Musangano Wegore Negore wa2 October 1999
MUSANGANO WEGORE NEGORE wenhengo dzeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa musi wa2 October 1999, paHoro Yamagungano yeZvapupu zvaJehovha, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wenhengo chete uchatangira uyu uchaitwa na9:15 mangwanani, uchiteverwa nomusangano wavose wegore negore nenguva dza10:00 mangwanani.
Nhengo dzeSangano racho dzinofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori izvozvi nezvekuchinja chero kupi zvakwo kwakaita kero dzokutumira tsamba gore rapfuura kuitira kuti tsamba dzokuzivisa nemagwaro okuvhota usipo zvinogarotumirwa zvigone kusvika kwavari muna July.
Magwaro okuvhota usipo, achatumirwa kunhengo pamwe nechiziviso chomusangano wacho wegore negore, zvinofanira kudzorerwa kuitira kuti zvisvike kuHofisi yoMunyori weSosaiti musi wa1 August usati wapfuura. Nhengo yoga yoga inofanira kukurumidza kuzadzisa gwaro rayo rokuvhota isipo ndokuridzorera, ichitaura kuti iyo ichava iri pamusangano wacho here kana kuti kwete. Mashoko anopiwa pagwaro roga roga rokuvhota usipo anofanira kuva akajeka ipapa, sezvo zvichizotsamira paari kuti zvisarudzwe kuti ndiani achava aripo.
Zvinotarisirwa kuti purogiramu yose, kubatanidza musangano wakarongwa webhizimisi nemishumo, zvichapedzwa na1:00 masikati kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Hapazovi nepurogiramu yemasikati. Nemhaka yenzvimbo diki, kupinda kuchabvumidzwa kana une tikiti chete. Hapana gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore nedzimwe horo norunhare.