RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 4/1 p. 9
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 4/1 p. 9

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha

MUMHARIDZO yake yapaGomo, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:16) Nenzira yakafanana, vaKristu vechokwadi nhasi vanobatikana mu“mabasa . . . akanaka” ayo anorumbidza Jehovha.

Mabasa aya akaisvonaka ndeapi? Anobatanidza kuparidzwa kwamashoko akanaka, asi mufambiro wedu womuenzaniso rutiviwo runokosha. Kazhinji kazhinji ndiwo mufambiro wedu wakanaka unokwezvera vanhu pakutanga kuungano yechiKristu. Zvakaitika zvinotevera zvinoratidzira nzira iyo Zvapupu zvaJehovha muMartinique zviri ‘kurega chiedza chazvo chichipenya pamberi pavanhu.’

◻ Ari mubasa rokuparidza paimba neimba, mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira mumwe mukadzi weKaturike. Kwamakore 25 mukadzi uyu akanga ave achigara nomurume waakanga asina kuroorwa naye. Akanga akarovedzana nedzidziso dzeZvapupu zvaJehovha, sezvo iye, anenge makore manomwe pakuvamba, akanga agamuchira bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.a Mukadzi wacho akaudza Chapupu, kuti: “Kune marudzidziso akawanda zvikuru. Handizivi wokudavira pakati penyongano yose iyi.” Chapupu chacho chakatsanangura kuti zvokwadi inogona kuwanwa bedzi muBhaibheri uye kuti kuitira kuti aiwane, aifanira kufunda Magwaro nokungwarira ndokunyengetera kuna Mwari nokuda kwomudzimu wake nenhungamiro.

Kwenhambo yakati yenguva, kunyange zvazvo aifarira kufunda Bhaibheri, mukadzi wacho akaramba kokero dzakati dzokupinda misangano yechiKristu paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Neiko? Akanga achinyara zvikuru. Zvisinei, pashure pokugamuchira kokero yeChirangaridzo chorufu rwaKristu, akakurira kunyara kwake ndokupinda.

Chakamuorora zvikurusa pamusoro pemusangano wacho yakanga iri mhoteredzo yorudo muHoro yoUmambo. Akanga asati atongova neushamwari hwechokwadi hwakadaro muchechi yake! Pashure pemusangano iwowo akavamba kupinda misangano yose yaiitiswa neZvapupu zvomunzvimbomo, uye nokukurumidza akaroorwa nomurume waakanga achigara naye. Zvino mutezo wakabhapatidzwa weungano.

◻ Mabasa akaisvonaka echimwe Chapupu akaparira migumisiro yakanaka. Chakanga chine nzvimbo inokosha mune imwe hofisi. Pashure pokunge mumwe murume anobva kuchitsuwa cheRéunion apinzwa basa, vamwe vavashandi vakavamba kumuseka nemhaka yokupfupika kwake. Akava chinhu chinosekwa. Mukupesana, Chapupu chacho chaigarova nemutsa uye kuremekedza murume wacho. Nokukurumidza akanga ava kubvunza chikonzero nei akanga akasiyana kwazvo.

Chapupu chacho chakatsanangura kuti mufambiro wacho wokuremekedza wakanga uri mugumisiro wenheyo dzeBhaibheri dzachakanga chadzidza kuZvapupu zvaJehovha. Chakamuratidzawo izvo Magwaro anotaura pamusoro pezvinangwa zvaMwari netariro yenyika itsva. Murume wacho akabvuma fundo yeBhaibheri, akavamba kupinda misangano yechiKristu, uye akaroora mukadzi waakanga ave achigara naye.

Pakupedzisira akadzokera kuRéunion. Munguva yakapfuura, akanga ava nezvinetso nehama dzake dzokunyama, zvikurukuru nemhuri yomudzimai wake. Asi zvino vakaororwa zvikuru nemufambiro wake wechiKristu wakaisvonaka. Murume wacho akabhapatidzwa uye panguva ino mubatiri anoshumira. Mitezo inoverengeka yemhuri yacho, kubatanidza mudzimai wake navanasikana vaviri, vanobatirawo muungano yechiKristu savaparidzi vamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe