo.

Zvinotarisirwa kuti purogiramu yose, kusanganisira musangano wakarongwa webhizimisi nemishumo, zvichapedzwa na1:00 masikati kana kuti nguva pfupi izvozvo zvapera. Hapazovi nepurogiramu yemasikati. Nemhaka yenzvimbo duku, vanenge vane tikiti chete ndivo vachapinda. Hapana urongwa huchaitwa kuti musangano wegore negore ubatanidzwe nedzimwe horo norunhare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe