Shekemi—Guta Rakanga Riri Mumupata
PAKATI chaipo penyika iyo Mwari akasarudzira vanhu vake, munzvimbo yaiva pakati peGomo reEbhari uye Gomo reGerizimi, pakanga pane guta reShekemi. Pakanga pari pano—anodokusvika makore zviuru zvina akapfuura—apo Jehovha akapikira Abrahama kuti: “Ndichapa vana vako nyika iyi.”—Genesi 12:6, 7.
Mutsinhirano neichi chipikirwa, muzukuru waAbrahama Jakobho akavaka musasa paShekemi ndokuvaka artari yaakadana kuti “Mwari ndiMwari waIsraeri.” Zvimwe Jakobho akachera tsime muiyi nzvimbo kuti agovere mvura kumhuri yake nezvipfuwo, tsime iro mazana emakore gare gare raizozivikanwa se“tsime raJakobho.”—Genesi 33:18-20, NW, mashoko emuzasi; Johane 4:5, 6, 12.
Zvisinei, yakanga isati iri mitezo yose yemhuri yaJakobho yakaratidza kushingairira kunamata kwechokwadi. Dhina, mwanasikana wake, akatsvaka shamwari pakati pevasikana vechiKanani veShekemi. Dhina, uyo ipapo akanga achiri muduku, akasiya chengeteko yematendi emhuri yake ndokuvamba kushanyira guta repedyo, achiva neshamwari ikoko.
Varume vaduku veguta racho vaizorangarira sei iyi mhandara duku yaishanyira guta ravo nguva dzose—sezviri pachena isingaperekedzwi? Mwanakomana wemuchinda “akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza.” Nei Dhina akatsvaka ngozi kupfurikidza nokusonganirana nevaKanani vane unzenza? Yakanga iri mhaka yokuti ainzwa achida ushamwari hwevasikana vezera rake amene here? Akanga akasindimara uye achizvimirira sevamwe vehanzvadzi dzake here? Rava nhoroondo yaGenesi, uye edza kunzwisisa nhamo nokunyara izvo Jakobho naRea vanofanira kuve vakanzwa nemhaka yemigumisiro ine ngwavaira yeshanyo dzemwanasikana wavo kuShekemi.—Genesi 34:1-31; 49:5-7; onawo Nharireyomurindi, December 1, 1985, peji 31.
Anodokusvika makore 300 gare gare, migumisiro yekuzvidza nhungamiro dzoubati ushe hwaMwari yakaoneka zvekare. PaShekemi, Joshua akaronga rimwe ramagungano anoyeukwa zvikurusa munhau yevaIsraeri. Fungidzira chiono mumupata wacho. Vanhu vanopfuura miriyoni—varume, vakadzi, uye vana—vendudzi nhanhatu dzaIsraeri vanomira pamberi peGomo reGerizimi. Mhiri kwemupata wacho inenge nhamba imwe cheteyo inobva kudzimwe ndudzi nhanhatu inomira pamberi peGomo reEbhari.a Uye ipapo pazasi, parutivi peartari yesungano uye pakati pemapoka maviri evaIsraeri, panomira vaprisita naJoshua. Chiono chakadini!—Joshua 8:30-33.
Akareba kupfuura iri boka guru, makomo maviri acho anogovera musiyano mukuru worunako nerenje. Materu ekumusoro eGerizimi akasvibira uye akaorera, nepo ayo eEbhari ari zvikurukuru pfumbu uye haana chinhu. Unogona here kunzwa mahon’era omufaro sezvo vaIsraeri vanomirira nguva yokuti Joshua ataure? Kutinhira kwose kunoita maungira muiyi nzvimbo yemitambo yemusikirwo.
Mukati memaawa mana kusvikira kumatanhatu ayo Joshua anotora achirava ‘bhuku remutemo waMosesi,’ vanhu vanotorawo rutivi. (Joshua 8:34, 35) Sezviri pachena, vaIsraeri vari pamberi peGerizimi vanoti Ameni! pashure pechimwe nechimwe chezvikomborero, nepo Ameni! weavo vari pamberi peEbhari anosimbisa kutukwa kumwe nokumwe. Zvichida kusava nechinhu kweGomo reEbhari kunobatira kuyeuchidza vanhu nezvemugumisiro une ngwavaira wokusateerera.
“Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake,” Joshua anonyevera kudaro. Pamwe chete, manzwi anopfuura miriyoni anopindura kuti: “Ameni!” Joshua anomirira kuti iyi mhinduro inotinhira inyarare asati apfuurira: “Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake.” Zvekare ndudzi nhanhatu, dzichiperekedzwa nevagari vokumwe vakawanda, dzinodanidzira kuti: “Ameni!” (Dheuteronomio 27:16, 17) Kudai wakanga uripo, ungadai wakatombokanganwa here musangano iwoyo wakaitirwa pakati pemakomo? Kudikanwa kwekuteerera kungadai kusina kurovererwa nenzira isingakanganwiki pandangariro yako here?
Nokukurumidza asati afa makore 20 gare gare, Joshua akaunganidza rudzi rwacho pamwe chete zvekare paShekemi kuti vasimbise chisarudzo chavo. Akaisa pamberi pavo chisarudzo icho munhu wose anofanira kuita. “Zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira,” akataura kudaro. “Asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” (Joshua 24:1, 15) Sezviri pachena, idzi kokorodzano dzinonyandura kutenda paShekemi dzaiorora zvikuru. Kwemakore akawanda pashure pokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakatevedzera muenzaniso wake wokutendeka.—Joshua 24:31.
Mazana emakore 15 gare gare apo Jesu akanga achizorora mumumvuri weGomo reGerizimi, kurukurirano inofadza yakaitika. Aneta nerwendo rurefu, Jesu akanga akagara patsime raJakobho apo mukadzi weSamaria ane jagi remvura akasvika. Mukadzi wacho akashamiswa zvikurusa apo Jesu akamukumbira mvura, sezvo vaJudha vakanga vasingataure kuvaSamaria, ndoda kunwira mumidziyo yavo. (Johane 4:5-9) Mashoko aJesu akatevera akatomushamisa zvikuru.
“Mumwe nomumwe, unonwa mvura iyi, uchava nenyotazve. Asi ani naani, unonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” (Johane 4:13, 14) Fungidzira kufarira kwemukadzi wacho chipikirwa ichocho, nokuti kuchera mvura muiri tsime rakadzika kwakanga kuri basa rakaoma. Jesu akatsanangurazve kuti pasinei zvapo noukoshi hwadzo munhau, Jerusarema kana kuti Gomo reGerizimi dzakanga dzisiri nzvimbo dzorudzidziso dzinokosha nokuda kwokusvika Mwari. Chimiro chemwoyo nemufambiro, kwete nzvimbo, ndizvo zvaikosha. “Vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi,” akadaro. “Nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.” (Johane 4:23) Mashoko iwayo anofanira kuva akanga achinyaradza sei! Zvekare uyu mupata wakava nzvimbo apo vanhu vaikurudzirwa kubatira Jehovha.
Nhasi guta reNablus riri parutivi pematongo eShekemi rekare. Gomo reGerizimi uye Gomo reEbhari achiri makuru mumupata wacho, achimira sezvapupu zvakanyarara zvezviitiko zvenguva yakapfuura. Tsime raJakobho, riri pasi peaya makomo, richiri ringashanyirwa. Sezvatinofungisisa zviitiko zvakaitika ipapo, tinoyeuchidzwa nezveukoshi hwokutsigira kunamata kwechokwadi, seizvo chaizvo Joshua naJesu vakatidzidzisa kuita.—Enzanisa naIsaya 2:2, 3.
[Mashoko Omuzasi]
a Ndudzi nhanhatu dzakanga dziri pamberi peGomo reGerizimi dzaiva Simeon, Revhi, Judha, Isaka, Josefa, uye Benjamini. Ndudzi nhanhatu dzakanga dziri pamberi peGomo reEbhari dzaiva Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, uye Naftari.—Dheuteronomio 27:12, 13.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.