RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/1 pp. 9-14
  • Unoda Shoko raMwari Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Shoko raMwari Zvakadini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Panga” Shoko raMwari
  • Munyori Wepisarema Aida Mutemo waMwari
  • Muchinda Akanga Ane Chivindi Chokuva Akasiyana
  • Shoko raMwari Rakatsigira Jesu
  • Vamwe Vatevedzeri vaKristu
  • Vimba neShoko raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/1 pp. 9-14

Unoda Shoko raMwari Zvakadini?

“Ndinoda mutemo wenyu seiko! Ndi[w]o [w]andinofungisisa zuva rose.”—PISAREMA 119:97.

1. Ndeipi imwe nzira iyo vanhu vanotya Mwari vanoratidza nayo kuda kwavo Shoko raMwari?

MAZANA emamiriyoni evarume nevakadzi ane Bhaibheri. Asi kuva neBhaibheri nokuda Shoko raMwari zvakasiyana. Munhu angataura zvakarurama here kuti anoda Shoko raMwari kana asingawanzorirava? Chokwadi hazviiti! Kusiyana neizvozvo, vamwe vaisambova nebasa zvikuru neBhaibheri vava kurirava mazuva ose. Vakadzidza kuda Shoko raMwari, uye kufanana nemunyori wepisarema, vava kufungisisa Shoko raMwari “zuva rose.”—Pisarema 119:97.

2. Kutenda kwemumwe weZvapupu zvaJehovha kwakatsigirwa sei mumamiriro ezvinhu akaoma?

2 Mumwe akadzidza kuda Shoko raMwari ndiNasho Dori. Pamwe nevaaitenda navo, akatsungirira kwemakumi emakore, achishumira Jehovha munyika yaakazvarirwa yeAlbania. Yakawanda yenguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichirambidzwa, uye vaKristu ava vakatendeka vaiwana mabhuku mashoma eBhaibheri. Asi, kutenda kwaHama Dori kwakaramba kwakasimba. Zvakaitika sei? “Vavariro yangu,” vakadaro, yakanga iri “yokurava Bhaibheri kweinopfuura awa zuva roga roga, zvandakaita kwemakore anenge 60 ndichiri kuona.” Bhaibheri rakanga risati rava kuwanikwa rose mumutauro wechiAlbania, kutozosvikira nguva pfupi yapfuura, asi Hama Dori vakanga vadzidza chiGiriki vari mwana, nokudaro vakarava Bhaibheri mumutauro iwowo. Kugara vachirava Bhaibheri kwakatsigira Hama Dori mumiedzo yakasiyana-siyana, uye kunogona kutitsigirawo.

“Panga” Shoko raMwari

3. VaKristu vanofanira kufunga sei nezveShoko raMwari?

3 “Sevacheche vachangobva kuberekwa,” akanyora kudaro muapostora Petro, “pangai mukaka usina kushatiswa weshoko.” (1 Petro 2:2) Mwana zvaanoda zvikuru mukaka wamai vake, vaKristu vanoziva zvavanoda mumudzimu vanonakidzwa zvikuru nokurava Shoko raMwari. Ndiwo manzwire aunoita here? Kana zvisizvo, usaora mwoyo. Newewo unogona kukudziridza kupanga Shoko raMwari.

4. Chii chinobatanidzwa pakuita kuti kurava Bhaibheri kuve tsika yezuva nezuva?

4 Kuti udaro, tanga wazviranga kuti uite kuti kurava Bhaibheri ive tsika yenguva dzose, yezuva nezuva kana zvichiita. (Mabasa 17:11) Ungasakwanisa kupedza awa zuva roga roga uchirava Bhaibheri sezvaiita Nasho Dori, asi zvimwe ungangoronga imwe nguva zuva roga roga kuti urave Shoko raMwari. VaKristu vakawanda vanokurumidza kumuka nemaminiti mashoma kuti vafungisise paimwe ndima yeBhaibheri. Ndeipi imwezve nzira ingava iri nani yokutanga nayo zuva? Vamwe vanoda havo kupedzisa zuva nokurava Bhaibheri vasati varara. Vamwezve vanorava Bhaibheri pane imwe nguva yakakodzera. Chinhu chinokosha kugara uchirava Bhaibheri. Ipapo, tora nguva shomanana uchifungisisa zvawarava. Ngationei mimwe mienzaniso yevanhu vakabatsirwa nokurava uye kufungisisa Shoko raMwari.

Munyori Wepisarema Aida Mutemo waMwari

5, 6. Kunyange zvazvo tingasaziva zita rake, chii chatingadzidza pamusoro pemunyori wePisarema 119 nokurava uye kufungisisa zvaakanyora?

5 Munyori wePisarema 119 chokwadi aionga Shoko raMwari zvikuru. Ndiani akanyora pisarema iroro? Munyori wacho haataurwi muBhaibheri. Zvisinei, kubva mumashoko arimo tinodzidza zvimwe zvinhu pamusoro pake, uye tinoziva kuti aiva nezvinetso zvakawanda muupenyu. Vamwe vevanhu vaaizivana navo vaifanira kuva vanamati vaJehovha vaisada nheyo dzeBhaibheri sezvaaiita. Kunyange zvakadaro, munyori wepisarema haana kubvumira kuti mafungiro avo amudzivise kuita zvakanga zvakarurama. (Pisarema 119:23) Kana uchigara kana kuti uchishanda nemumwe munhu asingaremekedzi zvinodiwa neBhaibheri, ungaona zvinhu zvakafanana pane zvaiitika kumunyori wepisarema nezviri kuitika kwauri.

6 Kunyange zvazvo akanga ari munhu aida Mwari, munyori wepisarema akanga asingambozviti akarurama. Akabvuma pachena kusakwana kwake. (Pisarema 119:5, 6, 67) Zvisinei, haana kubvumira chivi kuti chimudzore. “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” akabvunza kudaro. Heyi mhinduro yake: “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” (Pisarema 119:9) Ipapo, achisimbisa kuti Shoko raMwari rine simba zvakadini nokuda kwezvakanaka, munyori wepisarema akawedzera kuti: “Shoko renyu ndakariviga mumwoyo wangu, kuti ndirege kukutadzirai.” (Pisarema 119:11) Simba rinogona kutibatsira kudzivisa kutadzira Mwari iguru zvechokwadi!

7. Nei vechiduku vachifanira kunyanya kuziva nezvekudiwa kwokurava Bhaibheri zuva nezuva?

7 Pwere dzechiKristu dzinoita zvakanaka kufunga nezvemashoko omunyori wepisarema. VaKristu vechiduku vari kurwiswa nhasi. Dhiyabhorosi angada zvikuru kukanganisa zera riri kuyaruka revanamati vaJehovha. Vavariro yaSatani ndeyekunyengedza vaKristu vechiduku kuti vabvume kudzorwa nezvido zvenyama ndokuputsa mitemo yaMwari. Mabhaisikopo nemapurogiramu eterevhizheni zvinowanzoratidza mafungiro aDhiyabhorosi. Shasha dzemapurogiramu akadaro dzinoita sedzinokwezva uye dzinodikanwa; unzenza hwadzinoita hunoratidzwa sehwakajairika. Chii chinenge chichirehwa? ‘Hapana chakashata kuti vanhu vasina kuroorana varare vese chero vachinyatsodanana.’ Zvinosuwisa kuti gore roga roga vaKristu vechiduku vakati kuti vanobvuma kufunga nenzira iyoyo. Vamwe vanoona kutenda kwavo kuchiparadzwa. Saka vachiri kumanikidzwa! Asi kumanikidzwa kwacho kwakaoma zvokuti hazviiti kuti imi vechiduku mutsungirire here? Kana! Jehovha akagovera nzira yokuti vaKristu vechiduku vakurire zvinhu zvavangada zvisina kunaka. Vanogona kudzivisa chombo chipi nechipi chingagadzirwa naDhiyabhorosi noku‘chenjerera sezvinorayira shoko raMwari, vachichengeta zvinotaurwa naMwari mumwoyo mavo.’ Unopedza nguva yakawanda sei pakurava nokufungisisa Bhaibheri nguva dzose uri wega?

8. Mienzaniso yakarongwa mundima ino ingakubatsira sei kuwedzera kunzwisisa Mutemo waMosesi?

8 Munyori wePisarema 119 akataura kuti: ‘Ndinoda mutemo wenyu seiko!’ (Pisarema 119:97) Akanga achitaura nezvemutemo upi? Nezveshoko raMwari rakaziviswa, kusanganisira bumbiro reMutemo waMosesi. Pavanoritarisa kokutanga vamwe vangaramba bumbiro reMutemo iri serechinyakare uye vangashamiswa kuti munhu upi noupi angarida sei. Zvisinei, sezvatinofungisisa pazvinhu zvakasiyana-siyana zvoMutemo waMosesi, sezvakaita munyori wepisarema, tinogona kunzwisisa uchenjeri huri muMutemo iwowo. Tisingatauri nezvezvinhu zvakawanda zvoMutemo zvouprofita, pane zvinhu zvawo zvoutsanana nezvezvokudya zvakajekeswa, zvaikurudzira rucheno noutano hwakanaka. (Revhitiko 7:23, 24, 26; 11:2-8) Mutemo wakakurudzira kutendeseka mune zvebhizimisi uye wakakurudzira vaIsraeri kunzwira tsitsi vavainamata navo vaishayiwa. (Eksodho 22:26, 27; 23:6; Revhitiko 19:35, 36; Dheuteronomio 24:17-21) Zvisarudzo zvokutonga zvaifanira kuitwa pasina kusarura. (Dheuteronomio 16:19; 19:15) Munyori wePisarema 119 zvaakava noruzivo rwakakura muupenyu, pasina mubvunzo akaona kuti zvinhu zvainyatsofamba sei nokuda kwevaya vaishandisa Mutemo waMwari, uye kuuda kwake kwakasimba. Zvakangofanana nhasi, vaKristu zvavanobudirira kushandisa nheyo dzeBhaibheri, kuda kwavo uye kunzwisisa Shoko raMwari kunowedzera.

Muchinda Akanga Ane Chivindi Chokuva Akasiyana

9. Mambo Hezekia akafunga sei nezveShoko raMwari?

9 Zvakanyorwa muPisarema 119 zvinopindirana zvakanaka nezvatinoziva pamusoro paHezekia paakanga achiri muchinda muduku. Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti zvimwe Hezekia ndiye akanyora pisarema racho. Nepo izvi zvisina chokwadi, tinoziva kuti Hezekia airemekedza Shoko raMwari zvikuru. Akaratidza nemararamire ake kuti aibvumirana zvinobva pamwoyo nemashoko ari pana Pisarema 119:97. NezvaHezekia, Bhaibheri rinotaura kuti: “Wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirayiro yake, yakarayirwa Mosesi naJehovha.”—2 Madzimambo 18:6.

10. Muenzaniso waHezekia unokurudzira sei vaKristu vasina kurerwa nevabereki vanoda Mwari?

10 Chokwadi ndechokuti, Hezekia haana kukurira mumhuri yaida Mwari. Baba vake, Mambo Ahazi, vaiva munamati wezvidhori akanga asina kutenda akaita kuti mumwe mwana wake—mukoma waHezekia—apiswe ari mupenyu sechibayiro kuna mwari wenhema! (2 Madzimambo 16:3) Pasinei nomuenzaniso uyu wakanga wakaipa, Hezekia akakwanisa ku“natsa nzira” yake pazvinhu zvechihedheni nokuziva Shoko raMwari.—2 Makoronike 29:2.

11. Hezekia zvaaicherechedza, zvinhu zvakafamba sei nokuda kwababa vake vakanga vasina kutendeka?

11 Hezekia zvaaiyaruka, akazvionera ega mabatire aiita baba vake vainamata zvidhori nhau dzoUmambo. Judha yakanga yakakombwa nevavengi. Kwaiva naRezini, mambo weSiria, akabatana naMambo Peka weIsraeri mukukomba Jerusarema. (2 Madzimambo 16:5, 6) Kwaiva nevaEdhomi nevaFiristia, vakabudirira kupinda nechisimba muJudha vakatotapa mamwe maguta eJudha. (2 Makoronike 28:16-19) Ahazi akabata sei nemamiriro ezvinhu aya akanga akaoma? Pane kuti akumbire Jehovha kuti amubatsire kurwisa vaSiria, Ahazi akaenda kuna mambo weAsiria, achimupa chioko muhomwe chendarama nesirivha, kusanganisira iya yaiva muchivigiro chetemberi. Asi izvi hazvina kuunza rugare rwenguva yakareba kunyika yeJudha.—2 Madzimambo 16:6, 8.

12. Hezekia aigona kudzivisa kudzokorora zvikanganiso zvababa vake nokuita sei?

12 Pakupedzisira, Ahazi akafa uye Hezekia akava mambo aine makore 25. (2 Makoronike 29:1) Akanga achiri muduku, asi izvozvo hazvina kumuita kuti atadze kuva mambo anobudirira. Pane kutevedzera maitiro ababa vake vakanga vasina kutendeka, akaomerera kuMutemo waJehovha. Izvi zvaisanganisira murayiro wakanga wakaitirwa madzimambo waiti: “Zvino kana [mambo] ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapristi vaRevhi; inofanira kugara naye, kuti arave imomo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu.” (Dheuteronomio 17:18, 19) Nokurava Shoko raMwari zuva nezuva, Hezekia aizodzidza kutya Jehovha ndokudzivisa kudzokorora zvikanganiso zvababa vake vakanga vasingadi Mwari.

13. MuKristu anogona sei kuva nechokwadi chokuti mupfungwa yomudzimu, chinhu chipi nechipi chaanoita chichabudirira?

13 Madzimambo aIsraeri akanga asiri iwo ega aikurudzirwa kugara achifunga nezveShoko raMwari asi vaIsraeri vose vaitya Mwari vaifanira kudaro. Pisarema rokutanga rinotsanangura munhu anonyatsofara souyo ‘unofarira mutemo waJehovha; unofungisisa mutemo wake masikati nousiku.’ (Pisarema 1:1, 2) Nezvemunhu akadaro, munyori wepisarema anoti: “Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:3) Kusiyana neizvozvo, nezvemunhu asina kutenda muna Jehovha Mwari, Bhaibheri rinoti: “Iye munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.” (Jakobho 1:8) Tose zvedu tinoda kufara uye kubudirira. Kugara tichirava Bhaibheri zvine musoro kunogona kubatsira kuti tiwane mufaro.

Shoko raMwari Rakatsigira Jesu

14. Jesu akaratidza sei kuda Shoko raMwari?

14 Pane imwe nguva, vabereki vaJesu vakamuwana akagara pakati pevadzidzisi patemberi muJerusarema. Nyanzvi dzoMutemo waMwari idzi dza“karamba [dzi]chishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake” sei! (Ruka 2:46, 47) Ndeapo Jesu akanga ane makore 12. Hungu, kunyange pazera duku, zviri pachena kuti akanga achida Shoko raMwari. Gare gare, Jesu akashandisa Magwaro kutsiura Dhiyabhorosi, achiti: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:3-10) Nokukurumidza pashure peizvozvo, Jesu akaparidzira vaigara muguta rokumusha kwake reNazareta, achishandisa Magwaro.—Ruka 4:16-21.

15. Jesu akagadza sei muenzaniso paaiparidzira vamwe?

15 Jesu aigarotaura zvinobva muShoko raMwari kuti atsigire zvaaidzidzisa. Vateereri vake “[v]akashamiswa nemadzidzisire ake.” (Mateu 7:28) Uye hazvishamisi—kudzidzisa kwaJesu kwaibva kuna Jehovha Mwari pachake! Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma. Anotaura zvake oga ari kutsvaka mbiri yake oga; asi anotsvaka mbiri yeakamutuma, iyeyu ndewechokwadi, uye hapana kusarurama maari.”—Johani 7:16, 18.

16. Jesu akaratidza kuda Shoko raMwari zvakadini?

16 Kusiyana nomunyori wePisarema 119, muna Jesu makanga musina “kusarurama.” Akanga asina chivi, Mwanakomana waMwari, “akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu.” (VaFiripi 2:8; VaHebheru 7:26) Asi, akakwana kudaro, Jesu aidzidza uye aiteerera Mutemo waMwari. Ichi chakanga chiri chinhu chaikosha pakukwanisa kwake kuramba akatendeka. Petro paakashandisa munondo kuti aedze kuita kuti Tenzi wake asasungwe, Jesu akatsiura muapostora wacho ndokubvunza kuti: “Unofunga kuti handigoni kukumbira Baba vangu kuti vandigovere panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri here? Ipapo, Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” (Mateu 26:53, 54) Hungu, kuzadzika kweMagwaro kwaireva zvakawanda kuna Jesu kupfuura kupukunyuka rufu rwoutsinye uye rwunonyadzisa. Kuda Shoko raMwari zvikuru sei!

Vamwe Vatevedzeri vaKristu

17. Shoko raMwari raikosha sei kumuapostora Pauro?

17 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaKorinde 11:1) Kufanana naTenzi wake, Pauro akada Magwaro. Akabvuma kuti: “Nechomukati mangu ndinoda Mutemo waMwari zvikuru.” (VaRoma 7:22; The Jerusalem Bible) Pauro aigarotaura zvakanga zviri muShoko raMwari. (Mabasa 13:32-41; 17:2, 3; 28:23) Paakapa mirayiridzo yake yokupedzisira kuna Timoti, waaishumira naye waaida, Pauro akasimbisa zvinokosha zvinofanira kuitwa neShoko raMwari muupenyu hwezuva nezuva hwe“munhu waMwari” wese.—2 Timoti 3:15-17.

18. Dudza muenzaniso wemunhu akaremekedza Shoko raMwari, mazuva ano.

18 Vashumiri vakatendeka vaJehovha vakawanda mumazuva ano vakatevedzerawo kuda kwaJesu Shoko raMwari. Pamavambo ezana remakore rino, rimwe jaya rakapiwa Bhaibheri neshamwari. Rakarondedzera zvakaitwa nechipo chinokosha ichi pariri: “Ndakatsunga kuti muupenyu hwangu ndinotofanira kurava chikamu cheBhaibheri zuva rimwe nerimwe.” Jaya iroro raiva Frederick Franz, uye kuda kwake Bhaibheri kwakaita kuti ave noupenyu hurefu uye hunobudirira mukushumira Jehovha. Anoyeukwa zvikuru nokuda kwemano ake okudzokorora zvitsauko zvakazara zveBhaibheri nomusoro.

19. Vamwe vanoronga sei kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki kweChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari?

19 Zvapupu zvaJehovha zvinosimbisa zvikuru kugara uchirava Bhaibheri. Vhiki yoga yoga, zvichigadzirira mumwe wemisangano yazvo yechiKristu, Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, zvinorava zvitsauko zvinoverengeka zveBhaibheri. Pfungwa huru dzekurava Bhaibheri kwakarongwa dzinokurukurwa mumusangano wacho. Zvimwe Zvapupu zvinoona zvichiita zvakanaka kukamura kurava Bhaibheri kwevhiki yacho muzvikamu zviduku zvinomwe ndokurava chikamu chimwe zuva roga roga. Pazvinenge zvichirava, zvinofungisisa pamashoko acho. Pazvinoita, zvinoita kumwe kuongorora zvichibatsirwa nemabhuku anotaura nezveBhaibheri.

20. Chii chinodiwa kuti uwane nguva yokugara uchirava Bhaibheri?

20 Ungafanira ku‘tenga nguva’ mune mamwe mabasa kuti ugare uchirava Bhaibheri. (VaEfeso 5:16) Zvisinei, kubatsira kwazvinoita kuchapfuura zvinhu zvose zvaunorega. Sezvaunotanga muitiro wokurava Bhaibheri zuva nezuva, kuda kwako Shoko raMwari kuchakura. Nenguva isipi, uchanzwa uchida kutaura pamwe chete nemunyori wepisarema kuti: ‘Ndinoda mutemo wenyu seiko! Ndiwo wandinofungisisa zuva rose.’ (Pisarema 119:97) Mafungiro akadaro achaita kuti ubatsirwe zvikuru zvino uye munguva iri mberi, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

◻ Munyori wePisarema 119 akaratidza sei kuda Shoko raMwari zvikuru?

◻ Tinogona kudzidzei mumienzaniso yaJesu naPauro?

◻ Isu pachedu tingawedzera sei kuda Shoko raMwari?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Madzimambo akatendeka aifanira kugara achirava Shoko raMwari. Iwe unorava here?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kunyange achiri mukomana, Jesu aida Shoko raMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe