RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 5/15 pp. 15-20
  • Kutarisira Kwoubati Ushe hwaMwari Munhambo yeChikristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisira Kwoubati Ushe hwaMwari Munhambo yeChikristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanda Kwomutumbi Unodzora
  • Kutarisira Munguva Dzazvino Uno
  • Tsigiro Nokuda kwaIsraeri waMwari
  • “Rudzi Runouya”
  • Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vagari Pamwe Mu“nyika” Yakadzorerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 5/15 pp. 15-20

Kutarisira Kwoubati Ushe hwaMwari Munhambo yeChikristu

“Sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti . . . aunganidze muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.”—VAEFESO 1:9, 10.

1, 2. (a) Kuunganidzwa kwe“zviri mudenga” kwakapfuurira sei, kutanga muna 33 C.E.? (b) Vakristu vakazodzwa vakaratidzira sei mudzimu waMosesi naEria chibviro cha1914?

UKU kuunganidzwa kwe“zviri kudenga” kwakavamba muna 33 C.E., apo “vaIsraeri vaMwari” vakaberekwa. (VaGaratia 6:16; Isaya 43:10; 1 Petro 2:9, 10) Pashure pezana ramakore rokutanga C.E., kuunganidza kwakanonoka sezvo Vakristu vapachokwadi (vainzi “zviyo” naJesu) vakakurirwa ne“mashawi” akaramba kutenda akadyarwa naSatani. Asi sezvo “nguva yokupedzisira” yakasvika, Israeri waMwari wechokwadi akaonekazve uye muna 1919 akagadzwa kuti atarisire zvinhu zvose zvaJesu.a—Mateo 13:24-30, 36-43; 24:45-47; Dhanieri 12:4.

2 Mukati mehondo yenyika yokutanga, Vakristu vakazodzwa vakaita mabasa esimba, sezvakanga zvangoita Mosesi naEria.b (Zvakazarurwa 11:5, 6) Chibviro cha1919 vakaparidza mashoko akanaka munyika ine utsinye, vachiita kudaro nokushinga kwaEria. (Mateo 24:9-14) Uye chibviro cha1922 vakazivisa marutongeso aJehovha parudzi rwomunhu, kungofanana nokuunza kwakaita Mosesi matambudziko aMwari paEgipita yakare. (Zvakazarurwa 15:1; 16:2-17) Vakasarira vaava Vakristu vakazodzwa nhasi ndivo musimboti wenzanga yenyika itsva yeZvapupu zvaJehovha.

Kushanda Kwomutumbi Unodzora

3. Zviitikoi zvinoratidza kuti ungano yapakuvamba yeChikristu yakanga yakasanorongwa?

3 Kubva pakuvamba, vateveri vaJesu vakazodzwa vakanga vakarongeka. Sezvo nhamba yavadzidzi yakawedzera, ungano dzomunzvimbomo dzakatangwa uye vakuru vakagadzwa. (Tito 1:5) Pashure pa33 C.E., vaapostora 12 vakashanda somutumbi unodzora mukuru une chiremera. Sevakadaro, vakatungamirira nokusatya mubasa rouchapupu. (Mabasa 4:33, 35, 37; 5:18, 29) Vakaronga kuparadzirwa kwezvokudya kuvanoshayiwa, uye vakatuma Petro naJohane kuSamaria kuti vatevere mishumo yefariro ikoko. (Mabasa 6:1-6; 8:6-8, 14-17) Bharnabhasi akaendesa Pauro kwavari kuti aite kuti kubvumikiswe kuti uyu aichimbova mutambudzi zvino akanga ava muteveri waJesu. (Mabasa 9:27; VaGaratia 1:18, 19) Uye pashure pokunge Petro aparidza kuna Kornerio nemhuri yake, akadzokera kuJerusarema ndokutsanangurira vaapostora nedzimwe hama dzokuJudhea nzira iyo mudzimu mutsvene wakanga waratidzira nayo kuda kwaMwari munhau iyi.—Mabasa 11:1-18.

4. Kuedzai kwakaitwa kwokuuraya Petro, asi upenyu hwake hwakaponeswa sei?

4 Ipapo mutumbi unodzora wakadenhwa zvakakomba. Petro akaiswa mutorongo, uye upenyu hwake hwakaponeswa nokupindira kwengirozi bedzi. (Mabasa 12:3-11) Zvino kwenguva yokutanga, mumwe munhu asiri mumwe wevaapostora 12 akaoneka munzvimbo yakatanhamara muJerusarema. Apo Petro akabudiswa mutorongo, akaudza boka rakanga rakaungana mumba mamai vaJohane Marko kuti: “Udzai Jakobho [munun’una kuna mai waJesu] nehama zvinhu izvozvi.”—Mabasa 12:17.

5. Kuumbwa kwomutumbi unodzora kwakachinjwa sei pashure pokuurayirwa kutenda kwaJakobho?

5 Munguva yakapfuura, pashure pokunge Judhasi Iskarioti, muapostora asina kutendeseka, azviuraya, dikanwo yakacherekedzwa yokupa “utariri hwake” somuapostora kune mumwe munhu akanga ava naJesu mukati moushumiri hwake uye akanga apupura rufu rwake norumuko. Zvisinei, apo Jakobho, mukoma waJohane, akaurawa, hapana munhu akamutsiva somumwe wavane 12. (Mabasa 1:20-26; 12:1, 2) Panzvimbo pezvo, nongedzero inotevera yomuMagwaro kumutumbi unodzora inoratidza kuti wakanga wakudzwa. Apo gakava rakamuka pamusoro pokuti vaMarudzi vaitevera Jesu vaifanira kuzviisa pasi poMutemo waMosesi here kana kuti kwete, nhau yacho yakaiswa ku“vaapostora navakuru vapaJerusarema” nokuda kwechisarudzo. (Mabasa 15:2, 6, 20, 22, 23; 16:4) Nei “vakuru” zvino sezviri pachena vakanga vava mumutumbi unodzora? Bhaibheri haritauri, asi pakanga pane betsero iri pachena. Rufu rwaJakobho uye kuiswa mutorongo kwaPetro kwakanga kwaratidza kuti vaapostora rimwe zuva vangaiswa mutorongo kana kuti kuurawa. Zvakangodaro, kuvapo kwavamwe vakuru vakakwaniriswa, vane ruzivo rwokuzviwanira mumiitiro yomutumbi unodzora, kwaizovimbisa kupfuurira kune nhevedzano kwoutarisiri.

6. Mutumbi unodzora wakapfuurira sei kushanda muJerusarema, kunyange apo mitezo yawo yapakuvamba yakanga isisiri muguta iroro?

6 Apo Pauro akauya kuJerusarema munenge mugore ra56 C.E., akashuma kuna Jakobho uye, Bhaibheri rinoti, “vakuru vakanga varipo vose.” (Mabasa 21:18) Nei pakanga pasina kududzwa kwavaapostora pauyu musangano? Zvakare, Bhaibheri haritauri. Asi wezvenhau Eusebius gare gare akashuma kuti imwe nguva 66 C.E. asati asvika, “vaapostora vakasara, vari mungozi yenguva dzose yerangano dzokuponda, vakabudiswa muJudhea. Asi kuti vadzidzise shoko ravo vakafamba munyika iri yose musimba raKristu.” (Eusebius, Book III, V, v. 2) Chokwadi, mashoko aEusebius haasi rutivi rwechinyorwa chakafuridzirwa, asi anotsinhirana neizvo chinyorwa ichocho chinotaura. Somuenzaniso, pakasvika 62 C.E., Petro akanga ari muBhabhironi—kure neJerusarema. (1 Petro 5:13) Zvisinei, muna 56 C.E., uye sezvingabvira kutozosvikira chaizvoizvo muna 66 C.E., mutumbi unodzora wakanga uchishingaira nenzira yakajeka muJerusarema.

Kutarisira Munguva Dzazvino Uno

7. Zvichienzaniswa nomutumbi unodzora wezana rokutanga ramakore, musiyanoi wakatanhamara uripo mukuumbwa kwoMutumbi Unodzora nhasi?

7 Kubvira muna 33 C.E. kutozosvikira dambudziko reJerusarema, mutumbi unodzora sezviri pachena wakanga une Vakristu vechiJudha. Mukati meshanyo yake muna 56 C.E., Pauro akaziva kuti Vakristu vechiJudha vakawanda vaiva muJerusarema, pasinei zvapo “nokutenda kw[avo] kunaShe wedu Jesu Kristu,” vakanga vachiri “vanoshingairira murayiro” waMosesi.c (Jakobho 2:1; Mabasa 21:20-25) VaJudha vakadaro vangava vakanetseka kufungidzira waMarudzi ari mumutumbi unodzora. Munguva dzazvino uno, kunyange zvakadaro, pave pane imwe chinjo mukuumbwa kwouyu mutumbi. Nhasi, unoumbwa zvakazara naVakristu vaMarudzi vakazodzwa, uye Jehovha akakomborera zvikuru kutarisira kwavo.—VaEfeso 2:11-15.

8, 9. Zviitikoi zvakaitika muMutumbi Unodzora munguva dzazvino uno?

8 Kubva pakuumbwa kweWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania muna 1884 kutozosvikira 1972, purezidhendi weSosaiti akashandisa chiremera chikuru musangano raJehovha, nepo Mutumbi Unodzora wakanga wakasanobatanidzwa neboka revatungamiriri reSosaiti. Zvikomborero zvakafarikanywa mukati mamakore iwayo zvinobvumikisa kuti Jehovha akagamuchira gadziriro iyoyo. Pakati pa1972 na1975, Mutumbi Unodzora wakakudzwa kuva mitezo 18. Zvinhu zvakasanofanana zvikuru negadziriro yezana ramakore rokutanga apo uyu mutumbi wakakudzwa wakapiwa chiremera chikuru zvikuru, vamwe vavo vari vatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

9 Chibviro cha1975 vakati kuti veava vanhu 18 vakapedza upenyu hwavo hwapasi. Vakakunda nyika uye vaka‘gara naJesu pachigaro chake choumambo chokudenga.’ (Zvakazarurwa 3:21) Nokuda kwechikonzero ichochi nezvimwe, Mutumbi Unodzora zvino une mitezo gumi, kubatanidza mumwe uyo wakawedzerwa muna 1994. Vazhinjisa vakwegura. Zvisinei, idzi hama dzakazodzwa dzinopiwa tsigiro yakaisvonaka sezvadzinoita mabasa adzo anokosha. Tsigiro iyoyo inowanwa kupi? Kutarira zviitiko zvazvino uno pakati pavanhu vaMwari kunopindura mubvunzo iwoyo.

Tsigiro Nokuda kwaIsraeri waMwari

10. Ndivanaani vakakumbanira vakazodzwa mubasa raJehovha muaya mazuva okupedzisira, uye ikoku kwakaporofitwa sei?

10 Shure muna 1884 vanenge vose vaavo vaisonganirana naIsraeri waMwari vakanga vari Vakristu vakazodzwa. Zvishoma nezvishoma, zvisinei, rimwe boka rakavamba kuoneka, uye muna 1935 iri boka rakaziviswa se“boka guru” raZvakazarurwa ganhuro 7, (NW). Vachiva vane tariro yapasi, ivava vanomirira “zviri pasi” izvo Jehovha anoita donzo rokuunganidza pamwe chete muna Kristu. (VaEfeso 1:10) Vanomirira “mamwe makwai” omufananidzo waJesu wematanga amakwai. (Johane 10:16) Chibviro cha1935, mamwe makwai akadirana musangano raJehovha. Vaka“bhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo.” (Isaya 60:8) Nemhaka yokuwedzera kweboka guru uye kuderera kweboka ravakazodzwa sezvo vakawanda vanopedza upenyu hwavo hwapasi murufu, mamwe makwai akakwaniriswa akasvika pakuita basa rinowedzera mumibato yeChikristu. Munzirayi?

11. Iropafadzoi, pakuvamba dzakanga dzakaganhurirwa kuVakristu vakazodzwa, dzakapiwa kumamwe makwai?

11 Kuzivisa kunaka kwaJehovha kune dzimwe nyika nguva dzose kwave kuri musengwa chaiwo wo“rudzi rutsvene” rwaMwari. Pauro akataura nezvako sechibayiro chetembere, uye kuna avo vaizova “uprista hwamambo,” Jesu akapa basa rokuparidza nokudzidzisa. (Eksodho 19:5, 6; 1 Petro 2:4, 9; Mateo 24:14; 28:19, 20; VaHebheru 13:15, 16) Kunyange zvakadaro, chinyorwa chaAugust 1, 1932, cheNharireyomurindi chechiNgezi chakakurudzira zvakananga avo vakafanofananidzirwa naJonadhabhi kuti vagoverane muuyu mubato. Zvirokwazvo, vakawanda vamamwe makwai akadaro vakanga vava kutoita kudaro. Nhasi, rinenge basa rose rokuparidza riri kuitwa nemamwe makwai sorutivi rwakatanhamara rwoku“shumira [kwavo Mwari] masikati nousiku mutembere yake.” (Zvakazarurwa 7:15) Nenzira yakafanana, murutivi rwapakuvamba rwenhau yazvino uno yevanhu vaJehovha, vakuru veungano vakanga vari Vakristu vakazodzwa, “nyeredzi” muruoko rworudyi rwaJesu Kristu. (Zvakazarurwa 1:16, 20) Asi chinyorwa chaMay 1, 1937, cheNharireyomurindi chechiNgezi chakazivisa kuti mamwe makwai akakwaniriswa aigona kuva varanda vekambani (vatariri vanotungamirira). Kunyange kana varume vakazodzwa vaivapo, mamwe makwai aigona kushandiswa kudai varume vakazodzwa vakanga vasingakwanisi kutakura uyu mutoro. Nhasi, vanenge vakuru vose veungano ndevemamwe makwai.

12. Mienzanisoi yomuMagwaro iripo nokuda kwamamwe makwai akakwaniriswa anogamuchira mabasa esangano anokosha?

12 Hazvina kururama here kupa mamwe makwai mitoro inokosha yakadaro? Aiwa, zvinotevera muenzaniso wenhau. Vamwe vapuroserite vokumwe (vaiva vaeni) vakanga vane nzvimbo dzapamusoro muna Israeri wakare. (2 Samueri 23:37, 39; Jeremia 38:7-9) Pashure poutapwa hweBhabhironi, vaNetinimi vakakwaniriswa (vabatiri vapatembere vasiri vaIsraeri) vakapiwa ropafadzo dzebasa rapatembere idzo munguva yapfuura dzaiva dzavaRevhi bedzi. (Ezra 8:15-20; Nehemia 7:60) Mukuwedzera, Mosesi, uyo akaoneka muchiono chokushanduka chitarisiko ana Jesu, akagamuchira zano rakaisvonaka rakapiwa naJetro muMidhiani. Gare gare, akakumbira mwanakomana waJetro Hobhabhi kuti avatungamirire murenje.—Eksodho 18:5, 17-24; Numeri 10:29.

13. Mukupa mitoro nenzira yokuzvininipisa kumamwe makwai akakwaniriswa, mudzimu waani wakaisvonaka uyo vakazodzwa vave vachitevedzera?

13 Nechokumugumo wemakore 40 murenje, Mosesi, achiziva kuti aisazoenda muNyika Yakapikirwa, akanyengetera kuti Jehovha amugovere mutsivi. (Numeri 27:15-17) Jehovha akamuudza kuti agadze Joshua pamberi pavanhu vose, uye Mosesi akaita kudaro, kunyange zvazvo akanga achiri akasimba mumuviri uye asina kukurumidza kurega kubatira Israeri. (Dheuteronomio 3:28; 34:5-7, 9) Nomudzimu wakafanana wokuzvininipisa, vakazodzwa vave vachitotambanudza ropafadzo dzakawedzerwa kuvarume vakakwaniriswa vanobva pakati pamamwe makwai.

14. Uporofitai hunonongedzera kubasa riri kukura resangano ramamwe makwai?

14 Basa resangano riri kukura ramamwe makwai ndiwo musoro wouporofitawo. Zekaria akafanotaura kuti muFiristia akanga asiri muIsraeri aizova “somuchinda paJudha.” (Zekaria 9:6, 7) Machinda akanga ari madzimambo edzinza, naizvozvo Zekaria akanga achitaura kuti aichimbova muvengi waIsraeri aizogamuchira kunamata kwechokwadi ndokusvika pakuva samambo wedzinza muNyika Yakapikirwa. Uyezve, pakutaura kuna Israeri waMwari, Jehovha akati: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. Asi imi muchanzi vaprista vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu.” (Isaya 61:5, 6) “Vatorwa” uye “vaeni” ndemamwe makwai. Ava vakapiwa mabasa kuitira kuti vagamuchire basa rakawanda zvikuru sezvo vakasarira vakazodzwa vakwegura vanopedza basa ravo rapasi ndokuenda kunobatira mupfungwa yakakwana sa“vaprista vaJehovha” vokudenga vachikomberedza chigaro choumambo chikuru chaJehovha sa“vashumiri vaMwari wedu.”—1 VaKorinte 15:50-57; Zvakazarurwa 4:4, 9-11; 5:9, 10.

“Rudzi Runouya”

15. Munguva ino yomugumo, ibokai raVakristu rakasvika ku“kwegura,” uye ibokai rinomirira “rudzi runouya”?

15 Vakasarira vakazodzwa vave vachidisa kurovedza mamwe makwai nokuda kwemabasa akawedzerwa. Pisarema 71:18 inoti: “Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena bvudzi, Mwari regai kundisiya; kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, nesimba renyu kune mumwe nomumwe unozouya.” Ichitsinhira pane iyi ndima, Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1948, yakaratidzira kuti ungano yaVakristu vakazodzwa zvirokwazvo yakanga yakwegura. Yakapfuurira kutaura kuti vakazodzwa nomufaro “vanokarira muchiedza chouporofita hweBhaibheri chizvarwa chitsva uye vanochiona.” Ikoku kunonongedzera kuna ani chaizvoizvo? Nharireyomurindi yacho yakati: “Jesu akataura nezvavo sa‘mamwe makwai’ ake.” “Rudzi runouya” runonongedzera kuvanhu vachararama mukutarisira kutsva kwapasi kunodzorwa noUmambo hwamatenga.

16. Avo ve“rudzi runouya” vanokarira zvikomboreroi nokudisa?

16 Bhaibheri haritauri zvakajeka kuti ndirini apo Vakristu vose vakazodzwa vachasiya hama dzavo dzo“rudzi runouya” ndokupfuurira kupiwa mbiri pamwe chete naJesu Kristu. Asi ava vakazodzwa vane chivimbo chokuti nguva yaikoku iri kusvika. Zviitiko zvakafanotaurwa muuporofita hukuru hwaJesu pamusoro pe“nguva yokupedzisira” zvave zvichizadzika chibviro cha1914, zvichiratidza kuti kuparadzwa kwenyika ino kwava pedyo. (Dhanieri 12:4; Mateo 24:3-14; Marko 13:4-20; Ruka 21:7-24) Nokukurumidza, Jehovha achaunza nyika itsva umo “rudzi runouya” rucha‘gara nhaka umambo [nzvimbo yapasi] yakarugadzirirwa kubva pakuvambwa kwenyika.’ (Mateo 25:34) Vanofadzwa kukarira kudzorerwa kweParadhiso uye kumutswa kwamamiriyoni avakafa muHadhesi. (Zvakazarurwa 20:13) Vakazodzwa vachavapo kuti vagamuchire ava vanomutswa here? Shure muna 1925, Nharireyomurindi yechiNgezi yaMay 1 yakati: “Hatifaniri kutaura maererano nemafungire edu izvo Mwari achaita kana kuti asati achizoita. . . . [Asi] tinotungamirirwa kumhedziso yokuti mitezo yeChechi [Vakristu vakazodzwa] vachapiwa mbiri vakafa vakare [zvapupu zvakatendeka zvakatangira Chikristu] vasati vamutswa.” Nenzira yakafanana ichikurukura kuti vamwe vavakazodzwa vachavapo kuti vagamuchire vanomutswa here kana kuti kwete, Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1989 yakati: “Ikoku kungasava kuri madikanwa.”d

17. Vakasarira, seboka, vachagoverana ropafadzoi dzakaisvonaka naMambo akagadzwa, Jesu Kristu?

17 Chokwadi, hatizivi chichaitika munhau yoMukristu mumwe nomumwe akazodzwa. Asi kuvapo kwaMosesi naEria vana Jesu mukushanduka chitarisiko kunoratidzira kuti Vakristu vakazodzwa vanomutswa vanokarirwa kuva naJesu apo anouya mumbiri kuzo“ripira mumwe nomumwe paakabata napo” sezvo rutongeso rwake rwunopiwa ndokuitwa. Uyezve, tinoyeuka chipikirwa chaJesu chokuti Vakristu vakazodzwa avo vano‘kurira’ vachagoverana naye mu‘kufudza marudzi netsvimbo yedare’ paArmagedhoni. Apo Jesu anouya mumbiri, vachagara naye va“chitonga ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.” NaJesu, vacha‘pwanya Satani pasi petsoka dzavo.’—Mateo 16:27–17:9; 19:28; Zvakazarurwa 2:26, 27; 16:14, 16; VaRoma 16:20; Genesi 3:15; Pisarema 2:9; 2 VaTesaronika 1:9, 10.

18. (a) Ndeapi ari mamiriro ezvinhu pamusoro pe‘kuunganidzwa kwezvinhu zviri mumatenga pamwe chete muna Kristu’? (b) Tinogona kutaurei pamusoro poku‘unganidzwa kwezvinhu papasi pamwe chete muna Kristu’?

18 Mukuwirirana nokutarisira kwake zvinhu, Jehovha nenzira inofambira mberi ari ku“unganidz[a] muna Kristu zvose.” Kana toreva nezve“zviri kudenga,” donzo rake rinosvika mugumo. Kubatanidzwa kwaJesu navose vane 144 000 mudenga nokuda kwe“mutambo wokuwana weGwayana” kwava pedyo. Nokudaro, hama dzakawanda zvikuru dzakabatira kwenguva refu, dzakakura mumudzimu dzamamwe makwai, dzinomirira “zviri pasi,” dzakaita kuti dzipiwe mitoro inorema zvikuru mukutsigira hama dzavo dzakazodzwa. Tiri kurarama munguva dzinofadza zvakadini! Kunofadza sei kuona donzo raJehovha richifambira mberi kukuzadzikwa kwaro! (VaEfeso 1:9, 10; 3:10-12; Zvakazarurwa 14:1; 19:7, 9) Uye mamwe makwai anofara sei kutsigira hama dzawo dzakazodzwa sezvo mapoka ose ari maviri anobatira pamwe chete se“boka rimwe” pasi po“mufudzi mumwe” pasi paMambo, Jesu Kristu, uye kumbiri yaChangamire Mukuru wechisiko chose, Jehovha Mwari!—Johane 10:16; VaFiripi 2:9-11.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona chinyorwa cheNharireyomurindi chaFebruary 1, 1982, mapeji 9-13.

b Somuenzaniso, kutanga muna 1914, “The Photo-Drama of Creation”—mharidzo yamativi mana yokuona uye yakarekodwa—yakaratidzwa kuvateereri vaiva muhoro dzemitambo dzakazara munyika yose yokuMadokero.

c Nokuda kwezvikonzero zvinobvira nei vamwe Vakristu vechiJudha vakanga vachishingairira Mutemo, ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 2, mapeji 1163-4.

d Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1990, mapeji 30-1; December 15, 1990, peji 30.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Sangano raMwari rakafambira mberi sei muzana ramakore rokutanga?

◻ Mutumbi Unodzora wakatangwa sei munhau yazvino uno yeZvapupu zvaJehovha?

◻ Magwaroi anobvumira kupiwa kwechiremera kumamwe makwai musangano raJehovha?

◻ “Zviri mudenga” uye “zviri pasi” zvakaunganidzwa sei pamwe chete muna Kristu?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kunyange apo mitezo yawo yapakuvamba yakanga isisiri muJerusarema, mutumbi unodzora wakapfuurira kushanda uri imomo

[Mifananidzo iri papeji 18]

VaKristu vakazodzwa vakakura mumudzimu vave vari chikomborero kuvanhu vaJehovha

C.T. Russell 1884-1916

J.F. Rutherford 1916-42

N.H. Knorr 1942-77

F.W. Franz 1977-92

M.G. Henschel 1992-

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe