RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 7/1 pp. 28-29
  • Zita raMwari Rinotaurwa muIsrael

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zita raMwari Rinotaurwa muIsrael
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?
    Mukai!—1999
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Maziviro Aungaita Mwari Nezita
    Mukai!—2004
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 7/1 pp. 28-29

Zita raMwari Rinotaurwa muIsrael

KWEMAZANA emakore tsika dzechiJudha dzakarambidza zvachose vateveri vadzo kutaura zita raMwari, Jehovha. Maererano neMishnah, ani nani anotaura zita raMwari ha“ana nzvimbo munyika iri kuuya.”—Sanhedrin 10:1.a

Pana 30 January 1995, aichimbova mukuru wavanaRabhi vechiSephardic weIsrael akataura zita raMwari nemaune. Akaritaura apo akanga achidzokorodza tikkun, munyengetero wekugadziridza weVadudziri vetsika dzechiJudha. Munyengetero uyu unotaurwa kuti Mwari adzorere mwero wakati wechinzwano muzvisikwa zvose, izvo, maererano nevanonamata, zvakakanganiswa nemasimba akaipa. Pepanhau rinonzi Yedioth Aharonoth ra6 February 1995, rakati: “Iyi itsika yechitendero ine simba guru zvikuru zvekuti mashoko ayo anowanika bedzi mukabhuku kanokosha kasingatengeserwi vanhuwo zvavo.” Kuteterera zita raMwari pane izvi kunofungidzirwa kuti kunopa simba kuchikumbiro chacho.

Zvinokosha kucherechedza kuti Bhaibheri rinorayira vabatiri vaMwari kushandisa zita raMwari, Jehovha. (Eksodho 3:15; Zvirevo 18:10; Isaya 12:4; Zefania 3:9) Murugwaro rwechiHebheru rweBhaibheri rwepakuvamba, zita iroro rinooneka kanenge ka7 000. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera pamusoro pekushandisa nenzira isiri iyo zita raMwari. Wechitatu weMitemo Gumi unoti: “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.” (Eksodho 20:7) Zita raMwari ringarehwa pasina sei? Tsananguro yeThe Jewish Publication Society inoti shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “pasina” rinogona kubatanidza kwete chete “kushandisa kusina basa” zita raMwari asiwo “kudzokorora kusina kufanira kwemunamato.”

Saka tinofanira kuona sei munyengetero wekugadziridza unonzi tikkun weVadudziri vetsika dzechiJudha? Ndeapi ari mavambo awo? Mumazana emakore echi12 ne13 C.E., muitiro wechiJudha usinganzwisisiki, wainzi Cabala, wakavamba kukurumbira. Muzana remakore rechi16, Isaac Luria, aiva rabhi, akaita kuti “tikkunim” uve muitiro weVadudziri vetsika dzechiJudha. Zita raMwari rakashandiswa sechinhu chisinganzwisisiki chine masimba makuru, uye rakava rutivi rwemuitiro weVadudziri vetsika dzechiJudha. Iwe unofunga kuti uku kushandiswa kwakarurama kwezita raMwari here?—Dheuteronomio 18:10-12.

Zvisinei nemapindurire aungaita uyu mubvunzo, ungabvuma kuti kutaurwa kwezita raMwari pachena muIsrael yanhasi kwave kuri chinhu chinoshamisa. Asi, Mwari pachake akafanotaura, kuti: “Zvino nezuva iro muchati: Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa. Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvakaisvonaka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.”—Isaya 12:4, 5.

Zvinofadza kuti muIsrael, kufanana nemunyika dzinopfuura 230 mupasi rese, Zvapupu ZvaJehovha zviri kuita zvazvinogona kubetsera vavakidzani vazvo kuwana zivo yakarurama pamusoro paJehovha. Tariro yazvo ndeyekuti vakawanda vachasvika pakunzwisisa zvinoreva magwaro akadai saPisarema 91:14, inoti: “Zvaakandida [ini Jehovha], ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.”

[Mashoko Omuzasi]

a Mishnah muunganidzwa wetsanangudzo dzinowedzera mutemo wemuMagwaro, dzakavakirwa padudziro dzavanaRabhi vanodaidzwa kuti Tannaim (vadzidzisi). Dzakazoita zvokunyorwa mukupera kwezana remakore rechipiri uye kuvamba kwezana remakore rechitatu C.E.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Muno muNegeb, zita raJehovha neShoko rake zvinoziviswa nevanhu vake

[Mufananidzo uri papeji 29]

Chikwangwani chinoratidza zita raMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe