Nzira Yokuziva Nayo Ndokukurira Kuneta Mumudzimu Chero Kupi Zvakwo
MAERERANO NENGANO DZECHIGIRIKI, ACHILLES NDIYE AKANGA AKANYAnyisa kushinga pavarwi vechiGiriki muHondo yeTrojan, hondo yokurwisa guta reTroy. Ngano inoti Achilles paakanga achiri kasvava, amai vake vakamunyika mumvura yeRwizi Styx, nokudaro vachimuita kuti asatye nhando nhando kunze kweapo amai vake vaimubata—chirevo chePasingatani kukuvara (Achilles’ heel). Ndipo chaipo apo museve unouraya, wakapfurwa naParis, mwanakomana waMambo Priam weTroy, wakabaya ndokuuraya Achilles.
VaKristu varwi vaKristu, vari muhondo yomudzimu. (2 Timotio 2:3) Muapostora Pauro anotsanangura kuti, “Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.” Hungu, Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ndivo vavengi vedu.—VaEfeso 6:12.
Zviri pachena kuti, iyi yaizodai yaiva hondo yakarerekera divi rimwe dai kusiri kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha Mwari, uyo warondedzerwa se“munhu wokurwa.” (Eksodho 15:3) Kuti tizvidzivirire pavavengi vedu vane hasha, tinopiwa nhumbi dzokurwa nadzo dzomudzimu. Ndokusaka muapostora wacho akakurudzira kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiyabhorosi.”—VaEfeso 6:11.
Pasina mubvunzo, nhumbi dzokurwa nadzo dzinopiwa naJehovha Mwari dzakanakisisa, dzinogona kutsungirira chero rudzi rwupi zvarwo rwokurwiswa mumudzimu. Imbotarira pane zvakataurwa naPauro: bhande rechokwadi, chidzitiro chikuru chechipfuva chokururama, shangu dzemashoko akanaka, nhoo huru yokutenda, ngowani yoruponeso, uye munondo womudzimu. Munhu angada zvinhu zvipi zvakanaka kupfuura izvi? Akapfeka nhumbi dzokurwa nadzo dzakadai, murwi wechiKristu ane mukana wose wokukunda, pasinei zvapo nokutaura kwokutyisidzira kwokuti haangakundi.—VaEfeso 6:13-17.
Nyange zvazvo nhumbi dzokurwa nadzo dzomudzimu dzinobva kuna Jehovha dzakanakisisa uye dzichitidzivirira, hatifaniri kurerutsa zvinhu. Tichiyeuka Achilles ainzi haakundwi, zvingaita here kuti nesuwo tingava nepasina kusimba, Pasingatani kukuvara pomudzimu? Zvingatourayisa kana tikawanikidzwa takavarairwa.
Ongorora Nhumbi Dzako Dzokurwa Nadzo
Mutambi womutambo wokutsvedza muaizi kuOlympic akahwina menduru yegoridhe kaviri, akanga akanyatsosimba zvisina mubvunzo, akangoerekana awira pasi ndokufa paakanga achidzidzira. Izvozvo zvichangoitika nhau dzinoita kuti munhu afungisise dzakashumwa muThe New York Times: “Hafu yevaAmerica 600 000 vane hosha yemwoyo gore roga roga havatangi vava nezviratidzo.” Zviri pachena kuti utano hwedu haugoni kungotemwa hahwo nemanzwire atinoita.
Zvakafananawo neutano hwedu hwomudzimu. Zano reBhaibheri nderokuti: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinte 10:12) Nyange zvazvo nhumbi dzedu dzokurwa nadzo dziridzo dzakanakisisa dziripo, kuneta kunogona kungotanga. Izvi imhaka yokuti takaberekerwa muchivi, uye kuva kwedu vane chivi uye vasina kukwana kungakurira chisarudzo chedu chokuita zvinodiwa naMwari nyore nyore. (Pisarema 51:5) Pasinei zvapo nevavariro dzedu dzakanaka, mwoyo wedu unonyengera ungatinyengera nokutanga mafungiro asiri echokwadi nokuzvipembedza, zvokuti tinofuratira kuneta kwedu nyore nyore ndokuzvinyengera kuti tifunge kuti zvinhu zvose zvakanaka.—Jeremia 17:9; VaRoma 7:21-23.
Uyezve, tinorarama munyika munowanzokanganiswa nokuvhiringidzwa pfungwa yezvakarurama nezvisina kururama. Kuva kwechinhu chakarurama kana chisina kururama kunotemwa nokuti munhu wacho anofunga sei. Kufunga kworudzi urwu kunokurudzirwa mune zvokushambadzira, zvevaraidzo zvakakurumbira, nezvinobudisa nhau. Zviri pachena kuti kana tisingangwariri, tinogona kuitwa kuti tifunge nenzira iyoyo, uye nhumbi dzedu dzokurwa nadzo dzomudzimu dzingatanga kusabata zvakanaka.
Panzvimbo pokuwira mumamiriro ezvinhu akadaro ane ngozi, tinofanira kuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Zviidzei imi mumene, muone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene.” (2 VaKorinte 13:5) Patinoita kudaro, tichakwanisa kuona kuneta chero kupi zvakwo kungadaro kwakatanga ndokuita zvinodiwa kuti tikugadzirise vavengi vedu vasati vakuona ndokutanga kushora kwavo. Zvisinei, tinotanga sei kuzviedza kudaro? Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvatinofanira kungwarira pakuzviongorora uku?
Kuziva Zviratidzo
Chimwe chiratidzo chakajairika chingaratidza kuneta mumudzimu kuregeredza mumiitiro yedu yefundo yomunhu oga. Vamwe vanofunga kuti vanofanira kufunda zvakawanda, asi vanoita sokuti havatombozvigoni. Noupenyu hwanhasi hwakabatikana, zviri nyore kuwira mumamiriro ezvinhu aya akashata. Zvisinei, zvakatoipa ndezvekuti vanhu vanowanzotaura kuti havasi kumbonyanya kukanganisa, zvavanorava mabhuku eBhaibheri pose pavanogona uye zvavanokwanisa kuenda kune mimwe misangano yechiKristu.
Kufunga kwakadaro kuzvinyengera. Zvakafanana nomunhu anofunga kuti akanyanyobatikana zvokuti haagoni kugara pasi ndokunyatsodya, saka anongodya chinhu apo napapo paanenge achiita icho nechocho. Nyange zvazvo angasafa nenzara, anganetseka noutano pane imwe nguva. Zvakangofanana, kana tisingagarodya zvokudya zvomudzimu zvinovaka, tingakurumidza kuva nepasina kusimba panhumbi dzedu dzokurwa nadzo. Zvatinoramba tichitambudzwa nemashoko anoparadzirwa nemafungiro zvenyika, tingagona kukuvadzwa nokudenha kwakaipa kwaSatani nyore nyore.
Chimwe chiratidzo chokuneta mumudzimu kurasikirwa nepfungwa yokukurumidzira muhondo yedu yomudzimu. Murwi ari kurarama panguva isingarwiwi haazivi kuti hondo yakaipa uye kuti ine ngozi sei. Saka angasafunga kuti anofanira kukurumidza kuti agadzirire. Kana akabva angoudzwa kuti aite chimwe chinhu pakarepo, angava asina kumbogadzirira zvake. Zvakangofanana mumudzimu. Kana tikabvumira pfungwa yedu yokukurumidzira kuti iderere, tingava vasina kugadzirira kudzivisa kudenha kungauya kwatiri.
Zvisinei, tingaziva sei kana tawira mumamiriro ezvinhu aya? Tingazvibvunza mimwe mibvunzo ingabudisa pachena zvatakaita chaizvo: Ndinoda kuita ushumiri semadire andinoita kuenda kunovhakacha here? Ndinoda kupedza nguva ndichigadzirira misangano semadire andinoita kunotenga kana kuona TV here? Ndava kufungazve nezvezvinhu kana mikana zvandakarega pandakava muKristu here? Ndinochiva hunonzi upenyu hwakanaka huri kuva nevamwe here? Iyi mibvunzo inotokonya pfungwa, asi inobatsira kuti tione pakaneta nhumbi dzedu dzokurwa nadzo.
Nhumbi dzedu dzokurwa nadzo zvadziri dzomudzimu, zvinokosha kuti mudzimu waMwari uyerere muupenyu hwedu wakasununguka. Izvi zvinoratidzwa nokuti chibereko chomudzimu waMwari chinooneka chakakura sei mumabasa edu ose. Unotsamwa nyange kugumbuka nyore nyore apo vamwe vanoita kana kutaura chimwe chinhu chausingadi here? Unoona zano richinetsa kubvuma, kana kuti unofunga kuti vamwe vanokushora nguva dzose here? Unochiva zvakanyanya zvikomborero kana kubudirira kwevamwe vanhu here? Unoona zvakaoma kuwirirana nevamwe here, kunyanya vaune zera navo? Kuzviongorora nokutendeka kuchabatsira kuona kana upenyu hwedu hwakazadzwa nechibereko chomudzimu waMwari kana kuti kana mabasa enyama ari kutanga zvishoma nezvishoma.—VaGaratia 5:22-26; VaEfeso 4:22-27.
Matanho Akanaka Okukurira Nawo Kuneta Mumudzimu
Kuziva zviratidzo zvokuneta mumudzimu kwakasiyana nokutarisana nazvo ndokutora matanho okugadzirisa nhau. Zvinosuruvarisa kuti, vakawanda vanenge vanoda kuzvipembedza, kupa zvikonzero zvenhema, kurerutsa dambudziko racho, kana kuramba kuti riripo. Izvozvo zvine ngozi zvakadini—sokuenda kuhondo nenhumbi dzokurwa nadzo zvimwe zvinhu zvisipo! Nzira yakadaro ingaita kuti tidenhwe naSatani nyore nyore. Pazvimbo pazvo, tinofanira kukurumidza kutora matanho anoshanda kuti tigadzirise pasina kusimba patingaona. Tingaita sei?—VaRoma 8:13; Jakobho 1:22-25.
Zvatiri muhondo yomudzimu—hondo inobatanidza kudzora pfungwa nemwoyo zvomuKristu—tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tidzivirire mano edu. Yeuka kuti pazvinhu zviri panhumbi dzedu dzokurwa nadzo dzomudzimu pane “chidzitiro chechifuva chokururama,” chinodzivirira mwoyo wedu, uye “ngowani yoruponeso,” inodzivirira pfungwa dzedu. Kudzidza kushandisa gadziriro idzi zvinobudirira kungareva kusiyana kwekukunda nokukundwa.—VaEfeso 6:14-17; Zvirevo 4:23; VaRoma 12:2.
Kupfeka “chidzitiro chechifuva chokururama” kunonyatsoda kuti tirambe tichizviongorora pamusoro pekuda kwedu kururama nokuvenga kusarurama. (Pisarema 45:7; 97:10; Amosi 5:15) Ko mararamire edu akaderedzwawo pamwe neenyika here? Tinowana zvinhu zvaimbotityisa kana kutitsamwisa—zvingava zvinoitika chaizvo muupenyu kana kuti zvinoratidzwa paTV nemabhaisikopo, mumabhuku nemagazini—zvava kunakidza here? Kuda zvakarurama kuchatibatsira kuti tione kuti chinorumbidzwa munyika serusununguko neruzivo chaizvoizvo chingava kusasarura uye kuvhaira kwakavanzwa.—VaRoma 13:13, 14; Tito 2:12.
Kupfeka “ngowani yoruponeso” kunobatanidza kuramba uchinyatsofunga zvikomborero zvinoshamisa zviri mberi, tisingazvibvumiri kutsauswa nezvinhu zvinoshamisa nezvinonakidza zvenyika. (VaHebheru 12:2, 3; 1 Johane 2:16) Kuva nepfungwa iyi kuchatibatsira kuisa zvinhu zvomudzimu zvatinofarira mberi kwezvinhu zvokunyama zvatinoda kana kuti kubudirira kwomunhu oga. (Mateo 6:33) Saka, kuti tive nechokwadi chokuti tanyatsoisa nhumbi dzokurwa nadzo idzi munzvimbo yadzo, tinofanira kuzvibvunza nokutendeka kuti: Ndiri kuronda chii muupenyu? Ndine vavariro dzakananga dzomudzimu here? Ndiri kuitei kuti ndidziwane? Tingava tiri vaKristu vakazodzwa vakasarira kana kuti ve“boka guru” zvikuru, tinofanira kutevedzera Pauro, akati: “Ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano.”—Zvakazarurwa 7:9, NW; VaFiripi 3:13, 14.
Kurondedzera kwaPauro nhumbi dzedu dzomudzimu dzokurwa nadzo kunoguma nokukurudzira uku: “Munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose.” (VaEfeso 6:18) Izvi zvinoratidza matanho maviri anoshanda atinoita kuti tikurire kana kuti kudzivisa kuneta mumudzimu chero kupi zvako: Tanga ukama hwakanaka naMwari, uye tanga ukama chaihwo nevamwe vaKristu sewe.
Kana tine tsika yokutaura naJehovha nokunyengetera “kwose” (kureurura zvivi zvedu, kukumbira kuregererwa, kukumbira kutungamirirwa, kuonga zvikomborero, kurumbidza kunobva pamwoyo) uye “nguva dzose” (pachena, pakavanda, tiri toga, zvomuzvarirwo), tinova pedyo naJehovha. Ndiko kudzivirirwa kukurusa kwatinogona kuva nakwo.—VaRoma 8:31; Jakobho 4:7, 8.
Kune rimwe divi, tinokurudzirwa kunyengeterera “vatsvene vose,” kureva kuti, vaKristu sesu. Muminyengetero yedu tingayeuka hama dzedu dziri kunyika dziri kure dziri kutambudzwa kana kuti kuomerwa noupenyu. Asi zvakadini nevaKristu vatinoshanda nokusonganirana navo zuva nezuva? Tinofanira kuvanyengetererawo, Jesu zvaakanyengetererawo vadzidzi vake. (Johane 17:9; Jakobho 5:16) Minyengetero yakadaro inoita kuti tiwirirane uye inotisimbisa kuti titsungirire kudenha kwe“wakaipa.”—2 VaTesaronika 3:1-3.
Pakupedzisira, ramba uchifunga zvakasimba zano rorudo romuapostora Petro rinoti: “Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo; naizvozvo ivai vakachenjera, musvinure kuti munyengetere. Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:7, 8) Zviri nyore zvikuru kubvumira kusakwana kwevanhu—kwevamwe vanhu nokwedu—kuti kupinde mumwoyo yedu nepfungwa ndokuva zvimhingamupinyi, zvinhu zvinogumbura. Satani anonyatsoziva kuneta uku kwevanhu. Kuparadzanisa nokukurira ndemamwe maitire ake ounyanzvi. Naizvozvo, tinofanira kukurumidza kufukidza zvivi zvakadaro nokudanana kwedu kukuru ndoku“sapa Dhiyabhorosi nzvimbo.”—VaEfeso 4:25-27.
Ramba Wakasimba Mumudzimu Zvino
Paunoona kuti bvudzi rako harina kupeturwa kana kuti tayi yako yakamonyana, unoita sei? Kazhinji kacho ungabva watozvigadzirisa nokukurumidza sezvinobvira. Vanhu vashomanene vangazvisiya zvakadaro, vachifunga kuti zvinhu zvenhando zvakadaro hazvina basa. Ngatikurumidzei kugadziridza kuneta kwedu mumudzimu zvakafanana. Zvinhu zvisingataridziki zvakanaka pamuviri zvingaita kuti vanhu vakutarise vachishora, asi pasina kusimba mumudzimu pasingagadziriswi pangaguma nokusatenderwa naJehovha.—1 Samueri 16:7.
Jehovha akatipa zvose zvatinoda norudo kuti atibatsire kuti tibvise kuneta mumudzimu chero kupi zvako uye kuti tirambe takasimba mumudzimu. Achishandisa misangano yechiKristu, mabhuku eBhaibheri, uye vamwe vaKristu sesu vakakura mumudzimu nevane hanya, anoramba achitiyeuchidza nokutipa mazano pamusoro pezvatinofanira kuita. Zviri kwatiri kuti tizvibvume nokuzvishandisa. Izvi zvinoda kutamburira nokuzviranga. Asi yeuka zvakataura muapostora Pauro nokutendeka: “Ini handimhanyi somunhu usingazivi; handirwi somunhu unorova mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.”—1 VaKorinte 9:26, 27.
Ngwarira, usambobvumira kuti Pasingatani kukuvara pomudzimu patange. Panzvimbo pazvo, ngatiite zvakafanira zvino kuti tizive ndokukurira kuneta mumudzimu chero kupi zvakwo kwatinako tichizvininipisa uye takashinga.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
“ZVIIDZEI IMI MUMENE, MUONE KANA MURI PAKUTENDA; MUZVINZVEREI IMI MUMENE.”—2 VaKorinte 13:5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
“MUSVINURE KUTI MUNYENGETERE. ZVIKURU KUNE ZVOSE DANAI NORUDO RUKURU, NOKUTI RUDO RUNOFUKIDZIRA ZVIVI ZVIZHINJI.”—1 Petro 4:7, 8.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]
ZVIBVUNZE KUTI . . .
◆ Ndinoda kupedza nguva ndichigadzirira misangano semadire andinoita kunotenga kana kuona TV here?
◆ Ndinochiva hunonzi upenyu hwakanaka huri kuva nevamwe here?
◆ Ndinokurumidza kutsamwa apo vamwe vanoita kana kutaura chimwe chinhu chandisingadi here?
◆ Ndinoona zano richinetsa kubvuma, kana kuti ndinofunga kuti vamwe vanondishora nguva dzose here?
◆ Ndinoona zvakaoma kuwirirana nevamwe here?
◆ Ko mararamire angu akaderedzwawo pamwe neenyika here?
◆ Ndine vavariro chaidzo dzomudzimu here?
◆ Ndiri kuitei kuti ndiwane vavariro dzangu dzomudzimu?
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 18]
Achilles: Kubva mubhuku rinonzi Great Men and Famous Women; Varwi veRoma uye peji 21: Historic Costume in Pictures/Dover Publications, Inc., New York