RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 7/15 pp. 21-23
  • Izvo Zvisikwa “Zvakachenjera” Zvinogona Kutidzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Izvo Zvisikwa “Zvakachenjera” Zvinogona Kutidzidzisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Makwai Angu Anonzwa Inzwi Rangu”
  • “Chenjerai Senyoka, Mururame Senjiva”
  • “Mhashu Dzakanga Dzakaita Samabhiza Akagadzirirwa Kurwa”
  • Pfuurira Kuratidzira Mavara echiKristu
  • Nhamo Yokutanga—Mhashu
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Shanyira Nyika, Shanyira Makwai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vanofudza Netsitsi Makwai Maduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zuva raJehovha Rava Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 7/15 pp. 21-23

Izvo Zvisikwa “Zvakachenjera” Zvinogona Kutidzidzisa

KUDZORA tembiricha yomweya, kuderedza kuoma nechando, kubvisa munyu, uye kuziva zviri pasi pemvura zvinhu zvakaitwa kuzivikanwa zvikuru kurudzi rwomunhu muzana ramakore rechi20. Bva, izvo zvaiva mumhuka zviuru zvamakore pakuvamba zvikuru. Hungu, rudzi rwomunhu rwunobetserwa kupfurikidza nokufunda zvisikwa “zvakachenjera” zvakadaro. (Zvirevo 30:24-28; Jobho 12:7-9) Mhuka dzakati, kunoratidzika kudaro, dzazova vadzidzisi vasingatauri vorudzi rwomunhu, uye tinogona kuwana fariro huru mukudzinzvera.

Tinogona kubetserwa here nokurangarira mavara emhuka dzakati? Eya, Jesu Kristu akafananidza vateveri vake nemakwai, nyoka, njiva, uye kunyange mhashu. Chii chaairangarira apo akaenzanisa vateveri vake neizvi zvisikwa? Ngationei.

“Makwai Angu Anonzwa Inzwi Rangu”

Makwai anodudzwa muBhaibheri kanopfuura ka200. Seizvo Smith’s Bible Dictionary rinotsanangura, “gwai chiratidzo chounyoro, shiviriro, uye kuzviisa pasi.” Muna Isaya ganhuro 53, Jesu amene nenzira youporofita akafananidzwa negwai. Kwakakodzera sei kuti iye anofanira kuenzanisa vateveri vake nemhuka imwe cheteyo! Asi mavara api chaizvo egwai ayo Jesu akanga achirangarira?

“Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera,” Jesu akadaro. (Johane 10:27) Iye nokudaro akasimbisa unyoro hwavadzidzi vake uye kudisa kwavo kumutevera. Makwai chaiwoiwo anoteerera mufudzi wawo uye anomutevera nokudisa. Mufudziwo ane batano yapedyo neboka.

Boka ringava rakapararira kumhiri kune nzvimbo ine uswa pakufura, asi gwai rimwe nerimwe rinoramba richionana neboka rose zvaro. Nokudaro, apo mhuka dzinonzwa dzisina kuchengeteka kana kuti dzichivhundutswa, “dzinogona kukurumidza kuva pamwe,” rinotaura kudaro bhuku rinonzi Alles für das Schaf (Chinhu chiri chose nokuda kweGwai). Kana makwai akatiza kuti apukunyuke ngozi, anoita saizvozvo seboka, achimira padzimwe nguva kuti anzverezve mamiriro ezvinhu. “Kutiza muzvinhambwe kunobvumira makwayana uye mhuka dzakaneta kupfuurira. Mufudzi anotoagovera dziviriro chaiyo.” Chii chatinogona kudzidza kubva mumufambiro uyu?

VaKristu vechokwadi nhasi havana kupararira pakati pemasangano nemasekete echiKristudhomu. Panzvimbo pezvo, ivo vakaunganidzwa muboka rimwe. MuKristu mumwe nomumwe anonzwa batano yomunhu oga neiri boka raMwari, uye ikoku kunoparira chinzwano chesangano reZvapupu zvaJehovha. Panguva ipi kana ipi njodzi inoitika—chingava chirwere chakakomba, hondo, kana kuti ngwavaira yomusikirwo—munamati mumwe nomumwe anotsvaka nhungamiro nedziviriro kupi? Musangano raJehovha, iro rinopa chengeteko yomudzimu.

Zano reBhaibheri rinoitwa kuti riwanike sei? Kupfurikidza nezvinyorwa zvakadai seNharireyomurindi nemagazini biyayo, Mukai! Aya magazini nemisangano yechiKristu zvinotogovera betsero chaiyo kuavo vanoda itiro hanya yomuraudzo, vakafanana namakwayana nemakwai akaneta muboka. Somuenzaniso, ngwariro inopiwa kuvabereki vari voga uye kuavo vari kutambura nokuora mwoyo. Kuchenjera sei, naizvozvo, kurava magazini imwe neimwe, kupinda musangano uri wose weungano, uye kushandisa zvatinodzidza! Nenzira iyoyo tinoratidzira unyoro nebatano yakasimba neboka raMwari.—1 Petro 5:2.

“Chenjerai Senyoka, Mururame Senjiva”

Smith’s Bible Dictionary rinoti: “MuEast mose nyoka yaishandiswa sechiratidziro chenheyo yakaipa, yomudzimu wokusateerera.” Pano rumwe rutivi, “njiva yangu” rakanga riri shoko rokuda. (Rwiyo rwaSoromoni 5:2) Jesu airangarirei, ipapoka, apo iye akakurudzira vateveri vake kuva vaka“chenjera senyoka, mururame senjiva”?—Mateo 10:16.

Jesu akanga ari kupa mirayiridzo yokuparidza nokudzidzisa. Vadzidzi vake vaigona kukarira kugamuchirwa kwakavhengana. Vashomanene vaizoratidza fariro, nepo vamwe vaizoramba mashoko akanaka. Vamwe vaizototambudza ava vabatiri vechokwadi vaMwari. (Mateo 10:17-23) Vadzidzi vaifanira kuita sei kuchitambudzo?

MuDas Evangelium des Matthäus (Evhangeri yaMateo), Fritz Rienecker anoti pamusoro paMateo 10:16: “Uchenjeri . . . hunofanira kubatanidzwa neperero, uchokwadi, uye kuva akatendeseka, zvimwe chimwe chinhu chinofanira kuitika kuti chipe vavengi zvikonzero zvakasimba zvokunyunyuta. Nhume dzaJesu dziri pakati pevashori vane utsinye, avo vasingaratidzi kurangarira uye vakadenha vaapostora vasina ngoni uye pamukana mudukusa. Nokudaro, kuri madikanwa—kungofanana nenyoka—kuramba takasvinurira vashori, uye kuhwirudzura mamiriro ezvinhu nameso uye pfungwa zvakasvinura; kuramba uchidzora mamiriro ezvinhu pasina kunyengera kana kuti kunyengedza, kuva akachena uye wechokwadi mushoko uye muchiito uye nokudaro kuzvibvumikisa vamene kuva senjiva.”

Chii icho vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno vanogona kudzidza mumashoko aJesu anowanwa pana Mateo 10:16? Nhasi, vanhu vanoita kumashoko akanaka munzira yakafanana zvikuru nezvavakaita muzana rokutanga ramakore. Pavanenge vatarisana nechitambudzo, vaKristu vechokwadi vanofanira kubatanidza uchenjeri hwenyoka nokuchena kwenjiva. VaKristu havatongoshandisi kunyengedza kana kuti kusatendeseka asi ivo havana kuipiswa, ndevapachokwadi, uye vakatendeseka mukuzivisa shoko roUmambo kuvamwe.

Kuenzanisira: Shamwari pabasa, pwere muchikoro, kana kuti kunyange mitezo yemhuri yako umene ingaita tsinhiro dzinorwadza pamusoro pezvitendero zvako seChapupu chaJehovha. Kuita kwokukurumidza kungava kupindura nomutoo wakafanana kupfurikidza nokuva anoshora kutenda kwavo nenzira yakaenzana. Asi ikoko hakuna mhaka here? Nyangwe. Kana ukaratidza vatsoropodzi vako kuti tsinhiro dzavo hadzina tapuro pamufambiro wako unofadza, ivo vangangochinja nokuda kwezviri nani. Ipapo ungava zvose zviri zviviri akachenjera naasina chaanopomerwa—‘akachenjera senyoka, bva asina mhaka senjiva.’

“Mhashu Dzakanga Dzakaita Samabhiza Akagadzirirwa Kurwa”

Magazini inonzi GEO inoshuma kuti muna 1784, South Africa yakaparadzwa ne“boka gurusa [remhashu] rati rambonyorwa munhau.” Boka racho rakafukidza nharaunda yemasikweya kiromita 5 200, iyo inopfuura ukuru hweHong Kong nekanenge kashanu. Smith’s Bible Dictionary rinotaura kuti mhashu “inoita kuparadza kwakaipa pazvirimwa munyika dzainoshanyira.”

Mukuzivisa kwake kwakapiwa naMwari zvinhu zvaizoitika mukati me“zuva raShe,” Jesu akashandisa chiono cheboka remhashu. Pamusoro padzo zvakanzi: “Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa.” (Zvakazarurwa 1:1, 10; 9:3-7) Chii chakanga chiri revo youyu mufananidzo?

Zvapupu zvaJehovha zvanguve zvichinzwisisa kuti mhashu dzaZvakazarurwa ganhuro 9 dzinoratidzira vabatiri vakazodzwa vaMwari pasi pano muzana rino ramakore.a Ava vaKristu vakagoverwa basa chairo—kuparidza shoko roUmambo mupasi rose uye kuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Ikoku kunoda kuti vakurire mhinganidzo uye kunamatira kubasa ravo. Chii chingagona kuenzanisira ikoku zviri nani kupfuura mhashu dzine ushingi?

Kunyange zvazvo iri duku kumasendimita mashanu muurefu, mhashu inowanzofamba pakati pemakiromita 100 ne200 pazuva. Mhashu yomurenje ingatowedzera ikoku kusvikira kumakiromita 1 000. GEO inotsanangura kuti “mapapiro ayo anobhabhama ka18 pasekondi uye kusvikira kumaawa 17 pazuva—chimwe chinhu icho pasina chimwe chipembenene chinogona kuita.” Ibasa guru rakadini nokuda kwechisikwa chiduku chakadaro!

Seboka, Zvapupu zvaJehovha zvakasimba mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Zvino izvo zvinoparidza munyika dzinopfuura 230. Ava vabatiri vaMwari vanokurira zvinetso zvakawanda kuti vave negoverano mukuita basa racho. Rudzii rwezvinetso zvavanotarisana nazvo? Fungira mano akaipa, ganhuriro dzapamutemo, chirwere, kuodzwa mwoyo, uye kushorwa nehama dzokunyama zvinongova zvishomanene chete. Asi hapana chinhu chakagona kumisa kufambira mberi kwazvo. Izvo zvinoomerera kubasa razvo razvakapiwa naMwari.

Pfuurira Kuratidzira Mavara echiKristu

Hungu, Jesu akafananidza vateveri vake namakwai, nyoka, njiva, uye mhashu. Ikoku zvirokwazvo kwakafanira nokuda kwezuva redu. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti mugumo wetsika ino yezvinhu wava pedyo, uye zvinetso zviri kudzvinyirira zvikuru kupfuura nakare kose.

Vachirangarira mashoko okufananidzira aJesu, vaKristu vechokwadi vanosanonamatira kuboka raMwari uye nenzira younyoro vanogamuchira zano rinobva kusangano raJehovha. Ivo vanoramba vakarinda uye vakasvinurira mamiriro ezvinhu angagona kudzivisa mibato yavo yechiKristu, nepo vachiramba vasingazvidzwi muzvinhu zvose. Uyezve, ivo vanopfuurira mukuita kuda kwaMwari pasinei hapo nemhinganidzo. Uye vanopfuurira kudzidza muzvisikwa “zvakachenjera.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., ganhuro 22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe