RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 12/1 p. 8
  • Jehovha Anopa Vanhu Vake Nzvimbo Yokuzororera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anopa Vanhu Vake Nzvimbo Yokuzororera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mashoko Akafanana
  • VaMaya Vanowana Rusununguko Rwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • Vakapwiswa muKathmandu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 12/1 p. 8

Mushumo Wavazivisi Voumambo

Jehovha Anopa Vanhu Vake Nzvimbo Yokuzororera

NZVIMBO yokuzororera ine mumvuri panzira yomugomo chinhu chinodiwa zvikuru nomufambi aneta. MuNepal, nzvimbo dzokuzororera dzakadaro dzinonzi chautara. Chautara chaiyo inogona kunge iri pasi pomuti wakasvibira unonzi mubanyan, nzvimbo yokugara nokuzororera ine mumvuri. Kugadzira chautara chiito chomutsa, uye vakawanda vanobatsira vanoramba vasingazivikanwi.

Zvinoitika zvokuNepal zvinoratidza kuti Jehovha Mwari akava sei Anokonzera mufaro uye kuzorora mumudzimu ku“vafambi” vakawanda vaneta mugadziriro ino yezvinhu.—Pisarema 23:2.

• Lil Kumari anogara muguta rakanaka rePokhara, kunooneka zvakanaka Makomo eHimalaya ane misoro yakavharwa nesinou. Asi achinetseka nezvemari yemhuri, Lil Kumari akanzwa kuti hapana zvakawanda zvaaigona kutarisira kwazviri. Apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akamushanyira, akakurudzirwa netariro yakajeka iri muBhaibheri uye pakarepo akabva akumbira kudzidziswa Bhaibheri.

Kunyange zvazvo Lil Kumari ainakidzwa nokudzidza kwacho, zvakanga zvakaoma kuti apfuurire nemhaka yokushorwa zvakasimba nevemhuri. Asi haana kurega. Aipinda misangano yechiKristu nguva dzose uye akashandisa zvaaidzidza, zvikurukuru panhau yokuzviisa pasi kwomudzimai. Somugumisiro, murume wake naamai vake vakasvika pakuona kuti kudzidza Bhaibheri kwaLil Kumari kwaibatsira mhuri yose.

Murume wake nehama dzakati wandei zvino vari kudzidza Shoko raMwari. Pagungano richangobva kuitwa muPokhara, Lil Kumari akanakidzwa nepurogiramu pamwe nedzimwe hama dzake 15. Anoti: “Pamusha pangu pava nzvimbo yokuzororera nokuti mhuri yedu zvino yakabatanidzwa mukunamata kwechokwadi, uye ndawana rugare rwechokwadi rwepfungwa.”

• Kunyange zvazvo kusarura vanhu vakaderera kusiri pamutemo muNepal, kuchiri kudzora zvakasimba mararamiro evanhu vemo. Nokudaro, vakawanda vanofarira kuziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuenzana nokusasarura. Kudzidza kuti “Mwari haasaruri” kwakachinja zvikuru upenyu hwaSurya Maya nevemhuri yake.—Mabasa 10:34.

Surya Maya aikangaidzwa nokusaruramisira kwokusarura vanhu vakaderera uye mutoro wetsika nemiitiro zvakadzika midzi. Zvaakanga ari mukadzi wokutenda kwakasimba, kwemakore akawanda Surya Maya akakumbira vanamwari vake vezvidhori kuti vamubatsire. Asi minyengetero yake yaisapindurwa. Rimwe zuva paakanga achichemera kubatsirwa, muzukuru wake ane makore matanhatu Babita akasvika kwaari ndokubvunza kuti: “Nei muri kuchemera kubatsirwa nezvidhori zvisingagoni kuita chinhu?”

Zvaivapo ndezvokuti amai vaBabita vaidzidza Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Babita akakumbirisa mbuya vake kuti vaende kumusangano wechiKristu. Apo Surya Maya akapinda, akashamiswa kuona vanhu vemapoka akasiyana-siyana vachinakidzwa nokushamwaridzana pasina kusarurana. Akabva akumbira kudzidziswa Bhaibheri pamusha pake. Kunyange zvazvo izvi zvakaita kuti vavakidzani vake varambe kufambidzana naye, haana kuora mwoyo; uye kusakwanisa kwake kuverenga nokunyora hakuna kumutadzisa kufambira mberi mumudzimu.

Zvino papera makore masere, uye nhengo nhanhatu dzemhuri yake, kusanganisira murume wake uye vanakomana vatatu vave Zvapupu zvaJehovha. Surya Maya zvino ava mushumiri wenguva yakazara, piyona wenguva dzose, achifara kubatsira vamwe kutura mitoro yavo inorema panzvimbo chaiyo yokuzororera inogona kugoverwa naJehovha chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe