‘Tinoda Vanhu Vakatendeseka’
KUTENDESEKA hakuwanzowanika munyika yanhasi. Bva, ndichinodikanwa chinokosha nokuda kweVakristu. Pauro akanyora kuti: “Tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Ndizvo zvaida kuita Wilma, mumwe weZvapupu zvaJehovha muFaenza, Italy.
Pepanhau rinonzi Il Resto del Carlino rinorondedzera kuti apo akawana chikwama chakanga chine chitsama chikuru chemari kunze kwesupamaketi muguta rake, akachipa kumapurisa “pasina kuzengurira” kuitira kuti chigogona kudzoserwa kumuridzi wacho.
Apo meya akanzwa nezvaizvozvi, akatumira pakarepo tsamba pfupi yekutenda kuna Wilma. “Muzita reGuta,” akanyora kudaro, “ndinokuongai nemwoyo wose nokuda kwekuita kwenyu kwakaisvonaka. Guta redu rakakurumbira reFaenza rinoda vanhu vakanaka uye vakatendeseka.”
Kana zviito zvakanaka zvichizivikanwa kana kuti kwete, nguva dzose tinofanira kuvavarira kuva vakatendeseka. Seizvo Magwaro Matsvene anokurudzira, “tinoedza kuita zvakarurama kwete bedzi pamberi paMwari asi pamberi pavanhu.”—2 VaKorinte 8:21, The Jerusalem Bible.