Nguva Refu Yokutsvaka Yakawana Mubayiro
“JEHOVHA? Jehovha ndiani?” Silvia ane makore masere akanga aona zita racho muBhaibheri rechiArmenia, chinhu chaikosha chemhuri chaakaratidzwa nekamwe kasikana kaduku. Akabvunza kwose kwose, asi muYerevan, iri muArmenia maaigara, hapana akakwanisa kumuudza kuti Jehovha ndiani—vabereki vake, vadzidzisi vake, kunyange vashumiri vepachechi yomunzvimbo imomo.
Silvia akakura, akapedza chikoro, uye akawana basa, asi kunyange ipapo aisaziva kuti Jehovha ndiani. Somunhu abva zera, aifanira kutiza muArmenia, uye pashure penguva yakati akaerekana asvika kuPoland, achigara mukamba kadiki nevamwe vapoteri. Mumwe wevaaigara navo aigamuchira vaenzi vaiuya nguva dzose. “Vaenzi vako ndivanaani?” Silvia akabvunza kudaro. “Zvapupu zvaJehovha, zvinouya pano kuzondidzidzisa Bhaibheri,” akapindurwa kudaro.
Mwoyo waSilvia wakakwakuka nomufaro paakanzwa zita rokuti Jehovha. Pakupedzisira, akatanga kudzidza kuti Jehovha ndiani uye kuti ndiMwari ane rudo zvakadini. Zvisinei, munguva pfupi aifanira kubva muPoland. Akatsvaka pokupotera muDenmark, iri mhiri kweGungwa reBaltic. Akatakura zvinhu zvishoma bedzi, asi pakati pazvo paiva nemabhuku anotsanangura Bhaibheri akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Papeji rokumashure rerimwe bhuku racho, Silvia akawana kero dzemahofisi emapazi eWatch Tower Society. Dzaiva chimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru zvaaiva nazvo—nzira yaizoita kuti azive Jehovha!
MuDenmark, Silvia akaendeswa kumusasa wavapoteri, uye akabva atanga kutsvaka Zvapupu zvaJehovha. Kubva pakero dzaaiva nadzo, akaziva kuti hofisi yebazi yeWatch Tower Society muDenmark yaiva mutaundi reHolbæk. Asi kwaiva kupi ikoko? Silvia akatamiswa nechitima kuenda kune mumwe musasa, uye vachienda ikoko, chitima chakapfuura nomuHolbæk! Zvakare, mwoyo wake wakakwakuka nomufaro.
Nguva pfupi pashure paizvozvo, mumwe musi kune zuva, Silvia akakwira chitima kudzokera kuHolbæk, uye akafamba kubva pachiteshi kuenda kuhofisi yebazi. Anoyeuka kuti: “Pandakapinda mubindu racho, ndakagara pabhenji uye ndakati mumwoyo mangu, ‘Iyi iparadhiso chaiyo!’” Akagamuchirwa noushamwari pabazi uye pakupedzisira akakwanisa kudzidziswa Bhaibheri.
Asi kumwe kutamiswa-tamiswa kwakaitika. Paaibva pane mumwe musasa wavapoteri kuenda kune mumwe, Silvia aitofanira kutsvaka Zvapupu zvaJehovha uye otanga kudzidzazve Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, pashure pemakore maviri akanga adzidza zvakakwana kuti atsaurire upenyu hwake kuna Jehovha. Akabhabhatidzwa uye munguva pfupi pashure paizvozvo akapinda muushumiri hwenguva yakazara. Muna 1998 zviremera zvomuDenmark zvakamubvumira kugara somupoteri.
Silvia ava nemakore 26 zvino uye anoshanda munzvimbo yakamuyeuchidza nezveparadhiso, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muDenmark. “Ndoti kudiniko?” anodaro zvino. “Ndave ndichitsvaka Jehovha kubvira ndichiri kasikana kaduku. Zvino ndazomuwana. Ndaigarofunga nezvokupedzera upenyu hwangu mubasa rake, uye zvino ndiri pano paBheteri. Ndinonyengeterera kuti uno uve musha wangu kwemakore achauya!”