Mibvunzo Inobva Kuvaravi
‘Kutarisisa’ kunotaurwa pana 2 VaTesaronika 3:14, chinhu chinoitwa neungano kana kuti chimwe chinhu chinoitwa navaKristu pachavo mukudzivisa vanhu vasingateereri here?
Zvakanyorwa nemuapostora Pauro kuvaTesaronika zvinoratidza kuti vakuru veungano vane basa chairo muku‘tarisisa’ kwakadaro. Zvisinei, muKristu mumwe nemumwe anozoitawo izvozvo, achidaro achifunga nezvezvinangwa zvomudzimu. Tinganzwisisa izvi zvikuru nokufunga nezvezvakanga zvaitika pakapiwa zano raPauro.
Pauro akabetsera kutanga ungano yeTesaronika, achiyamura varume nevakadzi kuva vatendi. (Mabasa 17:1-4) Gare gare akanyora ari muKorinte achivarumbidza nekuvakurudzira. Pauro akapawo zano raidiwa. Akavakurudzira ‘kuti vagare vakanyarara, kuti vave nehanya nezvinhu zvavo voga, uye kuti vashande nemaoko avo.’ Vamwe vakanga vasingadaro, saka Pauro akawedzera kuti: “Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba.” Zviri pachena kuti kwaiva nevamwe “vasingateereri murayiro”a vaiva pakati pavo vaida zano.—1 VaTesaronika 1:2-10; 4:11; 5:14.
Imwe mwedzi gare gare, Pauro akanyora tsamba yake yechipiri kuvaTesaronika, nemashoko ekuwedzera pamusoro pokuvapo kwaJesu kwemunguva yemberi. Pauro akapawo imwezve nhungamiro pamusoro pekubata nevanhu vakanga vasingateereri murayiro vakanga ‘vasingashandi asi vakanga vachipindira mune zvakanga zvisinei navo.’ Zvavaiita zvaipesana nemuenzaniso waPauro semushandi aishanda zvakasimba uye nemurayiro wake wakajeka wekushanda kuti uzvitsigire. (2 VaTesaronika 3:7-12) Pauro akarayira kuti nhanho dzakati dziitwe. Nhanho idzodzi dzakavapo pashure pezvakanga zvatoitwa nevakuru mukurayira kana kupa zano vasingateereri murayiro. Pauro akanyora kuti:
“Zvino, hama dzangu, tinokurayirai, . . . kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirayiro yamakapiwa nesu. Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pane mumwe asingateereri shoko redu renwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumurayire sehama.”—2 VaTesaronika 3:6, 13-15.
Saka dzimwe nhanho dzaibatanidza kubva kune vanhu vakanga vasingateereri murayiro, kuvatarisisa, kurega kufambidzana navo, asi vachirayirwa zvavo sehama. Chii chaizotungamirira nhengo dzeungano kuita nhanho idzodzo? Kuti izvi zvinzwisisike, ngationei zvinhu zvitatu izvo Pauro akanga asingarevi pano.
1. Tinoziva kuti vaKristu havana kukwana uye vane zvavanokanganisa. Kunyange zvakadaro, rudo chiratidzo chechiKristu chechokwadi, runotiita kuti tinzwisise nekuregerera vamwe zvavanokanganisa. Somuenzaniso, muKristu angamboputika nehasha, sezvakaitika kuna Bharnabhasi naPauro. (Mabasa 15:36-40) Kana kuti nemhaka yokuneta, mumwe angataura mashoko ehasha neanorwadza. Muzviitiko zvakadaro, tikaratidzira rudo nekushandisa zano reBhaibheri, tingakanganwira chikanganiso chacho, ndokupfuurira kurarama, kusonganira, uye kushanda newatinonamata naye. (Mateo 5:23-25; 6:14; 7:1-5; 1 Petro 4:8) Sezviri pachena zvikanganiso zverudzi urwu zvakanga zvisizvo zvaitaurwa naPauro muna 2 VaTesaronika.
2. Pauro akanga asingatauri zvinhu izvo muKristu pachake anosarudza kurega songaniro nemumwe ane nzira kana kuti miitiro zvisina kunaka—somuenzaniso, mumwe anenge anonyanyisa panhandaro kana kuti pazvinhu zvekunyama. Kana kuti mubereki angarambidza songaniro yemwana wake nevechiduku vanozvidza chiremera chevabereki, vanotamba zvakaipa kana kuti zvine njodzi, kana kuti vasingakoshesi chiKristu. Izvi zvinongova zvisarudzo zvemunhu pachake maererano nezvatinorava pana Zvirevo 13:20 kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Enzanisa na1 VaKorinte 15:33.
3. Pamwero wakasiyana-siyana wokukomba, Pauro akanyorera vaKorinte pamusoro peanoita chivi chakakomba asingapfidzi. Vatadzi vasingapfidzi vakadaro vaifanira kubviswa muungano. Munhu “akaipa” aifanira kuita seari kuiswa kuna Satani. Zvadaro, vaKristu vakavimbika vaisafanira kusonganira nevanhu vakaipa kudaro; muapostora Johane akakurudzira vaKristu kuti vasatombovamhoresa. (1 VaKorinte 5:1-13; 2 Johane 9-11) Zvisinei, izvi hazvikodzeriwo zano riri pana 2 VaTesaronika 3:14.
Chakasiyana pazvinhu zvitatu zviri pamusoro ndechiya chinobatanidza vaya “vasingateereri murayiro” vataurwa muna 2 VaTesaronika. Pauro akanyora kuti ava vakanga vachiri ‘hama,’ dzinorayirwa nekubatwa sedzakadaro. Saka, chinetso nehama dzi“singateereri murayiro” chakanga chisiri nhau yemunhu oga pakati pevaKristu kana kuti chakakomba zvakaringana zvokuti vakuru veungano vaipindira nechiito chokudzinga chete, sezvakaitwa naPauro nokuda kweunzenza hwemuKorinte. Va“singateereri murayiro” vakanga vasina mhaka yechivi chakakomba, sezvakanga zvakaita murume akadzingwa muKorinte.
Va“singateereri murayiro” muTesaronika vaiva nemhaka yokutsauka kwakati kubva muchiKristu. Vaisashanda, zvimwe nemhaka yokuti vaifunga kuti kudzoka kwaKristu kwakanga kwava pedyo kana kuti nemhaka yokuti vaiva nousimbe. Uyezve, vaivhiringidza no‘kupindira mune zvisinei navo.’ Zvimwe vakuru veungano vakanga vavapa zano kakawanda, maererano nezano raPauro mutsamba yake yokutanga uye nemamwe mazano aMwari. (Zvirevo 6:6-11; 10:4, 5; 12:11, 24; 24:30-34) Asi vakaramba vachiita zvinhu zvairatidza ruzvidzo muungano uye zvaigona kupararira kune vamwe vaKristu. Saka mukuru wechiKristu Pauro, asingadudzi mazita evanhu vacho, akazivisa pachena kusateerera murayiro kwavo, achifumura zviito zvavo zvakaipa.
Akaitawo kuti ungano izive kuti zvaizova zvaizovanakira semuKristu mumwe nemumwe kuti ‘vatarisise’ vanhu vasingateereri murayiro. Izvi zvaireva kuti vanhu vaifanira kutarisisa vaya vaiva nemiitiro yaiwirirana nezvakanga zvanyeverwa ungano nezvazvo pachena. Pauro akapa zano rokuti va“bve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira.” Zvechokwadi izvozvo zvaisareva kudzivisa kuona munhu akadaro chose chose, nokuti vaizo“murayir[a] sehama.” Vaizoramba vachionana naye semuKristu pamisangano uye zvichida muushumiri. Vaigona kutarisira kuti hama yavo yaizoteerera kurayirwa yosiya nzira dzayo dzaivhiringidza.
Vainzi va“bve” kwaari mupfungwai? Zviri pachena kuti maiva mukusonganirana naye. (Enzanisa naVaGaratia 2:12.) Kurega kwavo kusonganirana naye nekutandara naye kwaizomuratidza kuti vanhu vakanaka vaisada nzira dzake. Kunyange kana akanga asinganyari ndokuchinja, asi vamwe havaizodzidza nzira dzake ndokufanana naye. Asiwo, vaKristu ivava vaifanira kuisa pfungwa dzavo pazvinhu zvaivaka. Pauro akavanyevera kuti: “Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.”—2 VaTesaronika 3:13.
Zviri pachena kuti zano romuapostora harisi rokuti titarisire hama dzedu pasi kana kuti titonge hama dzedu dzinokanganisa zvishoma kana kuita zvakaipa. Asi chinangwa charo ndechokubetsera munhu anoita zvinovhiringidza zvinonyatsorwisana nechiKristu.
Pauro haana kuisa mitemo ine zvakawanda sokunge kuti aiedza kutanga muitiro usinganzwisisiki. Asi zvakajeka kuti vakuru vanofanira kutanga vapa zano vozoedza kubetsera uya asingateereri murayiro. Kana vakundikana uye munhu wacho achirambira munzira inovhiringidza uye iyo ingangopararira, vangagumisa kuti ungano inofanira kunyeverwa. Vangaronga hurukuro ine zvikonzero nei kusateerera murayiro kwakadaro kuchifanira kudziviswa. Havatauri mazita, asi hurukuro yavo yokunyevera ichabetsera kudzivirira ungano nemhaka yokuti avo vanoteerera vachawedzera kungwarira kuti varege kuitira zvinhu pamwe chete neupi neupi uyo anonyatsoratidza kusateerera murayiro kwakadaro.
Vanovimba kuti, nekufamba kwenguva uya asingateereri murayiro achanyara nezvaanoita uye zvichamuita kuti achinje. Sezvo vakuru nevamwe vari muungano vanoona kuchinja kwake, vangasarudza somunhu mumwe nomwe kugumisa kumudzivisa kuye kwavakanga vachiita pachavo naye.
Saka mukupfupikisa: Vakuru veungano vanotungamirira mukubetsera nezano kana mumwe munhu asingateereri murayiro. Kana asingaoni chaanokanganisa asi opfuurira nepesvedzero yakaipa, vakuru vangayambira ungano nehurukuro iyo inobudisa pachena zvinotaura Bhaibheri—kungava kudanana nomunhu wokunyika, kana kuti chipi nechipi chisina kururama. (1 VaKorinte 7:39; 2 VaKorinte 6:14) VaKristu vari muungano avo vanenge vayambirwa vangasarudza pachavo kurega nhandaro ipi neipi neavo vari kunyatsoronda upenyu hwekusateerera murayiro asi vari hama.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiGiriki iri raishandisirwa varwi vakanga vasingateereri kana kutevedzera murayiridzo, navadzidzi vanorovha, avo vaipotsa zvidzidzo zvavo zvekuchikoro.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Vakuru vechiKristu vanorayira vasingateereri murayiro asi vachivaona sevavanonamata navo