“Musaneta Kuita Zvakarurama”
Mapfundo Makuru Anobva Muna VaTesaronika Wechipiri
ITIRO hanya yomuapostora Pauro nokuda kwamaKristu omuguta reMakedhonia reTesaronika yakamusunda kuti anyore tsamba yake yechipiri kwavari, munenge mugore ra 51 N.V. Vamwe muungano vaitaura zvakaipa kuti kuvapo kwaJesu Kristu kwakanga kwava pedyo. Zvichida kunyange tsamba yaitaurwa zvisakarurama kuva yakabva kuna Pauro yakadudzirwa seyairatidza kuti “zuva raJehovha” rakanga rasvika.—2 VaTesaronika 2:1, 2, NW.
Kufunga kwavamwe vaTesaronika naizvozvo kwaida kugadziridza. Mutsamba yake yechipiri, Pauro akavarumbidza nokuda kwokutenda kwavo kunokura, rudo runowedzera, uye tsungiriro yokutendeka. Asi akaratidzawo kuti kuwa pakutenda kwaizouya pamberi pokuvapo kwaJesu. Naizvozvo kwaiva nenguva dzakaoma dzaiva mberi, uye tsamba yomuapostora yaizovabetsera kuteerera pangiro yake, yokuti: “Musaneta kuita zvakarurama.” (2 VaTesaronika 3:13, NW) Mashoko aPauro anogona kutibetsera nenzira imwe cheteyo.
Kuratidzwa kwaKristu Uye Kuvapo
Pauro akatanga kutaura nezvezororo kubva mudambudziko. (2VaT 1:1-12) Irori raizouya “pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake.” Ruparadziko rusingaperi ipapo rwaizounzwa paavo vasingateereri mashoko akanaka. Kunonyaradza kuyeuka ikoku apo tinotambura chitambudzo pamaoko avatambudzi.
Tevere, Pauro akaonesa kuti “munhu wokusateerera mutemo” aizoratidzwa pamberi pokuvapo kwaKristu. (2:1-17) VaTesaronika vakanga vasingafaniri kunyandurwa neshoko ripi neripi raikarakadza kuti “zuva raJehovha” rakanga ratosvika. Kutanga, kuwa pakutenda kwaizoitika uye munhu wokusateerera mutemo aizoratidzwa. Pashure paikoko, Jesu aizomuparadza, achiita saizvozvo paratidzirwo yokuvapo Kwake. Munguvayo, Pauro akanyengetera kuti Mwari naKristu vanyaradze mwoyo yavaTesaronika ndokuvaita kuti “vasimbe mubasa riri rose rakanaka neshoko.”
Kubata Navasina Nhevedzano
Pakati pamamwe mashoko aPauro yaiva miraidzo pakubata navanhu vasina nhevedzano. (3:1-18) Iye akataura chivimbo chokuti Ishe aizosimbisa vaTesaronika ndokuvadzivisa pane wakaipa, Satani Dhiabhorosi. Asi vaifanira kuita nhano nokuda kwebetserwo yavo vamene yomudzimu. Vaifanira kubva muvasina nhevedzano, avo vaipindira munhau dzaisava nechokuita navo uye vachiramba kushanda. “Kana munhu achiramba kubata basa,” akadaro Pauro, “ngaarege kudyawo.” Vanhu vakadaro vaifanira kuiswa chiratidzo, uye paifanira kuva nokusabvumirana navo, kunyange zvazvo vaifanira kurairwa sehama. MaKristu eTesaronika akatendeka aifanira kusaneta mukuita zvakarurama, uye Pauro aishuva kuti mutsa usakafanirwa waShe Jesu Kristu uve navo vose.
Tsamba yechipiri yaPauro kuvaTesaronika inopa Zvapupu zvaJehovha vimbiso yokuti zororo kubva mudambudziko ravo richauya apo Kristu nengirozi dzake vanounza matsive paavo vasingateereri mashoko akanaka. Kunosimbisawo kutenda kuziva kuti “munhu wokusateerera mutemo” (boka ravakuru vorudzidziso vechiKristudhomu) norudzidziso rwose rwenhema zvichagumiswa nokukurumidza. Munguvayo, ngatiteererei pangiro yaPauro yokusaneta kuita zvakarurama.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
Shoko raJehovha Riri Kufamba Nokukurumidza: “Pfuurirai kutinyengeterera,” akanyora kudaro Pauro, “kuti shoko raJehovha rirambe richifamba nokukurumidza [kana, “rimhanye”] uye richirumbidzwa sezvazviri kwenyu.” (2 VaTesaronika 3:1; Kingdom Interlinear) Dzimwe nyanzvi dzakakarakadza kuti muapostora akanga achinongedzera kuvamhanyi vanofamba nokukurumidza munhangemutange. Nepo ikoko kusina chokwadi, Pauro akakumbira minyengetero yamaKristu eTesaronika kuti iye navashandi biyake vagoparidzira shoko rezvokwadi nekurumidziro uye pasina dziviso. Nemhaka yokuti Mwari anopindura minyengetero yakadaro, shoko rake riri ku“famba nokukurumidza” sezvo mashoko akanaka ari kuparidzirwa nekurumidziro muano mazuva okupedzisira. Shoko raJehovha ririwo “kurumbidzwa,” richikosheswa zvikuru navatendi se“simba raMwari nokuda kworuponeso,” sezvazvakanga zviri pakati pavaTesaronika vakarigamuchira. (VaRoma 1:16; 1 VaTesaronika 2:13) Tinofara sei kuti Mwari ari kukomborera vazivisi voUmambo uye achiwedzera nokukurumidza mapoka avanamati vake!—Isaya 60:22.