Havana Kuzviitira Zita Rakakurumbira
BHAIBHERI haridudzi vavaki veshongwe yeBhabheri ine mukurumbira wakaipa. Nhoroondo yacho inoti: “Vakati: uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, rune musoro unosvika kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.”—Genesi 11:4.
Vaiva vanaani “vakati”? Chiitiko ichi chakaitika anenge makore 200 pashure peMafashamo. Panguva iyoyo Noa, uyo akanga ava nemakore anenge 800 okukura, aigara pakati pezviuru zvevazukuru vake. Vose vaitaura mutauro mumwe chetewo uye vaigara pamwe chete muinenge nzvimbo iyo iye nevanakomana vake vakagara pashure peMafashamo. (Genesi 11:1) Pane imwe nguva, chikamu cheava vagari vakanga vawanda chakatamira kumabvazuva uye cha“kawana bani munyika yeShinari.”—Genesi 11:2.
Kukundikana Zvachose Chose
Makanga muri mubani iri umo boka racho rakasarudza kupandukira Mwari. Munzirai? Zvisinei, Jehovha Mwari akanga ataura donzo rake apo akarayira vanhu vaviri vokutanga kuti “berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Izvi zvakadzokororwa kuna Noa nevanakomana vake pashure peMafashamo. Mwari akavarayira kuti: “Berekai, muwande; berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.” (Genesi 9:7) Vachishora murayiridzo waJehovha, vanhu vakavaka guta kuitira kuti vagorega “kupararira panyika yose.”
Vanhu ava vakavamba kuzvivakirawo shongwe nedonzo rokuzvi“mutsira mukurumbira.” Asi mukupesana nezvavaikarira, havana kupedza kuvakwa kweshongwe yacho. Nhauro yeBhaibheri inoratidza kuti Jehovha akavhiringidza mutauro wavo kuitira kuti vagorega kunzwisisana. “Jehovha,” inodaro nhoroondo yacho yakafuridzirwa, “akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka shongwe.”—Genesi 11:7, 8.
Kukundikana kwachose chose kwebasa iri kunosimbiswa neidi rokuti mazita evavaki vacho haana kumbova aka“kurumbira,” kana kuti kuzivikanwa zvikuru. Chaizvoizvo, mazita avo haazivikanwi uye akadzimwa munhau yevanhu. Asi zvakadini naNimirodhi, muzukuruchibvi waNoa? Akanga asiri mutungamiriri wekupandukira Mwari uku here? Zita rake harizivikanwi zvikuru here?
Nimirodhi—Mupanduki Anonyangadza
Pasina mubvunzo, Nimirodhi akanga ari mutungamiriri weboka racho. Genesi ganhuro 10 inomusuma se“mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” (Genesi 10:9) Magwaro anotaurawo kuti “ndiye wakatanga kuva nesimba panyika.” (Genesi 10:8) Nimirodhi akanga ari murwi, murume wamasimba masimba. Akava munhu wokutanga kuva mutongi pashure peMafashamo, achizvigadza samambo. Nimirodhi aivawo muvaki. Bhaibheri rinomuti aiva muvambi wemaguta masere, kubatanidza Bhabheri.—Genesi 10:10-12.
Nokudaro, Nimirodhi—mushori waMwari, mambo weBhabheri, uye muvaki wemaguta—pasina mubvunzo akagoverana mukuvaka shongwe yeBhabheri. Haana kuzviitira zita rakakurumbira here? Pamusoro pezita rokuti Nimirodhi, Anonzvera Zvekumabvazuva E. F. C. Rosenmüller akanyora kuti: “Zita racho rakapiwa Nimirodhi kubva pana [ma·radhʹ], ‘akapanduka,’ ‘akamukira,’ maererano nerevo yechiHebheru.” Ipapo Rosenmüller anotsanangura kuti “Vokumadokero vakajaira kudaidza vakakurumbira vavo nemazita avanopiwa pashure porufu, apo panobva, pane dzimwe nguva, kubvumirana kunoshamisa pakati pemazita nezvinhu zvakaitwa.”
Nyanzvi dzinoverengeka dzinowirirana nomurangariro wokuti Nimirodhi rakanga risiri zita raakapiwa pakuberekwa. Panzvimbo pezvo, vanorirangarira sezita raakatumidzwa gare gare kuti riwirirane nounhu hwake hwokupandukira pashure pokunge hwaoneka. Somuenzaniso, C. F. Keil anotaura kuti: “Zita racho pacharo, rokuti Nimirodhi, rakabva pana [ma·radhʹ], ‘tichamukira,’ rinonongedzera pakushora Mwari kwemasimba masimba. Rinowirirana nounhu kwazvo zvokuti rinogona bedzi kuve rakapiwa nevanhu vemunguva yake, uye nokudaro ratova zita chairo.” Mumashoko omuzasi, Keil anonokora mashoko owezvenhau Jacob Perizonius seakanyora kuti: “Ndingabvuma kuti murume uyu [Nimirodhi], somudzimba anotyisa uye akapoteredzwa nechikwata cheshamwari, kuti dzikurudzire vamwe kupandukira, aiwanzova uye aiburitsa shoko iroro rokuti ‘nimirodhi, nimirodhi,’ ndiko kuti, ‘Ngatipandukirei! Ngatipandukire!’ Nokudaro, munguva dzapashure, akatumidzwa nevamwe, kunyange Mosesi pachake, neshoko iroro sezita rakafanira.”
Nenzira yakajeka, Nimirodhi haana kuzviitira zita rakakurumbira. Zita raakapiwa pakuberekwa sezvinooneka harizivikanwi. Rakadzimwa munhau, sezvakangoitwa mazita eavo vakatevera utungamiriri hwake. Haana kunyange kusiya mwana upi noupi kuti atakure zita rake. Panzvimbo pokuwana mbiri nomukurumbira, akapfekedzwa mukurumbira wakashata. Zita rokuti Nimirodhi rakamuzivisa nokusingaperi somupanduki anonyangadza uyo akadenha Jehovha Mwari noufuza.