RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/15 p. 3
  • Tinoda Shamwari Dzechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoda Shamwari Dzechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Tichida Shamwari Dzechokwadi
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Unogona Kufarikanya Ushamwari Hunopfuurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/15 p. 3

Tinoda Shamwari Dzechokwadi

JENNY naSue vari kuva nekurukurirano inofadza. Kunyemwerera kunooneka, maziso anoratidza mufaro—maitire avo ose anoratidza kufarira zvikuru izvo mumwe munhu ari kutaura. Kunyange zvazvo vari vamamirire ezvinhu akasiyana, sezviri pachena vane zvakawanda zvakafanana uye vanoremekedzana zvikuru.

Kune imwe nzvimbowo, Eric naDennis vari kushanda pamwe chete pabasa, rimwe reakawanda avashanda kwamakore akawanda. Vakasununguka, uye havatani kuseka. Sezvo kurukurirano inova yenhau dzakakomba, vanotsinhana mifungo nenzira yokutendeseka. Vanoremekedzana. Kufanana naJenny naSue, Eric naDennis ishamwari dzechokwadi.

Idzi rondedzero dzingafadza mwoyo wako, dzichiita kuti ufunge pamusoro peshamwari dzako umene. Pane rumwe rutivi, dzingaita kuti upange ushamwari hwakadaro. Iwewo unogona kuva nahwo!

Chikonzero Nei Tichida Shamwari Dzechokwadi

Ushamwari hwakanaka hunokosha kugarikano yedu yendangariro neyomuviri. Apo tinenge tichinzwa tine ushoma, zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti pane chimwe chinhu chisina kururama nesu. Vamwe vanzveri vanotaura kuti ushoma kushuva, chiratidzo chomuzvarirwo chokuti tinoda ushamwari. Zvisinei, sezvo zvokudya zvichideredza kana kuti kupedza nzara, rudzi rwakarurama rwoushamwari runogona kuderedza ushoma kana kuti kunyange kuhupedza. Zvakare, kuva neshamwari dzakanaka dzinotikoshesa hakusati kuri kusingabviri.

Vanhu vakasikwa vaine chishuvo choushamwari. (Genesi 2:18) Bhaibheri rinotaura kuti shamwari yechokwadi, kana kuti mufambidzani, “inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Nokudaro, shamwari dzechokwadi dzinofanira kukwanisa kukumbirana betsero apo inodikanwa. Asi ushamwari hunoreva zvinopfuura kungova nomumwe munhu wokutsvaka betsero kwaari kana kuti kuva mufambidzani mubasa kana kuti mukutamba. Shamwari dzakanaka dzinoita kuti mumwe nomumwe aratidzire mavara akanakisisa. Zvirevo 27:17 inoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” Sezvo simbi ichigona kushandiswa kurodza urodze hwakagadzirwa nesimbi imwe cheteyo, shamwari imwe ingabudirira mukurodza chimiro chendangariro nechomudzimu chomumwe. Kana kuodzwa mwoyo kuchitisuruvarisa, kutarira kwokunzwira tsitsi kweshamwari nekurudziro yapaMagwaro zvinogona kuva zvinosimudzira zvikuru.

MuBhaibheri, ushamwari hunobatanidzwa norudo, kurovedzana, kuchengeta zvakavanzika, uye kuva nomumwe. Ushamwari hungabatanidza vavakidzani, vashandi biyako, zvichingodaro. Vamwe vanorangarirawo hama dzokunyama dzakati pakati peshamwari dzavo dzapedyosa. Nokuda kwavakawanda nhasi, zvisinei, shamwari dzechokwadi dzakaoma kuwana nokuchengeta. Neiko ikoku kwakadaro? Unogona kufarikanya ushamwari hwechokwadi uye hunopfuurira here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe