“Muite Vanhu Vamarudzi Ose Vadzidzi”
“NAIZVOZVO endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” Iyi ndiyo nzira iyo New World Translation inoshandura nayo murayiro waJesu uri pana Mateo 28:19. Zvisinei, uku kushandura kwakatsoropodzwa. Rimwe bhukwana rorudzidziso, somuenzaniso, rinoti: “Kushandura bedzi kunobvumirwa nerugwaro rwechiGiriki ndekwokuti: ‘Itai vadzidzi marudzi ose!’” Ichokwadi here?
Kushandura uku, “Itai vadzidzi marudzi ose,” kunooneka mushanduro dzakawanda dzemaBhaibheri uye kushandurwa kweshoko neshoko kwechiGiriki. Naizvozvo, chikonzeroi chiripo chokurava kuti, “Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi muchivabhabhatidza?” Mashoko akapoteredza. Kutaura kwokuti “muchivabhabhatidza” kunonongedzera zvakajeka kuvanhu, kwete marudzi. Nyanzvi yeGerman Hans Bruns inoti: “[Shoko] rokuti ‘va’ harinongedzeri kumarudzi (chiGiriki chinoita musiyano wakajeka), asi kuvanhu vari mumarudzi.”
Uyezve, nzira iyo murayiro waJesu wakaitwa nayo inofanira kurangarirwa. Pamusoro poushumiri hwaPauro naBharnabhasi muDherbhe, guta raiva muAsia Minor, tinorava kuti: “Vakati vaparidza Evhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia.” (Mabasa 14:21) Cherekedza kuti Pauro naBharnabhasi vakaita vadzidzi, kwete veguta reDherbhe, asi vamwe vanhu veDherbhe.
Nenzira yakafanana, pamusoro penguva yomugumo, bhuku raZvakazarurwa rakafanotaura, kwete kuti marudzi ose aizobatira Mwari, asi kuti “vazhinji-zhinji, . . . vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi” vaizodaro. (Zvakazarurwa 7:9) Nokudaro, New World Translation inorevererwa sokushandurwa kwakavimbika kwe‘Rugwaro rwose, rwakafuridzirwa naMwari.’—2 Timotio 3:16.