RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 6/1 pp. 3-4
  • Ngwarira Vaseki!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Vaseki!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvose Zvichakangofanana Here?
  • Ramba Uchirangarira Zuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mirira Nokushivirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mazuva Okupedzisira—Echii?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 6/1 pp. 3-4

Ngwarira Vaseki!

Nhasi, fungidziro dzakawanda, uye kufunda nezvenguva yemberi kuri kubudirira. “Sezvo gore ra2000 rinoswedera pedyo zvikuru,” rinodaro The Daily Telegraph rokuLondon, “chimwe chinhu chinoshamisa asi chinokarirwa zvishoma chiri kuitika. Zviuru zvavanhu munyika yose zviri kuva nefungidziro dzinoshamisa uye dzinowanzotyisa dzenguva yemberi.” Kuvacherekedzi vakawanda iyi fariro yakakomba yenguva yemberi inongovawo zvayo kudzokororwa kwechinjo dzaikarirwa munguva yakapfuura idzo dzisina kuitika.

SEZVO zvokufambisa zvaikwehwa nemabhiza zvakawedzera muzana ramakore rechi19, mumwe murume akafanofungidzira kuti maguta eEurope pakupedzisira aizozadzwa nemupfudze. Chokwadika, fungidziro yake yakabvumikisa kuva yenhema. Nokudaro, mukusimbisa kukundikana kunoita fungidziro kakawanda, The Times yeLondon yakati: “Nguva yemberi inongova murwi wemupfudze wemabhiza.”

Vamwe vanoseka avo vanoona ngozi iri mberi. Somuenzaniso, mumwe purofesa wamabhizimisi payunivhesiti yeUnited States akarayira avo vanonyevera nezvokuparadzwa kwemhoteredzo kuti vapike kana muitiro wacho waizoipa zvikuru. Sezvakashumwa mumagazini yeNew Scientist, anotaura kuti “kunaka kwoupenyu hwedu kuri kunaka uye kuchapfuurira kudaro nokusingaperi.”

Pakati pokuvhiringidzika kwokutaura uye kutaura kwakapesana, vakawanda vanodavira kuti zvinhu zvose zvicharamba zvisina kuchinja. Vachiseka mufungo upi noupi wokupindira kwaMwari munhau dzavanhu, vanoratidza murangariro wakaita seuyo wavaseki vomuzana rokutanga ramakore C.E.

Zvinhu Zvose Zvichakangofanana Here?

Tsamba yechipiri yakafuridzirwa yomuapostora wechiKristu Petro, yakanyorwa munenge muna 64 C.E., yakanyevera kuti: “Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo.”—2 Petro 3:3.

Vaseki vanoedza kuita kuti chinhu chavari kuseka chiratidzike sechinosetsa. Munhu anopesvedzerwa nokusekwa angawira mumusungo woudyire nemhaka yokuti museki anowanzoda avo vanoteerera kuti vagamuchire murangariro wake. Zvichida vamwe vaseki avo Petro akanyevera nezvavo vakanga vakadai, “vachifamba nokuchiva kwavo.” Mukungwadza varavi vake, muapostora akashandisa kutaura kwakasimba. Akanyevera nezvekusvika kwe“vaseki vachauya vachiseka.”

Vaseki ivavo vomuzana rokutanga ramakore vakapokana uchokwadi hwe“chipikirwa chokuuya” kwaKristu, vachiti: “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” (2 Petro 3:4) Zvairatidzika nenzira iyoyo kwavari. Nepo, kare mugore ra33 C.E., Jesu akanga afanotaura nezvengwavaira yeguta reJerusarema. “Nokuti uchasvikirwa namazuva,” akazivisa kudaro, “auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe.” Avo vakaseka nyevero iyoyo vakanga vasina kururama sei! Muna 70 C.E., mauto eRoma akakomba Jerusarema ndokuparadza guta racho, vaigaramo vachirasikirwa noupenyu zvikuru. Nei ruzhinji rwevaigara muguta iroro rwakanga rwusina kugadzirira ngwavaira iyi? Nemhaka yokuti vakanga vasina kuziva kuti Mwari akanga avanzvera kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu.—Ruka 19:43, 44.

Muapostora Petro anonongedzera kukupindira kwomunguva yemberi kunoitwa naMwari Wamasimba Ose. “Zuva raShe richauya sembavha,” Petro anonyevera kudaro. (2 Petro 3:10) Panguva iyoyo Mwari achabvisa vasingadi Mwari mupasi rose ndokuchengetedza avo vanonzi vakarurama. Sokutsanangura kwakaita magazini ino kakawanda, “kuvapo” kwaKristu Jesu kwakavamba muna 1914. Asi kuita kwake chiito soMuurayi waMwari kuti abvise uipi hakusati kwaitika. Somugumisiro, nyevero yomuapostora yokungwarira vaseki inoshanda zvino nekurumidziro huru zvikuru.

Ungava wakatomirira kwenguva refu kupindira kwaMwari muzvinhu zvavanhu. Chii chichakubetsera kuramba wakamirira nokushivirira pasina kuva nyajambwa wavaseki? Tapota ramba uchirava.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Nokuti uchasvikirwa namazuva, . . . vavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe.” Iyoyo yakanga isiri nyevero yaifanira kusekwa. Mauto eRoma akaparadza Jerusarema, upenyu hwakawanda hukarasika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe