RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/15 pp. 8-9
  • Kuteerera Mashoko aJesu Okuoneka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuteerera Mashoko aJesu Okuoneka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Itai Izvi, Mugondirangarira”
  • ‘Ndinokupai Murayiro Mutsva’
  • ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kudya kwaShe Kwemanheru Kunoreva Zvakawanda Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/15 pp. 8-9

Vakaita Kuda KwaJehovha

Kuteerera Mashoko aJesu Okuoneka

PAMANHERU aNisani 14, 33 C.E., Jesu Kristu navaapostora vake 11 vakatendeka vakatsenhama patafura mune rimwe kamuri rapamusoro muJerusarema. Achiziva kuti rufu rwake rwakanga rwava pedyo, akavaudza, kuti: “Ndichiri nemi chinguva chiduku.” (Johane 13:33) Kutaura idi, Judhasi Iskarioti atova munzira kundorangana navanhu vakashata avo vaida kuti Jesu aurawe.

Hapana munhu aiva mukamuri iroro rapamusoro akaziva ukoshi hwemamiriro ezvinhu kupfuura zvakaita Jesu. Aisanoziva kuti akanga odokutambura. Jesu aizivawo kuti vaapostora vake vaizomusiya pausiku ihwohwo humene. (Mateo 26:31; Zekaria 13:7) Sezvo uyu wakanga uri mukana wokupedzisira waJesu asati afa kutaura navaapostora vake, tinogona kuva nechokwadi chokuti mashoko ake okuoneka akanangidzira ngwariro pazvinhu zvoukoshi hukurusa zvikuru.

“Itai Izvi, Mugondirangarira”

Navaapostora vake vakatendeka, Jesu akatanga kuchengeta kutsva kwaizotsiva Paseka yechiJudha. Muapostora Pauro akakudana kuti “chirairo chaShe.” (1 VaKorinte 11:20) Achitora chingwa chisina kuviriswa, Jesu akanyengetera. Ipapo akamedura chingwa ndokuchipa vaapostora vake. “Torai, mudye; ichi ndiwo muviri wangu,” akadaro. Ipapo akatora mukombe wewaini, akapa munyengetero wokuonga ndokuupa vaapostora, achiti: “Inwai mose pauri. Nokuti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.”—Mateo 26:26-28.

Ndeipi yaiva revo yechiitiko ichi? Sezvakaratidzira Jesu, chingwa chaimirira muviri wake wakanga usina chivi. (VaHebheru 7:26; 1 Petro 2:22, 24) Waini yaimirira ropa raJesu rakateurwa, iro raizobvirisa kukanganwirwa kwezvivi. Ropa rake rechibayiro raizosimbisawo sungano itsva pakati paJehovha Mwari navanhu 144 000, avo pakupedzisira vaizotonga naJesu mudenga. (VaHebheru 9:14; 12:22-24; Zvakazarurwa 14:1) Kupfurikidza nokukoka vaapostora vake kuti vadye zvokudya izvi, Jesu akaratidzira kuti vaizogoverana naye muUmambo hwokudenga.

Pamusoro pechidyo ichi chokuchengeta, Jesu akaraira, kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Ruka 22:19) Hungu, Chirairo chaShe chaizova chiitiko chegore negore, kungofanana nezvakanga zvakaita Paseka. Nepo Paseka yaichengeta kununurwa kwavaIsraeri muuranda muEgipita, Chirairo chaShe chaizonangidzira ngwariro pakununurwa kukuru zvikuru—uko kworudzi rwomunhu runodzikinurika kuiswa muuranda kuchivi norufu. (1 VaKorinte 5:7; VaEfeso 1:7) Kupfuurirazve, avo vaidya chingwa newaini zvekuratidzira vaizoyeuchidzwa nezveropafadzo dzavo dzeramangwana samadzimambo navaprista muUmambo hwaMwari hwokudenga.—Zvakazarurwa 20:6.

Rufu rwaJesu Kristu rwakanga rwuri zvirokwazvo chiitiko chinokosha zvikurusa munhau yomunhu. Avo vanoonga izvo Jesu akaita vanoteerera murayiro wake pamusoro peChirairo chaShe: “Itai izvi, mungondirangarira.” Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta rufu rwaJesu gore rimwe nerimwe pamusi unowirirana naNisani 14. Muna 1996 musi uyu unovapo pana April 2, pashure pokudeuka kwezuva. Unokokwa nomwoyo wose kuti upinde paHoro yoUmambo iri munharaunda yako.

‘Ndinokupai Murayiro Mutsva’

Kunze kwokutanga Chirairo chaShe, Jesu akanga aine zano rokuoneka nokuda kwavaapostora vake. Pasinei zvapo nerovedzo yavo yakaisvonaka, varume ava vakanga vaine zvakawanda zvokudzidza. Vaisanzwisisa zvizere chinangwa chaMwari nokuda kwaJesu, nokuda kwavo, kana kuti nokuda kweramangwana. Asi Jesu haana kuedza kujekesa zvinhu zvose izvi panguva ino. (Johane 14:26; 16:12, 13) Panzvimbo pezvo, akataura nezvechimwe chinhu choukoshi hukuru. “Ndinokupai murairo mutsva,” akadaro, “wokuti mudane sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” Jesu ipapo akawedzera, kuti: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”—Johane 13:34, 35.

Uyu wakanga uri “murairo mutsva” munzirai? Eya, Mutemo waMosesi wakarayira, kuti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:18) Zvisinei, Jesu akakumbira vateveri vake kuti varatidze rudo rwokuzvibayira urwo rwaizosvika kupfundo rokupa upenyu hwomunhu nokuda kwavaKristu biyake. Chokwadika, ‘murairo worudo’ waizoshandawo mumamiriro ezvinhu asina kunyanyooma zvikuru. Mumamiriro ose ezvinhu muteveri waJesu Kristu aizotanga mukutaridzira rudo kupfurikidza nokubetsera vamwe mumudzimu uye nenzira yakasiyana.—VaGaratia 6:10.

Pausiku uhwu hwokupedzisira hwoupenyu hwaJesu hwapasi, rudo rwakasunda Jesu kunyengetera kuna Jehovha Mwari nokuda kwavadzidzi vake. Murutivi, akanyengetera, kuti: “Ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu.” (Johane 17:11) Kunokosha kuti muchikumbiro chino kuna Baba vake, Jesu akanyengeterera chinzwano chorudo chavateveri vake. (Johane 17:20-23) Vaifanira ku‘danana sezvo Jesu akavada.’—Johane 15:12.

Vaapostora vakatendeka vakateerera mashoko aJesu okuoneka. Isuwo tinofanira kuwirirana nemirayiro yake. Mune ano “mazuva okupedzisira” akaoma, rudo nechinzwano pakati pavanamati vechokwadi zvinokosha zvikuru kupfuura nakare kose. (2 Timotio 3:1) Zvirokwazvo, vaKristu vechokwadi vanoteerera mirayiro yaJesu ndokuratidzira rudo rwouhama. Ikoku kunobatanidza kuteerera murayiro wake wokuchengeta Chirairo chaShe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe