Kutendeseka Kunongoerekana Kwaitika Here Kana Kuti Kunosarudzwa?
“KUNYANGE zvazvo ndisina kutendeseka nenzira yomuzvarirwo, pane dzimwe nguva ndinongoerekana ndava akatendeseka.” Anodaro Autolycus anoita ujarijari muThe Winter’s Tale yakanyorwa naWilliam Shakespeare. Ikoku kunoratidzira utera hukuru hwemunhu—kuda kwedu kuita zvakashata, uko kunobva mu‘mwoyo unonyengera.’ (Jeremia 17:9; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Asi ikoku kunoreva here kuti hatisarudzi munhau yacho? Mufambiro wakanaka unongova chete nhau yekungoerekana waitika here? Nyangwe napaduku pose!
Vana vaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akataura navo pavakanga vakadzika musasa pamapani eMoabhi. Akaisa pamberi pavo zvisarudzo zviviri zvakajeka. Vaigona kuteerera mirayiro yaMwari ndokugamuchira chikomborero chake kana kuti kuiramba ndokukohwa zvibereko zvakaipa zvechivi. (Dheuteronomio 30:15-20) Vaifanira kuzvisarudzira.
Sevanhu vanoita zvavanoda, isuwo tinogona kusarudza. Hakuna munhu—kubatanidza Mwari—anotimanikidza kuita zvakanaka kana kuti kuita zvakashata. Zvisinei, vamwe vangabvunza nenzira yakarurama kuti, ‘Kana mwoyo yedu ichida kuita zvakashata, tinogona sei kuita zvakanaka?’ Eya, chiremba wemazino anonyatsoongorora mazino kuitira kuti acherekedze buri kana kuti kuora zvisati zvanyanyisa. Nenzira yakafanana, tinofanira kunzvera mwoyo wedu wekufananidzira tichitsvaka utera nekuora kwetsika. Nei? Nemhaka yekuti “mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noufeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokumhura Mwari,” akadaro Jesu.—Mateo 15:18-20.
Kuti achengetedze zino, chiremba wemazino anofanira kunyatsobvisa kuora kupi nokupi kunowanwa. Nenzira yakafanana, chiito chakasimba chinodikanwa kuti tibvise “mifungo yakaipa” nezvishuvo zvisina kururama mumwoyo. Kupfurikidza nokurava uye kurangarira Shoko raMwari, Bhaibheri, hatingosviki bedzi pakuziva nzira dzoMusiki wedu asi tinodzidzawo kuita zvakarurama.—Isaya 48:17.
Mambo Dhavhidhi waIsraeri akazviyamura neimwe betsero yaiva madikanwa mukurwa kuita chakarurama. Akanyengetera kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.” (Pisarema 51:10) Hungu, kupfurikidza nokuvimba naJehovha Mwari nenzira yokunyengetera, isuwo tinogona kukurira kuda kwedu kuita zvakashata ndokusakurira “mweya wakarurama” wokuita zvakanaka. Nenzira iyi, hatizoiti kuti kutendeseka kungoerekane kwaitika. Ichava nhau yechisarudzo.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Semuchakaitika chaDhavhidhi, munyengetero kuna Jehovha unogona kutibetsera kuita zvakanaka