RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 9/1 p. 32
  • Apo Kunyarara Kunoreva Kubvumira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Kunyarara Kunoreva Kubvumira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 9/1 p. 32

Apo Kunyarara Kunoreva Kubvumira

BHUKU rinonzi Betrayal—German Churches and the Holocaust rinotsanangura nemazvo basa rakaitwa nechitendero muchiNazi. “VaKristu vaiwanzotsigira hurumende iyi,” rinodaro bhuku racho, “Uye ruzhinji rwakatadza kana kutomborambidza kutambudzwa kwavaJudha. Pakadai, kunyarara kutotaura kwakasimba.”

Chii chakakwezvera vanozviti vaKristu kuchiNazi? Bhuku racho rinotsanangura kuti, vazhinji vainyengerwa “namataurirwe omutemo nokuchengeteka mumhuri yeGermany” zvaiitwa naHitler. Rinoti: “Aishora zvinonyadzisira, chipfambi, kubvisa pamuviri, ungochani, ‘nokunyadzisa’ kunoita unyanzvi hwamazuva ano, uye akapa menduru dzebronze, sirivha, negoridhe kuvakadzi vaiita vana vana, vatanhatu uye vasere, nokudaro achivakurudzira kurambira mutsika dzavo dzavanoita mumusha. Kufarira kwakadai kukosha kwetsika, pamwe nokutsigira rudzi kwechiuto kwaiitwa naHitler achitsiva kunyadziswa kworudzi rwavo kwaive kwaitwa paVersailles Treaty [Chibvumirano chepaVersailles], kwakaita kuti chiNazi chikwezve vakawanda, kunyange vaKristu vazhinji muGermany.”

Pane boka rimwe raive rakasiyana nemamwe zvachose. Betrayal rinoti, “Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kuita chimwe chinhu mumhirizhonga kana kushandisa simba rechiuto.” Nenzira isingadzivisiki, izvi zvakakonzera kurwiswa kwakasimba kweiri boka duku, uye vazhinji venhengo dzaro vakakandirwa mumisasa yevasungwa. Asi vamwe vaizviti vaKristu havana kana kumboti bufu. Bhuku racho rinowedzera kuti: “Ruzhinji rwavaKaturike navaPurotesitendi rwaivenga Zvapupu zvaJehovha pane kuzvinzwira tsitsi, uye rwaitsigira pfungwa dzoutsinye dzaHitler kupfuura dzeZvapupu dzokuda runyararo. Hapana mubvunzo kuti kunyarara kwavo kwakatowedzera kubatwa zvakaipa kweZvapupu muhurumende yechiNazi.

Nepo kupindira kwechechi mune zvematongerwe enyika echiNazi kuchiri kungoitiranwa nharo zvikuru, Betrayal rinotaura nezveZvapupu zvaJehovha kuti “iboka rechitendero rakaramba kubvumirana kana kutsigira hurumende yacho.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe