RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 2/1 p. 32
  • Kumwe Kukunda kweZvapupu zvaJehovha muGreece

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumwe Kukunda kweZvapupu zvaJehovha muGreece
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 2/1 p. 32

Kumwe Kukunda kweZvapupu zvaJehovha muGreece

PANA October 6, 1995, mhaka yepamutemo inobatanidza vashumiri vaviri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha yakatongwa neMagistrate’s Court ine mitezo mitatu muAthens. Pomero yacho yakanga iri yekutendeutsa, uye kumhan’ara kwacho kwakanga kwaitwa nemupurisa pashure pokunge Zvapupu zvashanyira musha wake.

Mibvunzo yakabvunzwa nemutongi mukuru yakaratidza kuti akanga achifarira zvikuru basa reZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, akabvunza kuti: “Mave muchiita iri basa kwenguva yakareba sei? Vanhu vave vachikubatai sei mumakore apfuura? Kwave kune kugamuchirwa kwerudzii kubasa renyu? Munotaurei kuvanhu pamasuo avo?” Vose vakanga vari mukamuri redare vakasanoteerera kuuchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa.

Kukushamiswa kukuru kweZvapupu zvacho, kunyange murevereri wemhaka akataura achizvitsigira. “Zvapupu zvaJehovha zvine kodzero yepamutemo kwete bedzi yekudavira nokunamata Mwari wazvo,” akadaro mukutaura kwake kwekupedzisira, “asiwo yekuparadzira kutenda kwazvo pasuo nesuo, munzvimbo dzavose, uye mumigwagwa, kunyange kuparadzira mabhuku azvo pachena kana zvichishuva kuita saizvozvo.” Murevereri wemhaka akadudza zvisarudzo zvakasiyana-siyana zvokusava nemhaka zvakapiwa nematare uye Dare Rehurumende. Akanongedzerawo kumhaka yaKokkinakis v. Greece, yakatongwa mukutsigira Zvapupu zvaJehovha neEuropean Court of Human Rights.a “Ndapota cherekedzai,” akanyevera murevereri wemhaka wacho, “kuti Greece yakatobhadhara faindi muiyi mhaka. Naizvozvo tinofanira kungwarira zvikuru apo tinokumbirwa kutonga mhaka dzakadaro. Kutaura idi, idzi mhaka hadzifaniri kutongounzwa kudare pakutanga.”

Mushure mokutaura kwemurevereri wemhaka wacho, kwakanga kusisina zvakawanda zvakasara zvokuti gweta reZvapupu ritaure. Kunyange zvakadaro, rakashandisa mukana wacho kusimbisa kuti mutemo wekutendeutsa wakanga usiri wemubumbiro remitemo uye kuti wakanga uchikwenudza Greece mumarudzi akawanda.

Mutongi mukuru akangotarisa zvake kuvamwe vatongi vaviri, uye hama yacho nehanzvadzi vakasunungurwa pasina kupokana. Kutonga kwacho, uko kwakapedza awa imwe nemaminiti gumi, kwakanga kuri kukunda kwezvose zviri zviviri zita raJehovha nevanhu vake.

Uku kuwanwa zvisina mhaka kwechina inobatanidza kutendeutsa pashure pokunge mhaka yaKokkinakis yatongwa neEuropean Court of Human Rights. Zvapupu zvaJehovha muGreece zvinofara kuti zvinetso zvine chokuita nokuparidza kwazvo zvino zvinodokuva zvakapera uye kuti kunobvira kupfuuridzira basa racho pasina mhinganidzo.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi, September 1, 1993, mapeji 27-31.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe