Chengeta Chirangaridzo Zvakafanira
AKANGA ari manheru aNisani 14, 33 C.E., apo Jesu akavamba Chirangaridzo.a Akanga achangopedza kuchengeta kuchengetwa kwePaseka navaapostora vake 12, naizvozvo tinogona kuva nechokwadi nemusi wacho. Pashure pokudzinga mutengesi, Judhasi, Jesu “akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu. Akatora mukombe, akaonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari: Ichi iropa rangu resungano itsva, rinodururirwa vazhinji.”—Marko 14:22-24.
Jesu akarayira vadzidzi vake kuchengeta rufu rwake nemhaka youkoshi hwarwo. (Ruka 22:19; 1 VaKorinte 11:23-26) Chake chakanga chiri chibayiro bedzi chaigona kudzikinura rudzi rwomunhu pashurikidzo yechivi norufu zvakagarwa nhaka. (VaRoma 5:12; 6:23) Chingwa newaini zvaakashandisa zvakanga zviri zviratidzo zvemuviri wake wakakwana neropa rake. Tichiziva musi wapakuvamba, tinogona kuchengeta chiitiko chacho pazuva rinowirirana gore rimwe nerimwe, kungofanana nezvakanga zvichiitwa nePaseka yechiJudha. Asi tinofanira kuita saizvozvo zvakafanira. Neiko?
Muapostora Pauro akataura kuti avo vanodya zviratidziro zvechingwa newaini vaizo“paridza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.” (1 VaKorinte 11:26) Ngwariro huru yokuchengeta kwacho nokudaro yaizova parufu rwaJesu nerevo yarwo nokuda kworudzi rwomunhu. Chiitiko chacho chaizova chakakomba, nguva yokurangarira kunaka kwaMwari uye kuonga kwatinofanira kuva nako nokuda kwaJehovha neMwanakomana wake. (VaRoma 5:8; Tito 2:14; 1 Johane 4:9, 10) Naizvozvo, Pauro akanyevera, kuti: “Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutoo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.”—1 VaKorinte 11:27.
Zvakafanira—Sei?
Sezvinooneka, Mwari angasafadzwa kana tikasvibisa chiitiko chacho kupfurikidza nokupinda mumiitiro inopanikirika kana kuti kupfurikidza nokugamuchira tsika dzechihedheni. (Jakobho 1:27; 4:3, 4) Ikoku kwaizobvisa zviitiko zvakakurumbira zvenguva yeIsita. Mukutevera murayiridzo waJesu woku“ita. . . izvi, [ti]go[mu]rangarira,” tingada kuchengeta Chirangaridzo kungofanana nekuvamba kwaakachiita. (Ruka 22:19; 1 VaKorinte 11:24, 25) Ikoku kwaizobvisa kugadzirwa kwokunze kwakawedzerwa kukuchengeta kwacho nechechi dzechiKristudhomu. New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti “Misa yanhasi yakasiyana zvikuru nekuchengeta kumene kwakapfava kwakateverwa naKristu naVaapostora Vake.” Uye kupfurikidza nokuchengeta Misa kazhinji kazhinji, kunyange zuva nezuva, chiKristudhomu chakabva pane izvo Jesu akaronga uye chakaiita chiitikowo hacho.
Pauro akanyorera vaKristu veKorinte pamusoro pokudya zvisina kufanira nemhaka yokuti chinetso chakanga chamuka muungano pamusoro peChirairo chaShe. Vamwe havana kuremekedza kuera kwacho. Vaiunza chirairo chavo ndokuchidya musangano usati wavamba kana kuti mukati mawo. Kazhinji kazhinji vaidya nokunwa zvakanyanyisa. Ikoku kwakavaita vanotsimwaira ndokuita kuti pfungwa dzavo dzisafunge. Kupfurikidza nokusava vakasvinurira mundangariro nomumudzimu, vaisagona “kunzwisisa muviri” uye nokudaro vakava “nemhosva yomuviri neropa raShe.” Munguvayo, avo vakanga vasina kuva nechirairo vakanga vaine nzara uye vakava vanotsauswawo. Vanodokuva vose zvavo vakanga vasiri mumamiriro ezvinhu okudya zviratidziro nekunzwisisa nekuzivikanwa kwakazara kwoukombi hwechiitiko chacho—kuti kuchengeta kwacho kwakanga kuri kwokuyeuka rufu rwaShe. Ikoku kwakaguma norutongeso nokuda kwavo, nokuti vakanga vachiratidza kusachiremekedza, kunyange kuchizvidza.—1 VaKorinte 11:27-34.
Kunzwisisa Kunodikanwa
Vamwe vakadya zviratidziro zveChirangaridzo kunyange zvazvo, gare gare, vakaziva kuti vakanga vachifanira kuva vasingaiti saizvozvo. Avo vanodya zvakarurama zviratidziro zveChirangaridzo vakasarudzwa naMwari uye vane chipupuriro chomudzimu waMwari waikoko. (VaRoma 8:15-17; 2 VaKorinte 1:21, 22) Hachisati chiri chisarudzo chavo chomunhu oga kana kuti kutsunga uko kunovaita vakafanira. Mwari akaganhurira nhamba yaavo vachatonga naKristu mumatenga ku144 000, nhamba duku zvikuru ichienzaniswa neavo vose vanobetserwa nerudzikinuro rwaKristu. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Kusarudza kwacho kwakavamba muzuva raJesu, naizvozvo pakupedzisira nhasi kune vadyi vashomanene bedzi. Uye sezvo rufu runosvikira vamwe vavo, nhamba iyoyo inofanira kuderera.
Neiko munhu angadya zvisina kururama zviratidziro? Kungava nemhaka yemirangariro yerudzidziso yakare—yekuti vose vakatendeka vanoenda kudenga. Kana kuti kungava nemhaka yegwinyiro kana kuti udyire—kunzwa kwokuti anokodzera zvikuru kupfuura vamwe—uye chishuvo choutanhamari. Zvichida mugumisiro wemirangariro yakasimba inobva muzvinetso zvakakomba kana kuti ngwavaira iyo inoita kuti munhu asafarire upenyu pasi pano. Kungavawo nemhaka yeushamwari hwapedyo nemumwe munhu ane kudanwa kwokudenga. Tose zvedu tinofanira kuyeuka kuti chisarudzo ndechaMwari chose chose, kwete chedu. (VaRoma 9:16) Naizvozvo kana munhu, “azviidz[a],” akawana kuti chaizvoizvo haafaniri kuve achidya zviratidziro, anofanira kurega zvino.—1 VaKorinte 11:28.
Tariro iyo Mwari akaisa pamberi pavazhinjisa vorudzi rwomunhu ndeiya yeupenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Ichocho chikomborero chikuru chokukarira, uye icho tinogona kufarira zviri nyore. (Genesi 1:28; Pisarema 37:9, 11) Vakatendeka vachabatanidzwazve navanomutswa vavo vanodiwa pasi pano uye vachasangana navakarurama vekare, vakadai saAbrahama, Sara, Mosesi, Rakabhi, Dhavhidhi, uye Johane Mubhapatidzi—vose vakafa Jesu asati azarura nzira yokuupenyu hwokudenga.—Mateo 11:11; Enzanisa na1 VaKorinte 15:20-23.
Avo vane tariro dzapasi vanochengeta Chirairo chaShe zvakafanira kupfurikidza nokupinda kwavo nekungwarira kwokuremekedza, kunyange zvazvo vasingadye chingwa newaini. Ivowo vanobetserwa nechibayiro chaKristu, icho chinovagonesa kuva nechimiro chakanaka pamberi paMwari. (Zvakazarurwa 7:14, 15) Sezvavanoteerera hurukuro inopiwa, kunzwisisa kwavo zvinhu zvinoyera kunosimbiswa, uye chishuvo chavo chokuramba vakabatana navanhu vaMwari kwose kwose chinokura.
Gore rino, pashure pokudeuka kwezuva paChipiri, April 2, Chirangaridzo chichachengetwa muungano dzose dzinopfuura 78 000 dzeZvapupu zvaJehovha pasi rose. Uchavapo here?
[Mashoko Omuzasi]
a Zuva rechiJudha raivamba manheru. Maererano nekarenda yedu, Nisani 14 iyeye aibva pakuvamba kweChina manheru, March 31, kusvikira pakudeuka kwezuva kweChishanu manheru, April 1. Chirangaridzo chakavambwa paChina manheru, uye rufu rwaJesu rwakaitika paChishanu masikati ezuva rimwe chetero rechiJudha. Akamutswa pazuva rechitatu, Svondo mangwanani-ngwanani.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta Chirangaridzo kamwe gore rimwe nerimwe